- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017
Ezekieri
Ezekieri
Ezekieri
Eze
EZEKIERI
Zvisikwa Zvipenyu noKubwinya kwaJehovha
Mugore ramakumi matatu, nomwedzi wechina pazuva rechishanu, ndiri pakati pavakatapwa, paRwizi rweKebhari, matenga akazarurwa, ndikaona zviratidzo zvaMwari.
Pazuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwaMambo Jehoyakini, shoko raJehovha rakasvika kuna Ezekieri muprista, mwanakomana waBhuzi paRwizi rweKebhari munyika yavaBhabhironi. Ipapo, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pake.
Ndakatarira, ndikaona dutu remhepo richibva nechokumusoro, gore guru rine mheni yaipenya uye rakakomberedzwa nechiedza chaibwinya. Pakati pomoto paitarisika sedare rinopfuta, uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu, asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro, uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo.
Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa kumusoro; chimwe nechimwe chakanga china mapapiro maviri rimwe richigunzva bapiro rechimwe chisikwa kumativi ose, uye mapapiro maviri akafukidza muviri wacho. Chimwe nechimwe chainanga mberi chakarurama. Kwose kwaienda mweya, ndiko kwazvaienda, zvisingacheuki pakufamba kwazvo. Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri. Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya.
Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina. Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri. Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba. Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose.
Zvisikwa zvipenyu zvaiti kana zvofamba, mavhiri aiva parutivi ofambawo; uye kana zvisikwa zvipenyu zvikasimuka kubva pasi, mavhiri aisimukawo. Kwose kwaienda mweya, zvaiendawo, uye mavhiri aisimuka pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri.
Kumusoro kwemisoro yezvisikwa zvipenyu kwakanga kwakawaridzwa chinhu chakanga chakaita sedenga, chaivaima sechando uye chaishamisa. Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akatambanudzwa, bapiro rechimwe chisikwa richinosangana nebapiro rechimwe chisikwa, uye chimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri akanga akafukidza muviri wacho. Zvisikwa zvaiti zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo, zvichitinhira semvura zhinji, senzwi roWamasimba Ose, sebope ravarwi. Zvaiti zvikamira zvaideredza mapapiro azvo.
Ipapo inzwi rakasvika richibva kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pazvo, pazvakanga zvakamira zvakaderedza mapapiro azvo. Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chairatidzika sechigaro choushe chakanga chakaita sebwe resafuri uye pamusoro-soro pechigaro choushe pakanga pano mufananidzo wakanga wakaita sewomunhu. Ndakaona kuti pane zvairatidzika sechiuno chake zvichikwira kumusoro, akanga akaita sedare romoto unopenya, sokunge akazara nomoto, uye kubva ipapo zvichienda pasi, airatidzika somoto; uye chiedza chaipenya kwazvo chakanga chakamukomberedza. Sezvakaita muraravungu uri mumakore pazuva rokunaya kwemvura, izvozvo, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwakanga kwakamukomberedza. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita kuonekwa kwokubwinya kwaJehovha.
Pandakazviona izvozvo, ndakawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.
Kudanwa kwaEzekieri
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, simuka netsoka dzako nditaure newe.” Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni.
Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri, kurudzi runomukira irwo rwakandimukira; ivo namadzibaba avo vanga vachingondipandukira kusvikira zuva ranhasi. Vanhu vandinokutuma kwavari, vakavangarara uye vakasindimara. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Uye kunyange vakanzwa kana kuti vakaramba kunzwa, nokuti ivo imba inomukira, vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo. Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira. Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira. Asi iwe, mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza. Usandimukira sezvinoita imba iyo inondimukira; shama muromo wako udye zvandinokupa.”
Ipapo ndakatarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri. Marwuri makanga mune gwaro, rakapetenurwa pamberi pangu. Rakanga rakanyorwa kumativi aro ose mashoko okuchema nokuungudza nenhamo.
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.” Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari. Hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki uye norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri, kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa. Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera nokuti haidi kunditeerera, nokuti imba yose yaIsraeri yakaomeswa mwoyo uye yakavangarara. Tarira ndichaomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo. Ndichaomesa huma yako sebwe rakaomesesa, rakaoma kupfuura romusarasara. Usavatya kana kuvhunduswa navo, kunyange vari imba inomukira.”
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nditeererese uye uise mashoko ose andinotaura mumwoyo mako. Chienda zvino kuvanhu venyika yako vari muutapwa undotaura kwavari. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera.”
Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!” Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru. Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu. Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko.
Yambiro kuIsraeri
Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka chinzwa shoko randinotaura uye uvayambire neyambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako. Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa.
“Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake. Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.”
Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu ipapo, uye akati kwandiri, “Simuka uende kubani uye ndichataura newe ikoko.” Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.
Ipapo Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu. Akataura kwandiri akati, “Enda undozvipfigira mumba mako. Zvino iwe, mwanakomana womunhu, vachakusunga netambo; uchasungwa zvokuti haungabudi uchienda kuvanhu. Ndichaita kuti rurimi rwako runamire kumusoro kwomuromo wako kuitira kuti unyarare ukonewe kuvatsiura, kunyange vari imba yokumukira. Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira.
Kukombwa kweJerusarema kunofananidzwa
“Zvino, Mwanakomana womunhu, tora chidhina chevhu, uchiise pamberi pako ugodhirowa Jerusarema pamusoro pacho. Ipapo ugorikomba: Umise nhare dzokurwa naro, uvake dhunduru revhu rokusvitsa pariri, udzike misasa ugorikomberedza nezvokuparadza nazvo masvingo. Ipapo utore pani yesimbi, ugoimisa sorusvingo rwesimbi pakati pako iwe neguta ugorinzira chiso chako kwariri. Richakombwa, uye iwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsraeri.
“Ipapo iwe ugovata norutivi rwako rworuboshwe ugoisa chivi cheimba yaIsraeri pamusoro pako. Iwe unofanira kutakura chivi chavo kwamazuva aunovata norutivi rwako. Ndakakutarira mazuva mamwe chetewo zvakaenzana namakore echivi chavo. Saka uchatakura chivi cheimba yaIsraeri kwamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
“Kana uchinge wapedza izvi, uvatezve pasi, panguva ino, norutivi rwako rworudyi, ugotakura chivi cheimba yaJudha. Ndakakutarira mazuva makumi mana, zuva rimwe pagore roga roga. Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusarema uye noruoko rwako rwakashama uprofite pamusoro paro. Ndichakusunga netambo kuitira kuti ukonewe kutendeukira kune rumwe rutivi uchibva kune rumwe kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
“Utore gorosi nebhari, bhinzi nenyemba, mapfunde nesipereti; uzviise mumudziyo wokuchengetera uzvibikire chingwa. Unofanira kuchidya pamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe wakavata norutivi. Uyere mashekeri makumi maviri4:10 0.2 yekirogiramu ezvokudya kuti udye zuva rimwe nerimwe uye udye nenguva dzakatarwa. Uyezve, uyere chikamu chimwe chete muzvitanhatu chehini4:11 0.6 yerita yemvura ugoinwa nenguva dzakatarwa. Udye chokudya chakaita sekeke rebhari sapaunoda; uzvibike pamberi pavanhu, uchishandisa ndove yavanhu sehuni dzokubikisa.” Jehovha akati, “Nenzira iyi, vanhu veIsraeri vachadya zvokudya zvakasvibiswa pakati pendudzi uko kwandichavadzingira.”
Ipapo ndakati, “Kwete, Ishe Jehovha! Handina kumbozvisvibisa. Kubva pauduku hwangu kusvikira zvino handina kumbodya chinhu chipi zvacho chakawanikwa chakafa kana chakabvamburwa nezvikara. Hapana nyama yakasvibiswa yakambopinda mumukanwa mangu.”
Iye akati, “Zvakanaka, ndichakutendera kuti ubike chingwa chako nendove yemombe pachinzvimbo chetsvina yavanhu.”
Zvino akazoti kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndichamisa kupiwa kwezvokudya muJerusarema. Vanhu vachadya zvokudya zvakayerwa vachifunganya uye vachanwa mvura yakayerwa vapererwa, nokuti zvokudya nemvura zvichashayikwa. Mumwe achavhunduka achiona mumwe uye vachaonda nokuda kwechivi chavo.
“Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi. Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa. Asi utore rimwe bvudzi shoma shoma uriise pamipendero yenguo dzako. Uyezve, utore rimwe shoma racho urikande mumoto ugoripisa. Moto uchapararira kubva ipapo uchienda kuimba yose yaIsraeri.
“Zvanzi naIshe Jehovha: Iri ndiro Jerusarema, randakaisa pakati pendudzi, nenyika dzakaripoteredza. Asi pakuipa kwaro rakamukira mirayiro yangu nemitemo yangu kupfuura ndudzi nenyika dzakaripoteredza. Rakaramba mirayiro yangu uye harina kutevera mitemo yangu.
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Wanga usingazvidzori kupfuura ndudzi dzakakupoteredza uye hauna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu. Hauna kana kumbotevedzera tsika dzendudzi dzakakupoteredza.
