- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 Jobho Jobho Jobho Job JOBHO Mavambo Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa. Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu, uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva. Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo. Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achibayira mwana mumwe nomumwe chipiriso chinopiswa, achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose. Kuedzwa kwaJobho kwoKutanga Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.” Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.” Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here? Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yake yakatekeshera munyika yose. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.” Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha. Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya uye vachinwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru, nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedyo, vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwezve nhume yakasvika ikati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vanga vachidya nokunwa waini vari mumba momukoma wavo mukuru, pakarepo mhepo huru yavhuvhuta ichibva kugwenga ikarova makona mana eimba. Yawira pamusoro pavo uye vafa, uye ini ndoga ndini ndasara kuti ndizokuzivisai!” Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi akanamata achiti: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, uye ndichadzokera ndiri mushwi. Jehovha akapa uye Jehovha akatora, Zita raJehovha ngarirumbidzwe.” Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva. Kuedzwa kwaJobho kweChipiri Rimwe zuvazve vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, uye Satani akasvika pamwe chete navo kuti andomirawo pamberi pake. Zvino Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.” Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa. Uye anoramba amire pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira pamusoro pake kuti ndimuparadze pasina chikonzero.” Satani akapindura achiti, “Ganda neganda! Munhu achapa zvose zvaanazvo nokuda kwoupenyu hwake. Asi tambanudzai ruoko murove muviri wake namapfupa ake, uye zvirokwazvo achakutukai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, ari mumaoko ako, asi haufaniri kubata upenyu hwake.” Saka Satani akabva pamberi paJehovha akandorova Jobho namaronda anorwadza kubva pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake. Ipapo Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho paakanga agere pakati pamadota. Mukadzi wake akati, “Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!” Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?” Muzvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura. Shamwari Nhatu dzaJobho Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba uye vamunyaradze. Vakati vamuona ari chinhambwe, havana kugona kumuziva, vakatanga kuchema zvikuru, uye vakabvarura nguo dzavo uye vakazvimwaya guruva pamisoro yavo. Ipapo vakagara pasi naye kwamazuva manomwe nousiku hunomwe. Hakuna munhu akagona kutaura kana shoko kwaari, nokuti vakaona kukura kwokutambudzika kwake. Jobho anotaura Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake. Akati: “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’ Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo. Usiku uhwo ngahushaye chibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza; nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu? Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe? Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino, navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha. Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva? Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora. Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa. Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo. “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo, kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika, vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva? Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa? Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura. Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri. Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.” Erifazi Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti: “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura? Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba. Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta. Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka. Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here? “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama? Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa. Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake. Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka. Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira. “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro. Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu, kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde. Mumwe mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye bvudzi romusoro wangu rikamira. Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti: ‘Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here? Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake, zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto! Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi. Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina uchenjeri?’ “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene? Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano. Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa. Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira. Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake. Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu. Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro. “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa. Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika. Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa. Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina. Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako. “Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose. Nokuti anopa vanga, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve. Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza. Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika. Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe. Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana. Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika. Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo. “Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero! Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka. Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni. Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here? Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Ko, chichena chezai chinonaka here? Ndinoramba kuzvibata; zvokudya zvakadai zvinondirwarisa. “Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira kuti Mwari andipe zvandinotarisira, kuti dai Mwari aida hake kundipwanya, kuti aregere ruoko rwake rundiuraye! Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku, mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi, kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene. “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro? Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire? Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here? Ko, ndine simba here rokuti ndione kuti ndabatsirika, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri? “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose. Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira, dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nokunyungudika kwamagwada echando, asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa. Mihoronga inotsauka kubva munzira dzayo; inoenda kumakura ndokuparara. Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro. Vachaora mwoyo, nokuti vaivimba nesimba ravo; vasvikapo, vachashaya zvokuita. Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya. Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu, ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here? “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa. Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko? Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here? Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera uye nokutengesa shamwari yenyu. “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here? Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kuchiripo. Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here? Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here? “Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here? Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana, kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake, saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri. Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza. Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda, ganda rangu rakatsemuka uye raora. “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro. Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema; meso angu haachazoonizve mufaro. Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve. Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu, Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi? Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza, uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu, ipapo munondityisidzira nezviroto uye munondivhundutsa nezviratidzo, zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno. Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva. “Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai, zvamunomurangarira zvakadai, zvamunomunzvera mangwanani ose uye muchimuedza nguva dzose? Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva? Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here? Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu uye musingandiregereri zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.” Bhiridhadhi Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta. Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here? Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo. Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo, nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri. Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here? Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here? Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa. Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara. Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande. Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri. Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu; unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo. Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’ Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu. “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa. Achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza. Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa, uye matende avakaipa haachazovapozve.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko? Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru. Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga? Anofambisa makomo iwo asingazivi agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru. Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke. Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi. Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa. Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni, dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi. Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa. Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni. Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’ Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya. “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye? Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu. Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa. Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva. Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko. Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge? Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka. “Kunyange ndisina mhosva, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu. Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’ Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva. Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko? “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka oenda asina kumboona mufaro. Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo. Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’ ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva. Sezvo ndatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina? Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda, imi muchandinyudza mugomba rematope zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema. “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva. Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose, mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve. Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi. “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu. Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi. Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here? Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here? Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu, kuti muongorore mhosva yangu uye mutsvage chivi changu, kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here? “Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here? Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Zvino mondidzoserazve kuvhu here? Hamuna kundidurura somukaka here uye mukandigwambisa sechizi, mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here? Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu. “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu. Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa. Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu. Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu. Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka. “Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona. Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu! Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva, ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri wakadzama, kunyika yerima guru, yomumvuri wakadzama nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.” Zofari Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati: “Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here? Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here? Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’ Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako, uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri. Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako. “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here? Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here? Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko? Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhama kupfuura gungwa. “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye? Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here? Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu. “Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari, kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako, ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi. Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakaerera. Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani. Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharinga-ringa ugozorora murugare. Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako. Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa kwokutizira; tariro yavo ichava yokufa.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemi! Asi neniwo ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi? “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa! Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka. Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo. “Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza; kana taura kunyika, ichakudzidzisa, kana hove dzegungwa ngadzikuzivise. Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi? Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose. Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here? Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here? “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake. Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi. Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa. Simba nokukunda ndezvake; anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake. Anodzinga makurukota asina nguo uye anoita kuti vatongi vave mapenzi. Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo agosunga zviuno zvavo nomucheka. Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi. Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru. Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba. Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza. Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, uye anodziparadzira. Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira. Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa. “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa. Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva; handisi muduku kwamuri. Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose! Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti hungava uchenjeri kwamuri. Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu. Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here? Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here? Mungamuitira rusaruro here? Mungamiririra Mwari here? Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here? Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande. Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here? Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu. “Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho. Ko, ndinozviisirei munjodzi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu? Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye; zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake. Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake! Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva. Zvino ndagadzirisa nyaya yangu, ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva. Pane angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu. “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu. Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu. Ipapo mukandidana ndichadavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura. Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu. Munovanzireiko chiso chenyu muchindiona somuvengi wenyu? Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here? Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu. Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu. “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto. “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika. Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari. Ko, munotarisisa munhu akadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here? Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina? Hakuna! Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika. Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda. “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi. Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu uye hunde yawo ichifa muvhu, asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura ugomera somuti uchangotanga kumera. Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovapozve. Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi, saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo. “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika. Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu. Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu. Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu. “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro, semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu. Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga. Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni. Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.” Erifazi Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: “Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva? Ko, angakakavara namashoko asina maturo, kana namashoko asina basa here? Asi unotorwisa umwari uye unodzivisa kunamata Mwari. Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri. Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa. “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here? Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi? Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu? Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako. Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro? Ko, mwoyo wako wakurasireiko, uye meso ako anobwairireiko, zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako? “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama? Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake, ko, kuzoti munhu, ane uori uye akaora, anonwa zvakaipa semvura! “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona, zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo, ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo: Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa. Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa. Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera. Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa, nokuti anokungira Mwari chibhakera chake uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose, achimhanyira kwaari asingatyi ane nhoo hobvu, yakasimba. “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama, iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara. Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika. Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure. Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pazviri. Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi. Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo. Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro. Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi. “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake. “Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi. Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira. Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo. “Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso? Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda. Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achapofumara. “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu. Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo. Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari. Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo, uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba. “Asi uyai, imi mose, edzaizve! Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu. Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa, saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu. Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati; mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’ Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima, kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’ nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’ ko, tariro yangu iripi zvino? Ndianiko angaona tariro yangu? Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?” Bhiridhadhi Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu. Tinobatirweiko semombe uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu? Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako, nyika ingasiyiwa nokuda kwako here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here? “Mwenje weakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa. Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi pake unodzima. Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi. Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo. Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa. Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake. Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose. Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa. Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake. Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo. Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake. Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro. Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika. Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika. Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara. Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru. Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Mucharamba muchinditambudza uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko? Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose. Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga. Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa, zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akandikomberedza nomumbure wake. “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo. Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu. Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu. Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti, Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake. Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu. “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose. Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa. Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa. Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo. Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo. Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka. Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira. Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa; ndangopunyuka napaburi retsono. “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova. Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here? “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo mubhuku, dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi! Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika. Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu; ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu! “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’ munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.” Zofari Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati: “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo. Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure. “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika, kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku. Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore, achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake; vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’ Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku. Ziso rakamuona harichazomuonazve; nzvimbo yake haichazomuonazve. Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake. Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva. “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake, kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make, asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyoka mukati make. Achapfira pasi upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse. Achasveta uturu hwenyoka; mazino emvumbi achamuuraya. Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba. Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake. Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzavasina chavanacho. “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake. Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi. Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake. Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake. Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya. Anoudzura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake; rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina anopfutidzira uchamupisa uye uchaparadza zvichasara mutende rake. Matenga achaisa pachena mhaka yake; nyika ichamumukira. Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari. Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Teereresa mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa. Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako. “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo? Nditarire ushamiswe; ufumbire muromo wako noruoko. Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu. Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba? Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu, zvizvarwa zvavo pamberi pavo. Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo. Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi. Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba. Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere. Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva nenguva isipi. Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu. Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’ Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa. “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa? Kanganiko vachiwirwa nenjodzi, magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake? Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu? Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’ Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva! Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose. Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera? “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here, iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro? Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akachengetedzeka uye akagadzikana, muviri wake wakagwinya, mapfupa ake azere nomwongo. Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka. Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose. “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amungandikanganisa nawo. Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’ Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here, dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa? Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko anomuripira pane zvaakaita? Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa. Ivhu romunhika rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki. “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!” Erifazi Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: “Ko, munhu angabatsira Mwari here? Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here? Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama? “Imhaka yokumunamata kwako here zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva? Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi? Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka. Wakanyima mvura vakaneta uye wakanyima vane nzara zvokudya, kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi. Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera. Ndokusaka misungo yakakukomberedza, ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa, ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona, uye mafashamu emvura achikufukidza. “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro! Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko? Ko, anotonga murima rakadai here? Makore matema anomufukidza, saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’ Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here? Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu. Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’ Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, ndinomira kure namano avakaipa. “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti, ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’ “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri. Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uchengete mashoko ake mumwoyo. Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako, uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi, ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa. Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari. Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika. Zvaunotaura sechirevo zvichaitika, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako. Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’ ipapo vakaderedzwa vachaponeswa. Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva, acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu. Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara! Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo. Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva. Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka. Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi. “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani. Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona. Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe. Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi. Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose. “Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye? Anoita zvaanoda. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya. Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete; Wamasimba Ose akandivhundutsa. Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, iro rima guru rinofukidza chiso changu. “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina? Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba. Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso. Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda. Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; gwenga rinopa vana varo zvokudya. Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa. Vashaya nguo, vagovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando. Vanototeswa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokuvanda. Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti. Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara. Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva. “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha. Ziso remhombwe rinomirira rubvunzavaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza. Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima. “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa. Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti. Vanovandira mukadzi asingabereki, asina mwana, uye havaitiri chirikadzi tsitsi. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo. Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa vagounganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo. “Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?” Bhiridhadhi Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga. Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!” Jobho Ipapo Jobho akapindura akati: “Ndiweka wakabatsira vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika! Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri! Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo! Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako? “Vakafa vari pakushungurudzika kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi. Sheori yakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidzwa. Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu. Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa. Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo. Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima. Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhundutswa nokutuka kwake. Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake. Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka. Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?” Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti: “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu, chero ndichine upenyu mandiri, ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu, miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera. Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu. Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu. “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama! Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake? Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here? Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here? “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi. Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo? “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose. Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana. Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi. Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu, zvaanowana zvichapfekwa navakarurama, uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake. Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi. Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda. Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku. Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose. Inomukukura kubva panzvimbo yake. Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo. Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake. “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe. Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura. Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo. Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku. Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto, safire inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe, Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona. Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo. Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara uye ronoisa midzi yamakomo pachena. Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose. Anotsvakisisa panotangira nzizi uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena. “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu. Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’ Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha. Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire. Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe. Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera. Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka. “Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga. Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’ Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara, nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga. Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura, paakaita chirevo chemvura negwara rokutinhira wemheni, ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza. Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ” Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti: “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari, mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima! Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu, Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza, painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi. “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara, majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka; vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo; manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo. Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza, nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira. Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe. Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu. Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema. Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa. Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma. “Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha. Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose. Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva pandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.’ “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu. Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro. Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo. Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari. Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema. “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, vane madzibaba andaishora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu. Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei, sezvo simba ravo rakanga rapera? Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma, mumatongo nomunyika yakaparara. Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara. Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha. Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu. Vakarira samakwai pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato. Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika. “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo. Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira mate kumeso. Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu. Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni. Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira. Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo. Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore. “Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata. Usiku hunobaya mapfupa angu; zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori. Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu. Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota. “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu. Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu. Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu. Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose. “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake. Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here? Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika. Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga. Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro. Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi. Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha. Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema, uye nyere yangu nziyo dzokuungudza. “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva. Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose? Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here? Ko, iye haaoni nzira dzangu uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here? “Kana ndakafamba nenzira yenhema kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera, Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva, kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara, kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu, kana kuti maoko angu akasvibiswa, ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe. “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu, ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye. Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa. Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu. “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavane mhaka neni, ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire? Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here? “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta, kana ndakazvidyira chingwa changu, ndisingachigoverani nenherera, asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi, kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka, kana munhu anoshayiwa asina nguo, uye mwoyo wake ukasandiropafadza nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu, kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva, ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu, ruwire pasi napafundo. Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake. “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’ kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu, kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya, zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta, zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro. “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira, handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake, kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’ Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi. Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu, nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze, “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera. Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorona. Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda. “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi, kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourima, ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera. Erihu Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva. Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko, ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa. Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’ Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri namashoko enyu. “Vashamiswa uye havachina chokureva; vapererwa namashoko. Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro? Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva. Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza; mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka. Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura. Handina munhu wandichatsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake; nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, Muiti wangu aizokurumidza kunditora. “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva. Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu. Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva. Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu. Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugomisidzana neni. Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu. Kutyisa kwangu hakufaniri kukuvhundutsa, uye ruoko rwangu harufaniri kukuremera. “Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo, ‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva. Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake. Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’ “Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu. Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu? Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni. Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo, angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji, kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza, kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo. Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake, saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka. Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze. Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu. “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira, kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’ ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake. Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari. Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera. Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’ “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu, kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari. “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura. Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe. Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.” Ipapo Erihu akati: “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo. Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya. Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi. “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira. Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, museve wake unobaya ronda risingarapiki.’ Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura? Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa. Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’ “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi. Anoripira munhu pane zvaanenge aita; anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake. Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira. Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose? Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake, marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva. “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva. Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here? Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’ asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake? Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu. “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo. Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri wakadzama, pangavanda vaiti vezvakaipa. Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa. Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo. Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa. Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose, nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake. Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa. Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi, kuti abvise munhu asina umwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo. “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzazve. Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’ Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva. “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri, ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’ Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa! Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.” Ipapo Erihu akati: “Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’ Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’ “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo. Tarira kumatenga uone; nanʼanidza makore ari pamusoro pako. Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari? Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako? Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete. “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba. Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku, anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’ Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa. Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo. Ndoda, zvino, haangateereri kana uchiti hausi kumuona, mhaka yako iri pamberi pake zvokuti unofanira kumumirira, uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa. Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asina zivo.” Erihu akaenderera mberi achiti: “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari. Ruzivo rwangu runobva kure; ndichati Muiti wangu akarurama. Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; akakwana pazivo ari pakati penyu. “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga. Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo. Haabvisi meso ake pane vakarurama; anovagadza pamwe chete namadzimambo uye anovasimudzira nokusingaperi. Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika, iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru. Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo. Kana vakateerera uye vakamushumira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana. Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo. “Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe. Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe. Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo. “Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo, kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka. Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubata iwe. Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma; usarega fufuro huru ichikutsausa. Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here? Rega kushuva usiku, kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo. Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika. “Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye? Ndianiko akamuratidza nzira dzake, kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’ Rangarira kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo. Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure. Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki. “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, anoshanduka achinaya semvura kuhova; makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu. Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mudenga rake? Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa. Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda. Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda. Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro. “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo. Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake. Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika. Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake. Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu. Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’ Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda. Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo. Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo. Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando. Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore. Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira. Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake. “Teerera izvi, Jobho; imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake? Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo? Iyewe unopiswa nenguo dzako nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi, ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa. “Tiudze zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu. Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here? Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa. Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa. Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba; mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri. Naizvozvo, vanhu vanomutya, ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?” Jehovha anotaura Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati: “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo? Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi? Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona, panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro? “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro, pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru, pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo, pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’? “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo, kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi? Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika? Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here? Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi. “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi? Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here? Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare! Wararama kwamakore mazhinji kwazvo. “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe, izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo neokurwa? Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika? Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe, kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri, kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa? Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vemadonhwe edova? Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga, panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando? “Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here? Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo? Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here? “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, uye ugozvifukidza namafashamu emvura? Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano? Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro? Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga, kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana? “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here, kana dzichitsivama mumapako adzo kana kuti dzakavandira mudenhere? Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya? “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here? Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here? Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera. Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve. “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo? Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo. Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi. Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza. “Ko, nyati ingabvuma kukushandira here? Ko, ingagara mudanga rako usiku here? Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here? Ko, ingarima mipata mushure mako here? Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here? Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako uye igozviunza paburiro rako here? “Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru, asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove. Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu igoarega achidziyirwa mujecha, isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika. Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina, nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka. Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi waro. “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here? Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here? Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa. Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo. Goba remiseve rinorira parutivi paro, pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima. Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda. Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo. “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi? Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira? Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro. Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure. Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.” Jehovha akati kuna Jobho: “Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!” Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati: “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu. Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzazve.” Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati: “Chizvisunga chiuno somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. “Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here? Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here? Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo. Regedzera ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza, tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire. Uvavige vose pamwe chete muguruva; ufukidze zviso zvavo muguva. Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa. “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe. Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo. Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa. Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi. Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake. Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo. Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope. Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza. Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo. Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here? “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here? Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here? Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here? Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose? Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here? Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here, kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove? Kana ukaisa ruoko rwako pairi uchazorangarira kurwisana kwako nayo uye haungazozvipamhizve! Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema; kungoiona bedzi kunopedza simba. Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni? Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira? Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu. “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo, simba rayo uye chimiro chayo chakanaka. Ndianiko angabvisa dehwe rayo? Ndianiko angasvika kwairi namatomu? Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo, iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa? Musana wayo une mitsara yamakwande yakanyatsonamirwa pamwe chete; rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati. Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa. Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza. Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze. Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga. Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo. Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo. Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba; dzakasimba uye hadzizungunuswi. Chipfuva chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo. Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura. Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba. Simbi inoita seshanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora. Miseve haingaiti kuti itize; zvimviriri zvakaita sehundi kwairi. Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi; inoseka panorira bakatwa. Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari, inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa. Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira, uye inokurunga gungwa sehari yamafuta. Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya; mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena. Hapana chakaenzana nayo munyika, chisikwa chisingatyi. Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza; ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.” Jobho Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati: “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa. Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive. “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’ Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi. Naizvozvo ndinozvishora pachangu, uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.” Magumo Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho. Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.” Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho. Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare. Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe. Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru. Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu. Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki. Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo. Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina. Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.