- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Rwiyo
RWIYO RUKURU RWASOROMONI
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
Mukadzi
Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.
Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;
zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.
Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
Nditorei muende neni, ngatikurumidzei.
Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.
Shamwari
Tinokupembererai uye tinokufarirai;
ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.
Mukadzi
Regai zvenyu mhandara dzikudei!
Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu,
vanasikana veJerusarema,
ndakasviba samatende eKedhari,
sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu,
nokuti ndakasvibiswa nezuva.
Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira
vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa;
munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako
nokwaunozorodzera makwai ako masikati.
Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake
pedyo namakwai eshamwari dzako?
Shamwari
Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe,
chitevera makwara amakwai
ugondofudzira mbudzana dzako
pedyo namatende avafudzi.
Murume
Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa
pane imwe yengoro dzaFaro.
Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete,
mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
Tichakugadzirira mhete
dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
Mukadzi
Mambo paakanga agere patafura yake,
munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura
kanogara pakati pamazamu angu.
Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena
anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
Murume
Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!
A-a, wakazonaka!
Meso ako injiva chaidzo!
Mukadzi
Wakanaka sei, mudiwa wangu!
A-a, unofadza!
Uye mubhedha wedu wakasvibira.
Murume
Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari;
mbariro dzacho ndedzomupaini.
Mukadzi
Ndiri ruva reSharoni,
ruva romumipata.
Murume
Seruva riri pakati peminzwa,
ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.
Mukadzi
Somuti womuapuro pakati pemiti yesango,
ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya.
Ndinofarira kugara mumumvuri wake,
uye muchero wake unondinakira kuudya.
Akaenda neni kuimba yamabiko,
uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.
Ndisimbise namazambiringa akaomeswa,
ndisimbise namaapuro;
nokuti ndoziya norudo.
Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,
uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai
nemhara uye nenondo dzesango:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
Inzwai! Inzwi romudiwa wangu!
Tarirai! Hoyo
ouya achiuruka nomumakomo,
achikwakuka nomuzvikomo.
Mudiwa wangu akafanana nemhara
kana netsvana yenondo.
Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu,
akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.
Mudiwa wangu akataura kwandiri akati,
“Simuka, mudiwa wangu,
iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.
Tarira! Nguva yechando yapera;
mvura yapera; uye haichanayi.
Maruva oonekwa panyika;
nguva yokuimba yasvika,
kurira kwenjiva
kwonzwikwa munyika yedu.
Muonde wobereka michero yawo yokutanga;
uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo.
Simuka, uya, mudiwa wangu;
munakunaku wangu, uya tiende tose.”
Murume
Njiva yangu iri mumikaha yedombo,
munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo,
ndiratidze chiso chako,
ndinoda kunzwa inzwi rako;
nokuti inzwi rako rinotapira,
uye chiso chako chinoyevedza.
Tibatirei makava,
ivo vana vemakava
anoparadza minda yemizambiringa,
iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.
Mudiwa
Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake;
anofamba-famba pakati pamaruva omubani.
Kusvikira zuva rabuda
uye mimvuri yatiza,
pinduka, mudiwa,
ubve waita semhara
kana tsvana
pamusoro pezvikomo.
Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu
ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu;
ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta,
mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro;
ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu.
Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Varindi vakandiona
pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.
“Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”
Ndichingopfuudzana navo
ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu.
Ndakamubata ndikasamuregedza
kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu,
kuimba yaavo vakandibereka.
Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai
nemhara kana nenondo dzesango kuti:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje
seshongwe youtsi
ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira
zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?
Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni,
yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda,
apamusoro-soro omuIsraeri.
Mumwe nomumwe wavo akabata munondo
vose vakarwa hondo,
mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake,
vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.
Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro;
akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.
Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,
pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe.
Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru,
mukati mayo makashongedzwa norudo
navanasikana veJerusarema.
Budai imi vanasikana veZioni,
muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona,
korona yaakapfekedzwa namai vake
musi wesvitsa,
zuva iro mwoyo wake wakafara.
Murume
Wakanaka sei, mudiwa wangu!