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndinokurwisa iwe Jerusarema, uye ndichakuranga pamberi pedzimwe ndudzi. Nokuda kwezvifananidzo zvako zvinonyangadza, ndichakuitira zvandisina kumboita kare uye handichazozviitizve. Naizvozvo pakati pako madzibaba vachadya vana vavo, uye vana vachadya madzibaba avo. Ndichakuranga uye ndichaparadzira vakasara vako vose kumhepo zhinji. Naizvozvo noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvakaumbwa zvako zvinonyangadza uye namaitiro ako anosemesa, ini ndimene ndichabvisa nyasha dzangu kwauri handichakutarisi netsitsi kana kukuponesa. Chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chavanhu vako vachafa nehosha kana kufa nenzara mukati mako; chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chichawa nokuda kwomunondo kunze kwamasvingo ako; uye chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu ndichachiparadzira kumhepo zhinji ndigochitevera nomunondo wakavhomorwa.
“Ipapo kutsamwa kwangu kuchapera uye hasha dzangu dzichabva pamusoro pavo, uye ndichange ndatsiva. Uye hasha dzangu padzichange dzapera pamusoro pavo, vachaziva kuti ini Jehovha ndazvitaura nokushingaira kwangu.
“Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pendudzi dzakakupoteredza, pamberi pavose vanopfuura napo. Uchava chinhu chinoshorwa nechiseko, yambiro nechinhu chinotyisa kundudzi dzakakupoteredza pandinokuranga mukutsamwa nehasha dzangu uye nechituko chinobaya. Ini Jehovha ndataura. Pandinokupfura nemiseve yangu yenzara, inouraya uye inoparadza, ndichapfura kuti ndikuparadze. Ndichauyisa nzara pamusoro penzara pamusoro pako uye ndichamisa kupiwa kwako zvokudya. Ndichatuma nzara nezvikara kuti zvizokurwisa, uye zvichakusiya usisina mwana. Denda nokuteuka kweropa zvichapfuura nomauri, uye ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.”
Chiprofita pamusoro paMakomo eIsraeri
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira. Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu. Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu. Pose pamunogara, maguta achaparadzwa uye nzvimbo dzakakwirira dzichakoromorwa, kuitira kuti aritari dzenyu dziparadzwe ave matongo, zvifananidzo zvenyu zvipwanyiwe uye zviparadzwe, aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dziputsirwe pasi, uye zvamakaita zvipedzwe chose. Vanhu venyu vachawira pasi ivo vaurayiwa pakati penyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Asi ndichasiya vamwe, nokuti vamwe venyu vachapunyuka pamunondo pamuchaparadzirwa pakati penyika nendudzi. Ipapo vakapunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina kuti ndichauyisa njodzi iyi pamusoro pavo.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda. Ari kure achaurayiwa nedenda, uye ari pedyo achaurayiwa nomunondo, uye uyo achapona akararama, achafa nenzara. Saka ndichapedzera hasha dzangu pamusoro pavo. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvavo zvose. Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika ndigoiita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Kuguma Kwasvika
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.
“Zvanzi naIshe Jehovha: Njodzi! Njodzi isina kumbonzwikwa nezvayo iri kuuya! Kuguma kwasvika! Kuguma kwasvika! Kwamuka kuti kuzokurwisai. Kwauya! Kuparadzwa kwauya pamusoro pako, iwe ugere panyika. Nguva yasvika, zuva rava pedyo; pava nokutya, kwete mufaro, pamusoro pamakomo. Ndava pedyo nokudurura hasha dzangu pamusoro pako ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichakutonga zvakafanira mafambiro ako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova.
“Zuva rasvika! Rauya! Kuparadzwa kwabuda, shamhu yabukira, kuzvikudza kwatumbuka! Kuita nechisimba kwakura kukava shamhu yokuranga zvakaipa; hakuna mumwe wavanhu ava achasara, hakuna pavazhinji vavo ivavo, kana pfuma kana chinokosha. Nguva yauya, zuva rasvika. Mutengi ngaarege kufara uye mutengesi ngaarege kusuwa, nokuti hasha dziri pamusoro pavazhinji vose. Mutengesi haangadzorerwi nyika yaakanga atengesa kana vose vari vaviri vachiri vapenyu, nokuti chiratidzo chakaonekwa pamusoro pavazhinji vose chichazozadziswa. Nokuda kwezvivi zvavo, hakuna kana mumwe wavo achachengetedza upenyu hwake. Kunyange vakaridza hwamanda uye vakagadzirira zvose, hapana achaenda kuhondo, nokuti hasha dzangu dziri pamusoro pavazhinji vose.
“Kunze kuno munondo, mukati mune denda nenzara; vaya vari musango vachafa nomunondo, uye vari muguta vachapedzwa nenzara nedenda. Vose vanorarama vachapunyuka vachange vari mumakomo, vachirira senjiva dzomumipata, mumwe nomumwe nokuda kwezvivi zvake. Ruoko rumwe norumwe ruchapera simba uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura. Vachafuka nguo dzamasaga uye vachafukidzwa nokutya. Zviso zvavo zvichafukidzwa nenyadzi uye misoro yavo ichaveurwa. Vachakanda sirivha yavo munzira dzomumisha, uye goridhe yavo ichava chinhu chisina kuchena. Sirivha yavo negoridhe ravo hazvingavaponesi pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Hazvingapedzi nzara yavo kana kugutsa matumbu avo nazvo, nokuti ndizvo zvakavagumbusa vakapinda muchivi. Vakanga vachizvikudza nokuda kwoukomba hwavo hwakanaka uye vachihushandisa kuita zvifananidzo zvinonyangadza nezviumbwa zvakaipisisa. Naizvozvo ndichashandura izvi, zvikava chinhu chine tsvina kwavari. Ndichazvipa zvose kuvatorwa sezvinhu zvakapambwa uye sepfuma ingapambwa navakaipa venyika, uye vachazvisvibisa. Ndichavafuratira uye vachasvibisa nzvimbo yangu inokosha; mbavha dzichapinda mairi dzigoisvibisa.
“Gadzirai ngetani, nokuti nyika izere nokuteura ropa uye guta rizere nokuita nechisimba. Ndichauyisa vanhu vakaipisisa vendudzi kuti vavatorere dzimba dzavo; ndichaita kuti kuzvikudza kwavane simba kugume, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa. Kana kutya kwauya, vachatsvaka rugare asi havangaruwani. Kuchauya njodzi pamusoro penjodzi uye guhu pamusoro peguhu. Vachaedza kutsvaka chiratidzo kumuprofita; kudzidziswa murayiro nomuprista kuchashayikwa, namazano anobva kuvakuruwo achashayikwa. Mambo achachema, muchinda achafukidzwa nokuora mwoyo, uye maoko avanhu vomunyika achadedera. Ndichavaitira zvakafanira mafambiro avo, uye ndichavatonga nemitemo yavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Zvifananidzo muTemberi
Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo. Ndakatarisa, ndikaona chimiro chakaita sechomunhu. Kubva ipapo zvichikwira kumusoro, kuratidzika kwake kwainge kuchibwinya sedare rinopisa. Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika nedenga uye muzviratidzo zvaMwari akanditora akandiendesa kuJerusarema, kumukova wokusuo rokumusoro roruvazhe rwomukati, pakanga pamire chifananidzo chinomutsa godo. Uye ipapo pamberi pangu pakanga pane kubwinya kwaMwari waIsraeri, sapachiratidzo chandakanga ndaona mubani.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira kumusoro.” Naizvozvo ndakatarisa, uye pamukova wokumusoro kwesuo rearitari ndakaona chifananidzo ichi chegodo.
Uye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavari kuita here, izvo zvinhu zvinonyangadza chose zvinoitwa neimba yaIsraeri pano, zvinhu zvichandiisa kure neimba yangu tsvene? Asika, uchaona zvimwe zvinhu zvinonyangadza kwazvo.”
Ipapo akaenda neni kumukova wokuruvazhe. Ndakatarisa ndikaona buri pamadziro. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chichera zvino mumadziro.” Saka ndakachera mumadziro ndikaona mukova imomo.
Ipapo akati kwandiri, “Pinda mukati undoona zvinhu zvakaipa uye zvinonyangadza zvavanoita pano.” Saka ndakapinda mukati ndikatarisa, ndikaona mifananidzo pamadziro ose yezvinhu zvose zvinokambaira uye nemhuka dzinonyangadza nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri. Pamberi pazvo pakanga pamire vakuru makumi manomwe veimba yaIsraeri, uye Jaazania mwanakomana waShafani akanga akamira pakati pavo. Mumwe nomumwe akanga akabata hadyana yezvinonhuhwira muruoko rwake, uye munhuwi wegore rezvinonhuhwira wakanga uchienda kumusoro.
Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nomumwe pashongwe yechifananidzo chake? Vanoti, ‘Jehovha haationi, Jehovha akaramba nyika.’ ” Akatizve, “Uchavaona vachiita zvinhu zvinonyangadza kupfuura izvi.”
Ipapo akaenda neni kumukova wokusuo rokumusoro weimba yaJehovha, ndikaona vakadzi vagerepo, vachichema Tamuzi. Akati kwandiri, “Unoona here izvi, mwanakomana womunhu? Uchaona zvinhu zvakatonyanya kuipa kupfuura izvi.”
Zvino akaenda neni kuruvazhe rwomukati meimba yaJehovha, uye ipapo pamukova wetemberi, pakati pebiravira nearitari, pakanga pana varume vaikarosvika makumi maviri navashanu. Vakafuratira temberi yaJehovha uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva, vakanga vachipfugamira zuva kurutivi rwamabvazuva.
Akati kwandiri, “Wazviona here izvi, iwe mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha kuti vaite zvinhu zvinonyangadza zvavari kuita pano? Vanofanira here kuzadzazve nyika nechisimba uye nokuramba vachinditsamwisa? Vatarise vachiisa davi kumhuno dzavo. Naizvozvo ndichavaranga nehasha; handingavanzwiri tsitsi kana kuvaponesa. Kunyange vakaridza mhere munzeve dzangu, handingavanzwi.”
Vanonamata Zvifananidzo vanourayiwa
Ipapo ndakamunzwa achidanidzira nenzwi guru achiti, “Uya navarindi veguta pano, mumwe nomumwe ano munondo muruoko rwake.” Ipapo ndakaona varume vatanhatu vachiuya vachibva nokurutivi rwesuo rokumusoro, rakatarisa kumusoro, mumwe nomumwe ano munondo unopinza kwazvo muruoko rwake. Pakati pavo pakanga pano murume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka ane zvinyoreso parutivi rwake. Ivo vakapinda vakamira parutivi rwearitari yendarira.
Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakakwira kuchibva pamusoro pamakerubhi, pakwakanga kuri, ndokuswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Ipapo Jehovha akadana murume akanga akapfeka mucheka uya akanga ane zvinyoreso parutivi rwake akati kwaari, “Pfuura nomuguta rose reJerusarema uye uise munembo pahuma dzavaya vanotsutsumwa navanochema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa mariri.”
Ndichakateerera, iye akati kuna vamwe, “Muteverei nomukati meguta, muuraye, musingambonzwiri ngoni kana tsitsi. Urayai vatana, majaya navarandakadzi, madzimai navana, asi musabata ani zvake ano munembo. Mutangire paimba tsvene yangu.” Saka vakatanga navakuru vakanga vari mberi kwetemberi.
Ipapo akati kwavari, “Svibisai temberi muzadze mavazhe navakaurayiwa. Endai!” Naizvozvo vakaenda vakatanga kuuraya muguta rose. Pavakanga vachiuraya, uye ini ndasara ndoga, ndakawira pasi nechiso, ndichidanidzira, ndichiti, “Haiwa, Ishe Jehovha! Muchaparadza vakasara vose vaIsraeri pakudururwa kwehasha dzenyu pamusoro peJerusarema here?”
Akandipindura achiti, “Chivi cheimba yaIsraeri neJudha chakura kwazvo; nyika yazara nokuteura ropa uye guta razara nokusaruramisira. Ivo vanoti, ‘Jehovha akaramba nyika; Jehovha haaoni.’ Saka handingambovanzwira tsitsi kana kuvaponesa, asi ndichauyisa pamisoro yavo zvavakaita.”
Ipapo murume uya akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka ane zvokunyoresa parutivi pake akadzoka neshoko, achiti, “Ndaita sezvamakarayira.”
Kubwinya kunobva muTemberi
Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi. Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira.
Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume paakapinda, uye gore rakazadza ruvazhe rwomukati. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakakwira pamusoro pamakerubhi kukaswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Gore rakazadza temberi, uye ruvazhe rukazadzwa nokupenya kwokubwinya kwaJehovha. Mubvumo wamapapiro amakerubhi wainzwika kusvikira kuruvazhe rwokunze, senzwi raMwari Wamasimba Ose kana achitaura.
Jehovha akati arayira murume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, achiti, “Tora moto pakati pamavhiri, kubva pamakerubhi,” murume akapinda mukati akamira parutivi rwevhiri. Ipapo rimwe ramakerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto wakanga uri pakati pawo. Akatora mumwe moto ndokuuisa mumaoko omurume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, iye ndokuutora ndokuenda nawo panze. (Pasi pamapapiro amakerubhi paionekwa chinhu chainge maoko omunhu.)
Ndakatarisa, ndikaona parutivi rwamakerubhi mavhiri mana, rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe nerimwe, mavhiri acho aivaima kunge ibwe rekrisorite. Pakuonekwa kwawo, mana acho akanga akafanana; rimwe nerimwe rakanga rakaita sevhiri riri mukati merimwe vhiri. Paaifamba aigona kuenda neimwe yenzira ina kwakanga kwakatarisa makerubhi; mavhiri haana kutsauka pakufamba kwaiita makerubhi. Makerubhi akaenda munzira ipi zvayo kwakanga kwakatarira musoro, asingatsauki pakufamba kwawo. Miviri yawo yose, pamwe chete nemisana yawo, maoko awo namapapiro awo, zvakanga zvakazara nameso, zvakanga zvakadarowo namavhiri awo ari mana. Ndakanzwa mavhiri achitumidzwa zita rokuti “mavhiri okumonereka.” Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina: Chimwe chiso chakanga chiri chekerubhi, chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chiso chechitatu chakanga chiri cheshumba, chiso chechina chakanga chiri chegondo.
Ipapo makerubhi akabhururuka achikwira kumusoro. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakaona ndiri paRwizi rweKebhari. Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo. Kana makerubhi akamira, iwo aimirawo; uye makerubhi akabhururuka, iwo aisimuka pamwe chete nawo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri maari.
Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabva pamusoro pechikumbaridzo chetemberi kukamira pamusoro pamakerubhi. Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.
Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebhari, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi. Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu. Zviso zvawo zvakanga zvichiratidzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebhari. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.
Kutongwa kwaVatungamiri veIsraeri
Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pane varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu. Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanorangana zvakaipa nokupa mano akaipa muguta rino. Vanoti, ‘Ko, nguva haisati yasvika here yokuvaka dzimba? Guta rino ihari yokubikira, uye isu tisu nyama.’ Naizvozvo profita pamusoro pavo; profita, mwanakomana womunhu.”
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pangu, iye akanditaurira kuti nditi: “Zvanzi naJehovha: Ndizvo zvamunotaura, imi imba yaIsraeri, asi ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu. Makauraya vanhu vazhinji muguta rino uye mukazadza nzira dzaro nevakafa.
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri. Munotya munondo, zvino munondo ndiwo wandichauyisa kuzokurwisai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichakubudisai kunze kweguta ndigokuisai mumaoko avatorwa uye ndichakurangai. Muchaurayiwa nomunondo, uye ini ndichakutongai pamiganhu yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Guta rino haringavi hari kwamuri, nemi hamungavi nyama mariri; ndichakutongai ini pamiganhu yeIsraeri. Uye muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu asi makafamba netsika dzendudzi dzakakupoteredzai.”
Zvino ndakati ndichiprofita, Peratia mwanakomana waBhenaya akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso ndikachema zvikuru ndichiti, “Haiwa Ishe Jehovha! Ko, muchaparadza chose vakasara vaIsraeri here?”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako dzeropa neimba yose yaIsraeri, ndivo vainzi navanhu veJerusarema, ‘Vari kure kwazvo naJehovha; nyika ino takaipiwa kuti ive yedu.’
Kudzoswa kwaIsraeri kunovimbiswa
“Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kunyange ndakavaendesa kure pakati pendudzi uye ndikavaparadzira pakati penyika, asi kwechinguva chiduku ndakanga ndiri nzvimbo yavo tsvene munyika dzavakaenda.’
“Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuunganidzai kubva kundudzi ndigokudzosai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa uye ndichakupaizve nyika yaIsraeri.’
“Vachadzokera kwairi vagobvisa zvifananidzo zvayo zvose zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza. Ndichavapa mwoyo mumwe uye ndichaisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama. Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo. Asi kana vari vaya vane mwoyo inotevera zvakaumbwa zvavo zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza, ndichaburutsa pamisoro yavo chaiyo zvavakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Ipapo makerubhi namavhiri parutivi pawo akatambanudza mapapiro awo, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo. Kubwinya kwaJehovha kwakakwira kuchibva mukati meguta kukandomira pamusoro pegomo nechokumabvazuva kwaro. Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari.
Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri, uye ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.
Vakatapwa
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira.
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. Masikati chaiwo, vakatarira, iwe budisa nhumbi dzako dzakarongedzerwa kutama. Ipapo panguva yamadekwana, ivo vakatarira, buda iwe sezvinoita vaya vanoenda muutapwa. Uboore masvingo vakatarira ugotora nhumbi dzako ubude napo. Udziise papfudzi rako ivo vakangotarisa ugobuda nadzo kwasviba. Ufukidze chiso chako kuti urege kuona nyika, nokuti ndakuita chiratidzo kuimba yaIsraeri.”
Saka ndakaita sezvandakarayirwa. Panguva yamasikati ndakabudisa zvinhu zvangu zvarongedzerwa kutama. Zvino panguva yamadekwana ndakaboora masvingo namaoko angu. Ndakabudisa nhumbi dzangu kwasviba, ndakazvitakura pamapfudzi angu ivo vakangotarisa.
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri panguva yamangwanani richiti, “Mwanakomana womunhu, imba iyo yokundimukira yaIsraeri haina kukubvunza here kuti, ‘Uri kuiteiko?’
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iripo.’ Uti kwavari, ‘Ini ndiri chiratidzo kwamuri.’
“Sezvandakaita, ndizvo zvavachaitirwawo. Vachaenda kuutapwa senhapwa.
“Muchinda ari pakati pavo achaisa zvinhu zvake papfudzi kwasviba agoenda, uye achaboorerwa buri rokubuda naro parusvingo. Achafukidza chiso chake kuitira kuti arege kuona nyika. Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira. Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa.
“Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi ndigovaparadzira kunyika dzose. Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye udedere uye utye paunonwa mvura yako. Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye nomunyika yaIsraeri: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya uye vachanwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo. Maguta anogarwa navanhu achava matongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’ Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe. Nokuti hakuchazovazve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri. Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri iri kuti, ‘Chiratidzo chaanoona ndechamakore mazhinji kubva iye zvino, uye anoprofita zvenguva inouya zviri kure.’
“Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Vaprofita Venhema vanopiwa mhosva
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha! Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona! Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo. Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha. Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike. Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?
“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
“ ‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena. Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta. Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?”
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa. Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha. Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena, vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” ’
“Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here? Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama.
“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri. Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo, naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Vanonamata Zvifananidzo Vanotongwa
Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru. Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’
“Naizvozvo uti kuimba yeIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Tendeukai! Dzokai mufuratire zvifananidzo zvenyu musiye mabasa enyu ose anonyangadza!
“ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu. Ndicharinzira chiso changu pamusoro pomunhu uyo kuti ndimurwise uye ndichamuita muenzaniso netsumo. Ndichamubvisa pakati pavanhu vangu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Uye kana muprofita akanyengerwa kuti ataure chiprofita, ini Jehovha ndini ndamunyengera, uye ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pake ndigomuparadza pakati pavanhu veIsraeri. Vachatakura mhosva yavo ivo, muprofita achava nemhosva zvakangoenzana naiye auya kuzomubvunza. Ipapo vanhu veIsraeri havangazotsaukizve vachibva kwandiri kana kuzvisvibisazve nezvivi zvavo zvose. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Kutongwa Kusingapunyukwi
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokusatendeka kwayo uye ini ndikatambanudza ruoko rwangu pamusoro payo kuti ndiparadze kugoverwa kwayo zvokudya nokutumira nzara pamusoro payo nokuuraya vanhu vayo nezvipfuwo zvayo, kunyange dai varume vatatu ava, Noa, Dhanieri naJobho, vaiva mairi vaingogona kuzviponesa ivo pachavo nokuda kwokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Kana dai ndikatumira zvikara munyika imomo, izvo zvikaisiya isina kana mwana uye ikazoparadzwa zvokuti pashayikwe anopfuura nomo nokuda kwezvikara, zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa.
“Kana dai ndaiuyisa munondo kuzorwisa nyika iyo ndikati, ‘Munondo ngaupfuure nomunyika yose,’ uye ndikauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume ava vatatu vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo voga ndivo vaizoponeswa.
“Kana dai ndikatuma denda munyika ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo nokuteura ropa, ndichauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai Noa, naDhanieri naJobho vaivamo, havaigona kuponesa mwanakomana kana mwanasikana. Vaingozviponesa ivo chete nokuda kwokururama kwavo.
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Zvichaipisisa sei kana ndikatuma pamusoro peJerusarema zvinotyisa zvina zvandakatonga, zvinoti munondo, nzara, zvikara nedenda, kuzouraya vanhu varo nezvipfuwo zvaro! Kunyange zvakadaro hazvo pachava navanosara, vanakomana navanasikana vachabudiswa mairi. Vachauya kwamuri, uye pamunoona tsika dzavo namabasa avo, muchanyaradzwa pamusoro penjodzi yandakauyisa pamusoro peJerusarema, njodzi dzose dzandakauyisa pairi. Muchanyaradzwa pamunoona tsika dzavo namabasa avo, nokuti muchaziva kuti hapana chandakaita mariri pasina chikonzero, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Jerusarema, muzambiringa usina maturo
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko? Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhu ipapo here? Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto ndokuupisa mativi ose ari maviri uye ndokusviba pakati, zvino uchabatsira chinhu here? Kana wanga usingabatsiri chinhu uchiri wakakwana, uchagobatsireiko kana moto waupisa uye wasviba?
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo ndakaisa miti yemizambiringa pakati pemiti yesango sehuni dzomoto, ndizvo zvandichaita kuvanhu vagere muJerusarema. Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha. Ndichaparadza nyika nokuti vakanga vasina kutendeka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Kufananidzirwa kwoKusatendeka kweJerusarema
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti. Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka. Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa.
“ ‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!” Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu.
“ ‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu.
“ ‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta. Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe. Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako, uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako. Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi. Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“ ‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake. Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa. Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo. Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuhwira pamberi pazvo. Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuhwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako.
“ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose, wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha. Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kuna ani zvake aipfuura napauri. Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako. Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako. Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo. Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana.
“ ‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari. Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo.
“ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako! Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu. Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa.
“ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha! Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako, Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose. Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu. Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka vagokusiya usina kupfeka wakashama. Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo. Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako. Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve.
“ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here?
“ ‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.” Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, vakashora murume wavo navana vavo; uye uri mununʼuna chaiye wamadzikoma ako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori. Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye mununʼuna wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu. Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, mununʼuna wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.
“ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomununʼuna wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa. Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona. Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanunʼuna vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe. Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira mununʼuna wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti mununʼuna wako ave akarurama.
“ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo, kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza. Uye vanunʼuna vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana vake, uye iwe navanasikana vako muchadzokera pane zvavaiva kare. Haungazomborevi nezvomununʼuna wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako, kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora. Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu. Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe. Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanunʼuna vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe. Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha. Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ugozorega kushamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Makondo Maviri noMuzambiringa
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, misa chinofananidzira utaurire imba yaIsraeri mufananidzo. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Gondo guru rina mapapiro ane simba, rina manhenga marefu uye rizere namambava ana mavara mavara rakasvika kuRebhanoni. Rakabata musoro womusidhari, rikagura davi rokumusoro-soro rikaenda naro kure kunyika yavashambadziri, rikandorisima muguta ravatengesi.
“ ‘Rakatora dzimwe mbeu dzenyika yenyu rikadzikavira muvhu rakaorera. Rakadzisima somuti womukonachando parutivi rwemvura zhinji, ikatungira ikava muzambiringa mupfupi unotandira. Matavi awo akadzoka akananga kwariri, asi midzi yawo yakaramba iri pasi pawo. Saka wakabva wava muzambiringa ukabudisa matavi uye ukatungira mashizha pamatavi.
“ ‘Asi kwakanga kune rimwe gondo guru rakanga rina mapapiro ane simba guru uye rizere namambava. Zvino muzambiringa wakatandavadza midzi yawo yakananga kwariri kubva pamunda pawakanga wasimwa ukatambanudza matavi awo kwariri kuti uwane mvura. Wakanga wasimwa pavhu rakaorera pedyo nemvura zhinji kuti ubudise matavi, ubereke michero, ugova muzambiringa unoyevedza.’
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muti uyu uchakura here? Hauchazodzurwi ukadimurirwa muchero wawo kuti uome here? Mashizha awo matsva ose achangobukira achaoma. Hakuzombotsvakwi ruoko rune simba kana vanhu vazhinji kuti udzurwe nemidzi yawo. Kunyange dai ukasimwazve, uchararama here? Haungazoomi chose here kana mhepo yokumabvazuva ikaurova, ukaoma mumunda mawakamera?’ ”
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Uti kuimba iyi inondimukira, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Uti kwavari, ‘Mambo weBhabhironi akaenda kuJerusarema akandotorako mambo waro namakurukota aro, akadzokera navo kuBhabhironi. Ipapo akatora mumwe weimba youmambo ndokuita chibvumirano naye, akamuisa pasi pemhiko. Akatorawo varume vaitungamirira nyika iyo, kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake. Asi mambo akamupandukira nokutuma nhume dzake kuIjipiti kundotorako mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Ko, iye anoita zvinhu zvakadaro angapunyuka here? Achaputsa chibvumirano akazopunyuka here?
“ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye ane chibvumirano chaakaputsa. Faro nehondo yake ine simba neboka rake guru hazvingazombomubatsiri muhondo, kana vakavaka mirwi kana nhare dzokuparadza vanhu vazhinji. Akashora mhiko nokuputsa kwaakaita sungano. Nokuti akanga aisa ruoko rwake pakupika uku ndokuzoita zvinhu zvose izvi, haangapunyuki.
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndichauyisa pamusoro pake mhiko yangu yaakazvidza uye nesungano yangu yaakaputsa. Ndichamuteya nomumbure wangu, uye achabatwa nomusungo wangu. Ndichamuuyisa kuBhabhironi ndigomutongerako nokuti akanga asina kutendeka kwandiri. Mauto ake ose anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira. Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richabudisa matavi rigobereka muchero rigova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo. Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba uye ndinoita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye ndinoita kuti muti wakaoma ukure.
“ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”
Mweya unotadza uchafa
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti,
“ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava,
meno avana akaita ugugu’?
“Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri. Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
“Ngatiti pane munhu akarurama
anoita zvinhu nokururamisira uye nokururama.
Haadyiri pashongwe dzezvifananidzo mumakomo
kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri.
Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake,
kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.
Haamanikidzi mumwe munhu,
asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti.
Haaiti zvougororo,
asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara
uye anopfekedza vakashama.
Haarevi chimbadzo paanokweretesa
kana kutora mhindu yakakurisa.
Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa,
uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu.
Anotevera mitemo yangu,
uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu.
Munhu uyo akarurama;
zvirokwazvo achararama,
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo):
“Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo.
Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.
Anomanikidza varombo navanoshayiwa.
Anoita zvougororo.
Haadzoreri zvaakakwereta.
Anotarisira kuzvifananidzo.
Anoita zvinonyangadza.
Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura.
Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.
“Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ane mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:
“Haadyi pashongwe dzamakomo
kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri.
Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
Haamanikidzi munhu upi zvake
kana kureva rubatso pachikwereti.
Haaiti ugororo,
asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara,
uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
Anodzivisa ruoko rwake kutadza
uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura.
Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu.
Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama. Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.
“Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo. Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.
“Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu, akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo. Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama. Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame?
“Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo.
“Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here? Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa. Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake. Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi. Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here?
“Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi. Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri? Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!
Kuchema pamusoro paMachinda eIsraeri
“Chema pamusoro pamachinda eIsraeri uti:
“ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii
pakati peshumba!
Yaivata pasi pakati peshumba duku
uye yairera vana vayo.
Yakarera mumwe mwana wayo,
ikava shumba yakasimba.
Yakadzidza kubvambura nyama,
uye yaidya vanhu.
Ndudzi dzakanzwa nezvayo,
dzikaibata muhunza yadzo.
Vakaenda nayo nezvikokovono
kunyika yeIjipiti.
“ ‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa,
yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira,
yakatora mumwe wevana vayo
ndokumuita shumba yakasimba.
Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba,
nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino.
Yakadzidza kubvambura chayabata
uye yaidya vanhu.
Yakakoromora nhare dzavo
uye ikaparadza maguta avo.
Nyika navose vaivamo
vakavhundutswa nokuomba kwayo.
Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo,
vaya vaibva kumatunhu akapoteredza.
Vakaikandira mambure,
iyo ndokubatwa muhunza yavo.
Vakaipinza muchizarira nezvikokovono
vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi.
Vakaiisa mutorongo,
saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve
pamakomo aIsraeri.
“ ‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa,
wakasimwa pane mvura;
wakanga une zvibereko uye uzere namatavi
nokuda kwemvura zhinji.
Matavi awo akanga akasimba,
akanakira kuva tsvimbo yomutongi.
Wakanga wakareba kwazvo
pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira,
waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo,
uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.
Asi wakadzurwa nehasha
ndokukandwa pasi.
Mhepo yokumabvazuva yakauomesa,
ukazunzwa michero yawo;
matavi awo akasimba akaoma,
uye moto ukaapisa.
Zvino wakasimwa mugwenga,
munyika yakaoma ine nyota.
Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru
ndokupisa michero yawo.
Hapana davi rakasimba rakasara pauri
rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’
Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”
Israeri yokumukira
Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
“Ungavatonga here? Ungavatonga here, iwe mwanakomana womunhu? Zvino chivazivisa mabasa anonyangadza amadzibaba avo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.” Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa kubva munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose. Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
“ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti. Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzamaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa kubva muIjipiti. Naizvozvo ndakavabudisa kubva muIjipiti ndikaenda navo kugwenga. Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo. Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndakavaita vatsvene.
“ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga. Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo. Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose, nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo. Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga. Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo. Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu. Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”
“ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga. Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo. Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi uye ndigovadzingira kune dzimwe nyika, nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo, ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya: Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuhwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo. Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)
Kutongwa noKudzorerwa
“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza? Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.
“ ‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutongai nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso. Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano. Ndichakubvisa pakati penyu vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwaizvozvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu. Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munyika imomo imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvisarudzira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene. Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuhwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa. Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita. Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro poRutivi rweZasi
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi. Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo. Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’ ”
Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’ ”
Bhabhironi, munondo waMwari wokutonga
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri, uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama nevakaipa. Nokuti ndichaparadza vakarurama nevakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’
“Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu. Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Munondo, munondo,
wakarodzwa uye wakapukutwa,
wakarodzerwa kuuraya,
wakapukutirwa kuti upenye semheni!
“ ‘Tichazofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.
“ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe,
kuti ubatwe noruoko;
wakarodzwa uye wakapukutwa,
wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.
Chema uungudze, mwanakomana womunhu,
nokuti unorwa navanhu vangu;
unorwa namachinda ose aIsraeri.
Vakakandwa kumunondo,
pamwe chete navanhu vangu.
Naizvozvo uzvirove chipfuva.
“ ‘Kuedzwa kuchauya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
“Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita
uye urovanise maoko ako pamwe chete.
Rega munondo ubaye kaviri,
kunyange katatu.
Ndiwo munondo wokuuraya,
iwo munondo wokuuraya kukuru,
uri kuuya kwavari kubva kumativi ose.
Kuti mwoyo inyungudike
uye vanowa vawande,
munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye.
Haiwa, wakagadzirirwa kuti upenye semheni,
wakabatwa kuti uuraye.
Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi,
ugochekawo kuruboshwe,
kwose kunorerekera munondo wako.
Neniwo ndicharova maoko angu pamwe chete,
uye hasha dzangu dzichaserera.
Ini Jehovha ndazvitaura.”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta. Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa. Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa. Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, paachamisa zvokuparadza nazvo masvingo, kuti arayire zvokuuraya, adanidzire zvehondo, amise zvokuparadza nazvo masuo, vavake mirwi yokurwisa nokukomba guta. Zvichange zvakaita sokuvuka kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
“ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira, zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa. Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwazve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’
“Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo:
“ ‘Munondo, munondo,
wavhomorwa kuti uuraye,
wapukutwa kuti uparadze
uye kuti upenye semheni!
Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako,
vakavuka zvenhema pamusoro pako,
zvichaiswa pamitsipa
yavakaipa vachazourayiwa,
vane zuva ravo rasvika,
ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
Chidzosera munondo mumuhara wawo.
Panzvimbo yawakasikwa uri,
munyika yamadzitateguru ako,
ndipo pandichakutongera.
Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako,
uye ndigofemera kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako;
ndichakuisa kuvanhu vane utsinye,
vanhu vanoziva kuparadza.
Uchava huni dzomoto,
ropa rako richateurwa munyika yako,
hauchazorangarirwazve;
nokuti ini Jehovha ndazvitaura.’ ”
Zvivi zveJerusarema
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokuteura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo, wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose. Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.
“ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake. Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka. Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu. Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira kuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzezvifananidzo kumakomo uye vanoita mabasa eunzenza. Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena. Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wake, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo. Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako. Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita. Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako. Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’ ”
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema. Sezvinoitwa navarume vanounganidza sirivha, ndarira, simbi, mutobvu netini muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuisai mukati meguta ndigokunyungudisai. Ndichakuunganidzai ndigokufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyungudika mukati maro. Sokunyungudika kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyungudika mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’ Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dziwande mukati mayo. Vaprista vayo vanoputsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo. Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama. Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura. Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.
“Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe. Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Vanasikana Vaviri Zvifeve
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete. Vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa. Zita romukoma rainzi Ohora, uye mununʼuna wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema.
“Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza. Akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva. Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake.
“Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva. Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa.
“Mununʼuna wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake. Akachivawo vaAsiria, vatongi navatungamiri vehondo, varwi vakapfeka zvakakwana, vatasvi vaifamba namabhiza, namajaya akanaka ose. Ndakaona kuti naiyewo akazvisvibisa; vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe cheteyo.
“Asi akaenderera mberi noufeve hwake. Akaona mifananidzo yavarume pamadziro, mifananidzo yavaKaradhea mitsvuku, vana mabhandi akamonera muzviuno zvavo nenguwani dzemicheka dzairembera pamisoro yavo; vakaita samachinda engoro dzeBhabhironi, vagari veKaradhea. Paakangovaona, akabva avachiva ndokutumira nhume kwavari muKaradhea. Ipapo vaBhabhironi vakauya kwaari, kunhoo yorudo, mukuchiva kwavo, vakamusvibisa. Shure kwokusvibiswa kwake navo, akavafuratira kwazvo. Paakaenderera mberi noufeve hwake pachena uye akaratidza kushama kwake, ndakamufuratira zvandisembura, sokufuratira kwandakanga ndaita mukoma wake. Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti. Akachiva zvikomba zvake ikoko, vane mitezo yakaita sembongoro uye zvinobuda mavari zvakaita sezvamabhiza. Saka wakapanga unzenza hwouduku hwako, pawaiva muIjipiti chipfuva chako chakabatwa-batwa uye mazamu ouduku hwako akabatwa-batwa.
“Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose, vaBhabhironi navaKaradhea vose, varume vePekodhi neveShowa neKowa, uye vaAsiria vose pamwe chete navo, majaya akanaka, vose vari vabati nevatungamiri vamauto, namachinda engoro navarume vezvigaro zvapamusoro, vose vakatasva mabhiza. Vachauya kuzorwa newe vaine zvombo, nengoro uye neboka ravanhu vazhinji, vachagadzirira kuti varwe newe kumativi ose nenhoo huru neduku uye nenguwani dzokurwa nadzo. Ndichakudzorera kwavari kuti urangwe, uye vachakuranga sezvakafanira mitemo yavo. Ndichamutsa godo rangu kuti ndirwe newe, uye ivo vachakurwisa nehasha. Vachagura mhino yako nenzeve dzako, uye vakasara venyu vachaurayiwa nomunondo. Vachakutorerai vanakomana venyu navanasikana venyu, uye vachasara venyu vachaparadzwa nomoto. Vachakubvisai nguo dzenyu uye vachakutorerai ukomba hwenyu hwakaisvonaka. Saka ndichagumisa unzenza hwenyu noufeve hwamakatangira muIjipiti. Hamuchazotariri zvinhu izvi muchizvishuva kana kuzorangarira Ijipiti zvakare.