A, wakazonaka!
Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo.
Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi
riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa,
ari kubva kundoshambidzwa.
Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro,
pasina rimwe riri roga zvaro.
Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku;
muromo wako wakaisvonaka.
Zvavovo zvako zviri mumumbure wako
zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi
yakavakwa zvinoyevedza.
Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru,
dzose dziri nhoo dzemhare.
Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara,
mapatya emhara
dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.
Kusvikira zuva rabuda
uye mimvuri yotiza,
ndichaenda kugomo remura
nokuchikomo chezvinonhuhwira.
Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu;
mauri hamuna kana chinongo.
Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu,
ngatibvei tose kuRebhanoni.
Buruka kubva pamusoro-soro peAmana,
kubva pamusoro peSeniri,
pamusoro-soro peHerimoni,
kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu;
wanditora mwoyo
nokungondiringa kwawaita kamwe chete,
uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu!
Rudo rwako runofadza sei kukunda waini,
uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora
kunokunda zvose zvinonhuhwira.
Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu;
uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako.
Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu.
Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.
Miti yako ibindu ramatamba
nemimwe michero yakaisvonaka,
hena nenaridhi,
naridhi nesafuroni,
karamusi, nesinamoni,
nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira
nemura negavakava,
uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.
Uri chitubu chomubindu,
tsime remvura inoerera,
inoerera ichibva kuRebhanoni.
Mukadzi
Muka, iwe mhepo yokumusoro,
uye uya iwe mhepo yezasi!
Vhuvhuta napabindu rangu
kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose.
Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake,
agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.
Murume
Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu;
ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu.
Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu;
ndanwa waini yangu nomukaka wangu.
Shamwari
Idyai, imi shamwari, uye munwe;
inwai mugute, imi vanodanana.
Mukadzi
Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura.
Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti,
“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu,
njiva yangu, wangu asina chinongo.
Musoro wangu wanyorova nedova,
bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”
Ndabvisa nguo yangu,
ndoipfekazve here?
Ndashambidza tsoka dzangu,
ndodzisvibisazve here?
Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova;
mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.
Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu,
maoko angu akadonha mura,
mimwe yangu ichiyerera mura,
pazvibato zvechizarira.
Ndakazarurira mudiwa wangu,
asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda.
Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake.
Ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Ndakamudana asi haana kupindura.
Varindi vakandiona
pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.
Vakandirova, vakandikuvadza;
vakanditorera jasi rangu,
ivavo varindi vamasvingo!
Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai,
kana mukaona mudiwa wangu,
muchamuudzeiko?
Mumuudze kuti ndinorwara nerudo.
Shamwari
Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,
iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?
Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,
zvaunotirayira kudaro?
Mukadzi
Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku,
anokunda vanokwana zviuru gumi.
Musoro wake igoridhe chairo;
bvudzi rake rinoyevedza
uye rakasviba segunguo.
Meso ake akafanana nenjiva
dziri pahova dzemvura,
dzakashambidzwa mumukaka,
akarongwa sezvishongo.
Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira
inobereka zvinonhuhwira.
Miromo yake yakaita samaruva amahapa
anodonha mura.
Maoko ake itsvimbo dzegoridhe
dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite.
Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya
dzakashongedzwa nesafire.
Makumbo ake imbiru dzamabwe machena
akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa.
Chimiro chake chakaita seRebhanoni,
chakanakisisa semisidhari yayo.
Muromo wake inhapitapi pachayo;
zvirokwazvo akaisvonaka.
Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu,
imi vanasikana veJerusarema.
Shamwari
Ko, mudiwa wako aendepiko,
iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?
Mudiwa wako aenda nokupiko,
kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?
Mukadzi
Mudiwa wangu adzika kubindu rake,
kumihomba yezvinonhuwirira,
kuti andomema mumapindu
uye agotanha maruva.
Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu;
anomema pakati pamaruva.
Murume
Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza,
unoyevedza seJerusarema,
unoremekedzeka samauto ane mireza.
Bvisa meso ako pandiri;
anondikunda.
Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi
riri kuburuka muGireadhi.