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndava kuzokuisa mumaoko avanhu vaunovenga, kuna avo vawakafuratira wasemburwa navo. Ivo vachakuitira ruvengo vagokutorera zvinhu zvose zvawakashandira. Vachakusiya usina kupfeka wakashama, uye kunyadzisa kwoufeve hwako kuchaiswa pachena. Unzenza hwako nokupata kwako zvakaisa izvi pamusoro pako, nokuti iwe wakachiva ndudzi ndokuzvisvibisa nezvifananidzo zvadzo. Wakafamba nenzira yomununʼuna wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
“Zvanzi naIshe Jehovha:
“Uchanwa mukombe womukoma wako,
mukombe mukuru wakadzika;
uchakuvigira kusekwa nokumhurwa,
nokuti une zvakawanda.
Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa,
mukombe wokuparadza nokuputsa,
mukombe womukoma wako Samaria.
Uchanwa zvokupedza kuti tsvai;
uchauputsa ukava zvaenga
uye uchacheka mazamu ako.
Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirasira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.”
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita, nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo. Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu. Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.
“Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba. Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuhwira namafuta akanga ari angu.
“Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomununʼuna wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo. Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’ Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vanaOhora naOhoribha. Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve uye vanoteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo.
“Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise uye muvapambe. Mhomho ichavatema namabwe uye igovabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo.
“Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera. Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”
Hari yokubikira
Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori. Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Gadza hadyana; igadze
ugodira mvura mairi.
Uise mairi nhindi dzenyama,
nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko.
Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;
utore gwai rakasanangurwa.
Uise huni pasi payo kuitira mapfupa;
uivirise
ugobika mapfupa imomo.
“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa,
nehadyana ine ngura, mukati mayo,
ine ngura isingabvi.
Budisai nhindi imwe neimwe
musingakandi mijenya nokuda kwadzo.
“ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro:
Rakaridururira paruware pasina chinhu;
harina kuriteurira pavhu,
paringafukidzwa neguruva.
Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva
ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu
kuti rirege kufukidzwa.
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa!
Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.
Saka tutira huni
ugobatidza moto.
Ubike nyama zvakanaka,
uchisanganisa nezvinonhuhwira;
uye urege mapfupa atsve.
Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe
kusvikira yapisa ndarira yayo yanʼaima
kuti kusachena kwayo kunyauke
uye tsvina yayo itsve yose.
Zvakunda kushingaira kwangu kwose;
tsvina yayo zhinji haina kubviswa,
kunyange nomoto chaiwo.
“ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.
“ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Kufa kwoMukadzi waEzekieri
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi. Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”
Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.
Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”
Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo. Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema. Mucharega nguwani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu. Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’
“Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo, pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza zvinenge zvaitika. Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Chiprofita pamusoro peAmoni
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo. Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa, naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo uye vachamisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu uye vachanwa mukaka wenyu. Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri, naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi uye ndigokupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peMoabhu
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,” naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo. Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi; uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peEdhomu
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo. Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peFiristia
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo. Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’ ”
Chiprofita pamusoro peTire
Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira,’ naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro. Vachaparadza masvingo eTire uye vachaondomora shongwe dzaro; ndichakukurira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu. Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi, uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru. Achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo. Achatuma zvokuparadza nazvo masvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake. Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka. Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi. Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka uye vacharasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa. Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, uye kurira kwembira dzako hakuchazonzwikwazve. Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri? Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe. Ipapo vachachema pamusoro pako vagoti kwauri:
“ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira,
wakanga uzere navanhu vomugungwa!
Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa,
iwe navanhu vako;
wakaisa kutya kwako
pamusoro pavo vose vaigara ikoko.
Zvino zviwi zvinodengenyeka
pazuva rokuwa kwako;
zviwi zviri mugungwa
zvavhundutswa nokuwa kwako.’
“Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza, ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare. Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovapozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Kuchema pamusoro peTire
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chema pamusoro peTire. Uti kuTire, riri pasuo rokugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Unoti, iwe Tire,
“Ini ndakakwana parunako.”
Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru;
vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.
Vakaita mapuranga ako ose
emiti yemipaini inobva kuSeniri;
vakatora musidhari waibva kuRebhanoni,
kuti vakuitire danda rokutsigira maseiri muchikepe.
Vakaita matanda okukwasva nawo
omuouki aibva kuBhashani;
namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi
vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.
Maseiri ako akanga ari omucheka wakarukwa zvakaisvonaka waibva kuIjipiti,
uye wakashandiswa somureza wako;
zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru,
zvaibva kumahombekombe aErisha.
Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako;
mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.
Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo,
savavaki vechikepe kuti vaname maburi emaseiri ako.
Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo
vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.
“ ‘Varume vokuPezhia, neRidhia nePuti
vakashanda savarwi muhondo yako.
Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako,
vachikuvigira mbiri.
Varume vokuArivhadhi nevokuHereki
vakakomba masvingo ako kumativi ose;
varume vokuGamadhi
vakanga vari mushongwe dzako.
Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako;
vakaita kuti runako rwako rukwane.
“ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.
“ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.
“ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.
“ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.
“ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.
“ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, uchi, mafuta nebharimi nezvigadzirwa zvako.
“ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.
“ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.
“ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.
“ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, makondobwe nembudzi.
“ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuhwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.
“ ‘Harani, Kane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengeserana newe. Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ane mafundo akasimba.
“ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda
pakutakura zvigadzirwa zvako.
Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema,
imo mumwoyo megungwa.
Vakwasvi vako vanokutora
voenda newe kumakungwa makuru.
Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.
Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa,
varayiri navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo,
vashambadziri vako nevarwi vako vose,
uye vose varimo
vachanyura mukati momwoyo wegungwa,
pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.
Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka
panodanidzira vafambisi vako vezvikepe.
Vose vanobata matanda okukwasva
vachasiya zvikepe zvavo;
vachairi nevafambisi vako vezvikepe
vachamira kumahombekombe.
Vachadanidzira namanzwi avo
vagochema zvikuru pamusoro pako;
vachakusha guruva pamisoro yavo
vagoumburuka mumadota.
Vachaveura misoro yavo nokuda kwako,
uye vachapfeka nguo dzamasaga.
Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo,
uye nokuchema kukuru.
Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako,
vachachema pamusoro pako vachiti,
“Ndianiko akashaya rokureva seTire,
rakakomberedzwa negungwa?”
Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa,
wakagutisa ndudzi zhinji,
nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako,
wakapfumisa madzimambo enyika.
Zvino wakaputsanyiwa negungwa
mumvura zhinji yakadzika;
nhumbi dzako navanhu vako vose
zvakanyura pamwe chete newe.
Vose vanogara mumahombekombe vanoshamiswa newe;
madzimambo avo anodedera nokutya,
uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutyiswa.
Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo;
wasvika kumagumo anonyangadza
uye hauchazovapozve.’ ”
Chiprofita pamusoro paMambo weTire
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako
iwe unoti, “Ini ndiri mwari;
ndinogara pachigaro choushe chamwari,
pakati pomwoyo wamakungwa.”
Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari,
kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.
Wakachenjera kukunda Dhanieri here?
Hauna chakavanzika chausingazivi here?
Wakazviwanira pfuma
nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako,
uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha
muzvivigiro zvepfuma yako.
Wakawanza pfuma yako
nouchenjeri hwako hwokutengesa,
uye nokuda kwepfuma yako
mwoyo wako wakazvikudza.
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Nokuti unofunga kuti wakangwara,
sokungwara kwamwari,
ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa,
rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose,
vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako,
vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.
Vachakuburutsira kugomba,
uye uchafa rufu runorwadza
pakati pomwoyo wamakungwa.
Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,”
pamberi pavanokuuraya?
Uchava munhu chete, kwete mwari,
mumaoko aivo vanokuuraya.
Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa
pamaoko avatorwa.
Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: “Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Wakanga uri muenzaniso wokukwana,
uzere nouchenjeri wakakwana parunako.
Wakanga uri muEdheni,
bindu raMwari;
wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti:
rubhi, tapazi neemeradhi,
krisorite, onikisi, jasipa,
safuri, turikoise nebheriri.
Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe;
zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.
Wakazodzwa sekerubhi rinorinda,
nokuti ndiko kugadza kwandakakuita.
Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari;
wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.
Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako,
kubva pazuva rawakasikwa
kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.
Nokuwanda kwokushambadzira kwako
wakabva wazara nechisimba,
ndokubva watadza.
Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari,
uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda,
kuti ubve pakati pamabwe omoto.
Mwoyo wako wakazvikudza
nokuda kworunako rwako,
uye wakaodza uchenjeri hwako
nokuda kwokubwinya kwako.
Saka ndakakukanda panyika;
ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.
Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira,
wakazvidza nzvimbo dzako tsvene.
Saka ndakaita kuti moto ubude kubva mauri,
ukakuparadza,
uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika,
pamberi pavose vaikuona.
Ndudzi dzose dzaikuziva
dzinoshamiswa newe;
wasvika pamagumo akaipisisa
uye hauchazovapozve.’ ”
Chiprofita pamusoro peSidhoni
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni,
uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako.
Vachaziva kuti ndini Jehovha,
pandichariranga
ndigozviratidza mariri kuti ndiri mutsvene.
Ndichatuma denda pamusoro paro
ndigoita kuti ropa riyerere munzira dzaro.
Vakaurayiwa vachawa mariri,
nomunondo uchirirwisa kumativi ose.
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho. Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”
Chiprofita pamusoro peIjipiti
Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti. Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti,
iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako.
Iwe unoti, “Nairi ndorwangu;
ndakazvigadzirira pachangu.”
Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako,
uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako.
Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako,
nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.
Ndichakusiya mugwenga,
iwe nehove dzose dzomuhova dzako.
Uchawira pasi pabani pachena zvapo,
uye haungaunganidzwi kana kunongwa.
Ndichakupa sechokudya
kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.
Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri. Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo. Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,” naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia. Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana. Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji.
“ ‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira. Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko. Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi. Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”
Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake. Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Kuchema pamusoro peIjipiti
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Ungudza uti,
“Haiwa, zuva iro!”
Nokuti zuva rava pedyo,
zuva raJehovha rava pedyo,
zuva ramakore,
nguva yokuparadzwa kwendudzi.
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti,
uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia.
Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti,
pfuma yake ichatakurwa ichienda kure
uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.
Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.
“ ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa
uye simba rainozvikudza naro richapera.
Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani,
vachaurayiwa nomunondo mukati pake,
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Vachaparadzwa
pakati penyika dzakaparadzwa,
uye maguta avo achava
pakati pamaguta akaitwa matongo.
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha,
pandichatungidza moto kuIjipiti
uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.
“ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti
noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi,
achauyiswa kuti azoparadza nyika.
Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti,
uye vachazadza nyika navakaurayiwa.
Ndichaomesa hova dzeNairi,
uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa;
namaoko avatorwa
ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi.
Ini Jehovha ndazvitaura.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Ndichaparadza zvifananidzo
uye ndichagumisa mifananidzo yeMemufisi.
MuIjipiti hamuchazovizve nomuchinda,
uye ndichaparadzira kutya munyika yose.
Ndichaita kuti Patirosi ive dongo,
ndichapisa Zoani,
uye ndicharanga Tebhesi.
Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami,
iyo nhare yeIjipiti,
uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.
Ndichapisa Ijipiti;
Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa.
Tebhesi richakukurwa nedutu;
Memufisi ichagara iri munhamo.
Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi
achaurayiwa nomunondo,
uye maguta achatapwa.
Zuva iroro richava rerima paTapanhesi,
pandichavhuna joko reIjipiti;
kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo.
Richafukidzwa namakore,
uye misha yaro ichatapwa.
Saka ndicharanga Ijipiti,
uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake. Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa. Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti. Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Musidhari womuRebhanoni
Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose:
“ ‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?
Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni,
wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo;
wakanga wakareba kwazvo,
manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.
Mvura zhinji yakaupa zvokudya,
zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe;
hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde,
uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.
Saka wakareba kwazvo
kupfuura miti yose yesango,
mativi awo akawanda
uye matavi awo akareba,
achitandavara nokuda kwemvura zhinji.
Shiri dzose dzedenga
dzakavakira matendere adzo pamatavi awo,
mhuka dzose dzesango
dzakaberekera pasi pamatavi awo;
ndudzi dzose huru
dzakagara pamumvuri wawo.
Wakanga uchiyevedza parunako,
namatavi awo akatandavara,
nokuti midzi yawo yaidzika pasi
kune mvura zhinji.
Misidhari yomubindu raMwari
yakanga isingagoni kuukunda,
uye miti yomupaini
yakanga isingaenzani namatavi awo,
uye miti yemipurani
hayaienzaniswa namatavi awo,
hakuna muti mubindu raMwari
waienzana nawo pakunaka.
Ndakauita muti unoyevedza
una matavi akawanda,
muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni
mubindu raMwari.
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo, ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi, uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya. Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo. Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.
“ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.
“ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Kuchema pamusoro paFaro
Mugore regumi namaviri, mumwedzi wegumi nemiviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari:
“ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi;
wakaita sechikara mukati mamakungwa
uchibvongodza-bvongodza mukati mehova dzako,
uchibvongodza mvura netsoka dzako
uye uchiita kuti hova dzive namatope.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Neboka ravanhu vazhinji
ndichakanda mambure angu pamusoro pako,
uye vachakukweva mumumbure wangu.
Ndichakukanda panyika
ndichakurasira pamhene.
Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako,
uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.
Ndichayanika nyama yako pamakomo,
ndigozadza mipata nezvitunha zvako.
Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera
kusvikira kumakomo,
uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.
Pandichakudzima, ndichafukidza matenga
uye ndichasvibisa nyeredzi;
ndichafukidza zuva mugore,
uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.
Zviedza zvose zvinopenya zvedenga
ndichazvidzima pamusoro pako;
ndichauyisa rima pamusoro penyika yako,
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji,
pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi,
pakati penyika dzausina kumboziva.
Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike pamusoro pako,
uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako,
pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo.
Pazuva rokuwa kwako
mumwe nomumwe wavo achadedera
nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.
“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Munondo wamambo weBhabhironi
uchauya kuzokurwisa.
Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vawe
nokuda kweminondo yavane simba,
vanhu vakaipisisa pandudzi dzose.
Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti,
uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.
Ndichaparadza mombe dzayo dzose
dziri panhivi dzemvura zhinji,
hakuchazova norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza,
kana namahwanda emombe achaibvongodza.
Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane,
uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta,
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo
uye pandichabvisa zvose zviri mairi,
pandichauraya vose vanogaramo,
ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’
“Aya ndiwo mashoko okuchema avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba. Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai munoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’ Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji. Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’
“Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo. Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.
“Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba. Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.
“Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu. Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.
“Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.
“Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.
“Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
“Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Ezekieri, Nharirire yaJehovha
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: ‘Kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo, uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu, ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake. Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake. Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’
“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.
“Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?” ’ Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’ Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita. Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi. Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo.
“Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama. Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo. Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo. Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.”
Kuwa kweJerusarema kunorondedzerwa
Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, mumwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!” Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, ‘Abhurahama akanga ari munhu mumwe chete, asi akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’ Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo muchidya nyama neropa rayo uye muchitarira kuzvifananidzo zvenyu uye muchiteura ropa, zvino mungatora nyika here? Imi munovimba nomunondo wenyu, muchiita zvinhu zvinonyangadza, uye mumwe nomumwe wenyu achisvibisa mukadzi wehama yake. Zvino mungatora nyika here?’
“Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha. Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo richasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’
“Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo, ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’ Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama. Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka uye achiridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.
“Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.”
Vafudzi naMakwai
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here? Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai. Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha uye noutsinye. Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango. Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka.
“ ‘Naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu, naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo.
“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu ndigoafudza. Somufudzi anofudza makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichafudza makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima. Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika. Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri. Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira.
“ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondobwe nembudzi. Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu? Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here?
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati peakakora nemakwai akaonda. Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure, ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai. Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo. Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura.
“ ‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango. Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo. Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa. Havachazopambwizve nendudzi, uye zvikara zvesango hazvingavadyizve. Vachagara zvakanaka, uye hakuna angavatyisa. Ndichavapa nyika ine mukurumbira nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi. Ipapo vachaziva kuti ini, Jehovha Mwari wavo, ndinavo uye kuti ivo, imba yaIsraeri, ndivo vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peEdhomu
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peGomo reSeiri; uprofite pamusoro paro, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe iwe Gomo reSeiri, uye ndichatambanudzira ruoko rwangu kuzorwa newe ndigokuita dongo raparadzwa. Ndichashandura maguta ako akava matongo uye iwe uchaparadzwa. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Nemhaka yokuti wakafundira ruvengo rwako rwakare ukaisa vaIsraeri kumunondo panguva yenjodzi yavo, panguva iyo kurangwa kwavo kwakanga kwasvika pamusoro-soro, naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuisa kukuteura ropa uye richakuteverera. Sezvo usina kuvenga kuteura ropa, kuteura ropa kuchakuteverera. Ndichaita kuti Gomo reSeiri rive dongo uye ndichaparadza vose vanopinda napo uye nevanobuda napo. Ndichazadza makomo ako navakaurayiwa; vaya vakaurayiwa nomunondo vachawira pazvikomo nomumipata yenyu uye nomunzizi dzenyu dzose. Ndichakuparadza nokusingaperi, maguta ako haachazogarwi. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Ndudzi mbiri idzi nenyika idzi dzichava dzedu uye tichadzitora,” kunyange dai ini Jehovha ndaivapo, naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuitira zvakafanira kutsamwa negodo rawakaratidza mukuvavenga kwako uye ndichaita kuti vandizive pakati pavo pandichakutonga. Ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa zvose zvinonyadza zvawakataura zvinorwisa makomo eIsraeri. Iwe wakati, “Akaparadzwa uye akapiwa kwatiri kuti tiadye.” Wakazvirumbidza pamusoro pangu uye wakataura zvakaipa pamusoro pangu usingazvidzori, uye ini ndakazvinzwa. Zvanzi naIshe Jehovha: Panguva inofara nyika yose, ini ndichakuita dongo. Nokuti iwe wakafara panguva yakaparadzwa nhaka yeimba yaIsraeri, ndizvo zvandichakuitirawo iwe. Uchava dongo, iwe Gomo reSeiri, iwe neEdhomu yose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Chiprofita kuMakomo eIsraeri
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.” ’ Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai uye vakakudzingirai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu, nechinorehwa, naizvozvo, imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, kumatongo akaparadzwa okumaguta akasiyiwa akanga apambwa uye akasekwa nendudzi dzose dzakakupoteredzai, zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’ Naizvozvo profita pamusoro penyika yeIsraeri uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata: ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndinotaura negodo nehasha dzangu nokuti makashorwa nendudzi. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndinopika noruoko rwakasimudzwa kuti ndudzi dzakakupoteredza naidzo dzichashorwawo.