Meno ako akafanana neboka ramakwai
achangobva mukushambidzwa.
Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro,
pasina riri roga zvaro.
Zvavovo zvako zviri mumumbure wako
zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu,
navarongo makumi masere
nemhandara dzisingaverengeki;
Asi njiva yangu, iye akakwana wangu,
ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake,
iye woga anodikanwa naiye akamubereka.
Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa.
Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza.
Shamwari
Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza,
akanaka somwedzi, anopenya sezuva,
akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?
Murume
Ndakadzika kusango remiti yemipfura
kundoona zvitsva zvakamera mumupata,
kundoona kana mizambiringa yainge yabukira,
kana kuti mitamba yainge yava namaruva.
Ndisati ndambodii,
mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.
Shamwari
Dzoka, dzoka iwe muShurami;
dzoka, dzoka kuti timbokuona!
Mudiwa
Ko, munodirei kuona muShurami
sezvamunoita mutambo weMahanaimi?
Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu,
iwe mwanasikana womuchinda!
Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo,
basa ramaoko emhizha.
Guvhu rako rakatenderera somukombe
unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka.
Chiuno chako murwi wegorosi
wakakomberedzwa namaruva.
Mazamu ako akaita setsvana mbiri,
mapatya emhara.
Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou.
Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni
pasuo reBhati Rabhimi.
Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni
yakatarisa kudivi reDhamasiko.
Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri.
Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo;
mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako.
Wakanaka uye unofadza sei,
iwe mudiwa nezvinofadza zvako!
Chimiro chako chakaita somuti womuchindwe;
uye mazamu ako samasumbu omuchero.
Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu,
ndigobata muchero wawo.”
Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa,
munhuwi wokufema kwako uite samaapuro,
muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa.
Mukadzi
Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko,
igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.
Ini ndiri womudiwa wangu,
uye iye anondishuva.
Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda,
tigozopedza usiku hwose kumaruwa.
Ngatimukirei kuminda yemizambiringa
tindoona kana mizambiringa yakabukira,
uye kana maruva awo azaruka,
uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva,
ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.
Miti yemidiwadiwa inopa kunhuhwira kwayo,
uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose,
zvose zvitsva nezvitsaru,
zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.
Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri,
akanwa pamazamu amai vangu!
Ipapo kana ndaikuwana panze,
ndaikutsvoda
uye hapana aizondishora.
Ndaizokutora ndouya newe
kumba kwamai vangu,
ivo vakandidzidzisa.
Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe,
nomukume wemitamba yangu.
Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,
uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
Shamwari
Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje
akazendamira pamudiwa wake?
Mukadzi
Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa;
ipapo mai vako vakakubereka,
ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.
Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso,
sechisimbiso paruoko rwako;
nokuti rudo rwakasimba sorufu,
godo rarwo seguva harishanduki.
Runopisa serimi romoto,
somurazvo mukuru kwazvo.
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;
nzizi hadzigoni kurukukura.
Kunyange munhu akapa
pfuma yose yemba yake kuti awane rudo,
zvingazvidzwa chose.
Shamwari
Tine hanzvadzi yedu duku
uye mazamu ake haasati akura.
Tichaitireiko hanzvadzi yedu
pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?
Kana ari rusvingo,
tichavaka shongwe dzesirivha paari.
Kana ari musuo,
tichamukomberedza namapuranga omusidhari.
Mukadzi
Ndiri rusvingo,
mazamu angu akaita seshongwe.
Ndizvo zvandava pamberi pake,
somunhu anouyisa kugutsikana.
Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni;
akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira.
Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo
aiuya namashekeri chiuru8:11 makirogiramu angaita 11.5 esirivha.
Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe;
chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni,
asi mazana maviri8:12 makirogiramu angaita 2.3 ndeevanochengeta michero yawo.
Murume
Iwe unogara mumapindu
unoshandirwa neshamwari,
rega ndinzwe inzwi rako!
Mukadzi
Handei mudiwa wangu,
uite semhara kana setsvana
pamusoro pamakomo
azere zvinonhuhwira.