“ ‘Asi imi, iyemi makomo eIsraeri, muchabudisa matavi nemichero yavanhu vangu ivo Israeri, nokuti vachakurumidza kudzokera kumusha. Ndine hanya newe uye ndichakutarira neziso rine tsitsi; ucharimwa ugodyarwa, uye ndichawanza vanhu pamusoro pako, kunyange iyo imba yose yaIsraeri. Maguta achagarwa uye matongo achavakwazve. Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Ndichaita kuti vanhu, ivo vanhu vangu Israeri, vafambe pamusoro pako. Vachakutora uye muchava nhaka yavo; hamuchazovatorerizve vana vavo.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuti vanhu vanoti kwauri, “Iwe unodya vanhu uye unotorera rudzi rwako vana,” naizvozvo hauchazodyi vanhu kana kushayisa rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Handichazoiti kuti unzwe kutuka kwendudzi, hauchazoshorwi navanhu uye handichazoiti kuti rudzi rwako ruwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, vanhu vaIsraeri pavaigara munyika yavo chaiyo, vakaisvibisa namaitiro avo uye namabasa avo. Maitiro avo akanga akaita sokusachena kwomukadzi ari kumwedzi pamberi pangu. Saka ndakadurura hasha dzangu pamusoro pavo nokuti vakanga vateura ropa munyika uye nokuti vakanga vakaisvibisa nezvifananidzo zvavo. Ndakavaparadzira pakati pendudzi, uye vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo namabasa avo. Uye kwose kwose kwavakaenda pakati pendudzi, vakasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvakanzi pamusoro pavo, ‘Ava ndivo vanhu vaJehovha, asi vakatonzi vabve munyika yake.’ Ndakanga ndine hanya nezita rangu dzvene, rakanga rasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pendudzi kwavakanga vaenda.
“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda. Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
“ ‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo. Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu. Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu. Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wenyu. Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo ndigozviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu. Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara. Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza. Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri!
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randinokunatsai pazvivi zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta enyu uye matongo achavakwazve. Nyika yakanga yava dongo icharimwazve pachinzvimbo chokugara iri dongo pamberi pavose vanopfuura napo. Vachati, “Nyika iyi yakanga yaparara iye zvino yafanana nebindu reEdheni; maguta akanga ava matongo aparadzwa, zvino akomberedzwa uye ogarwa.” Ipapo ndudzi dzakasara, dzakakupoteredzai dzichaziva kuti ini Jehovha ndakavakazve zvakanga zvaparadzwa uye ndakadyarazve zvakanga zvaparadzwa. Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’
“Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichagamuchirazve chikumbiro cheimba yaIsraeri ndigovaitira izvi: Ndichawanza kwazvo vanhu vavo sokuwanda kwamakwai, sokuwanda kwakaita mapoka ezvipiriso paJerusarema panguva yemitambo yaro yakatarwa. Saka maguta akaparadzwa achazadzwa namapoka avanhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Mupata waMapfupa Akaoma
Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?”
Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.”
Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo.
Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’ Naizvozvo profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa vanhu vangu, ndiri kuzozarura marinda enyu ndigokubudisai maari; ndichakudzoseraizve kunyika yaIsraeri. Ipapo imi, vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichazarura marinda enyu ndichikubudisai maari. Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
Rudzi rumwe chete pasi pamambo mumwe chete
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, tora rutanda unyore parwuri kuti, ‘ZvaJudha nezvaIsraeri shamwari dzake.’ Ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti, ‘Rutanda rwaEfuremu, norwaJosefa neimba yose yaIsraeri neshamwari dzake.’ Uzvibatanidze pamwe chete zvive rutanda rumwe kuitira kuti zvive rutanda rumwe chete muruoko rwako.
“Kana vanhu venyika yako vakakubvunza vachiti, ‘Haungatiudziwo zvaunoreva nechinhu ichi here?’ uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzotora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nerwaIsraeri shamwari dzake, ndigorubatanidza nerwaJudha, ndichiaita rutanda rumwe chete rwehuni, agova rutanda rumwe chete muruoko rwangu.’ Uabate pamberi pavo iwo matanda awakanyora paari ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kubva munyika dzose kwavakanga vaenda ndichadzosera vaIsraeri munyika yavo. Ndichavaita rudzi rumwe chete munyika iyo, pamakomo eIsraeri. Pachava namambo mumwe chete pamusoro pavo vose uye havachazovazve marudzi maviri kana kupatsanurwa kuti vave umambo huviri. Havachazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo kana nezvinonyangadza zvavo kana kudarika kuipa kwavo, nokuti ini ndichavaponesa pazvivi zvavo zvokudzokera shure, uye ndichavanatsa. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo.
“ ‘Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo pamusoro pavo, uye vose vachava nomufudzi mumwe chete. Vachatevera mirayiro yangu uye vachachenjerera kuchengeta mitemo yangu. Vachagara munyika yandakapa kumuranda wangu Jakobho, iyo nyika yaigara madzibaba avo. Vachagaramo nokusingaperi ivo navana vavo navana vavana vavo uye Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. Ndichavasimbisa, ndichavawanza uye ndichaisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi. Ugaro hwangu huchava pakati pavo, ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndinoita Israeri kuti ave mutsvene, kana nzvimbo yangu tsvene ikagara pakati pavo nokusingaperi.’ ”
Chiprofita pamusoro paGogi
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi muchinda mukuru weMesheki neTubhari. Ndichakutendeutsa, ndigoisa zvikokovono mushaya dzako ndigokubudisa iwe nehondo yako yose, mabhiza ako, vatasvi vamabhiza vakashonga nguo dzehondo, uye navanhu vazhinji vane nhoo huru neduku, vose vachivheyesa minondo yavo. Pezhia neEtiopia neRibhiya dzinenge dziripowo, vose vaine nhoo nenguwani dzokurwa, Gomeriwo namauto ayo ose, neBheti Togarima ichibva kumusoro chaiko namauto ayo ose, ndudzi zhinji dzinewe.
“ ‘Gadzirira; iva wakagadzirira, iwe pamwe chete navanhu vazhinji vakaungana pauri, iwe uve mukuru wavo. Shure kwamazuva mazhinji iwe uchadanidzira hondo. Pamakore anotevera, iwe uchakomba nyika yakabva muhondo, ina vanhu vakaunganidzwa kubva kundudzi zhinji kumakomo aIsraeri, akanga ava dongo kwenguva huru. Vakabudiswa kubva kundudzi, zvino vose vachagara zvakanaka. Iwe namauto ako ose nendudzi zhinji dzinewe muchakwira, muchienda sedutu; muchaita segore rinofukidza nyika.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva iro, mwoyo wako uchapindwa nepfungwa dzakaipa, uchafunga zano rakaipa. Iwe uchati, “Ndichakomba misha isina masvingo; ndicharwisa vanhu vasingafungiri vagere zvavo zvakanaka, vose vanogara vasina masvingo uye vasina masuo namazariro. Ndichapamba ndigotora nechisimba, ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndirwise matongo ogarwa navanhu uye vanhu vakaungana kubva kundudzi vakapfuma pazvipfuwo nenhumbi, vagere pakati penyika.” Shebha neDhedhani navashambadziri vokuTashishi nemisha yaro yose vachati kwauri, “Wauya kuzopamba here? Waunganidza vanhu kuti vatore zvipfuwo nenhumbi uye kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?” ’
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: pazuva iro, vanhu vangu vaIsraeri vava kugara zvakanaka, haungazvioni here? Uchauya uchibva kunzvimbo yako iri kumusoro chaiko, iwe nendudzi zhinji dzinewe, vose vakatasva mabhiza, vanhu vazhinji, hondo ine simba. Uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsraeri segore rinofukidza nyika. Mumazuva anouya, iwe Gogi, ndichakuuyisa kuzorwa nenyika yangu, kuitira kuti ndudzi dzigondiziva pandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ko, hauziwe wandakataura nezvako pamazuva ekare navaranda vangu ivo vaprofita vaIsraeri here? Panguva iyoyo vakaprofita kwamakore kuti ini ndichakuuyisa kuzovarwisa. Izvi ndizvo zvichaitika pazuva iroro: Nyika yaIsraeri painorwiswa naGogi, hasha dzangu huru dzichamuka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pakushingaira kwangu uye nomoto wehasha dzangu, ndinozivisa kuti panguva iyoyo pachava nokudengenyeka kukuru munyika yaIsraeri. Hove dzegungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, nezvose zvinokambaira panyika, navanhu vose vari pamusoro penyika vachadedera pamberi pangu. Makomo achapidiguka, mawere achaondomoka uye rusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi. Ndichadana munondo kuzorwisa Gogi pamusoro pamakomo ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munondo womunhu mumwe nomumwe uchabaya hama yake. Ndicharanga nedenda nokudeuka kweropa; ndichanayisa mvura zhinji, nechimvuramabwe nesafuri inopfuta pamusoro pake napamusoro pamauto ake uye napamusoro pendudzi dzaanadzo. Nokudaro ndicharatidza ukuru hwangu noutsvene hwangu, uye ndichazvizivisa pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro paGogi, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari. Ndichakutendeutsa ndigokukwekweredza. Ndichakubvisa kumusoro ndigokutumira kundorwisa pamakomo eIsraeri. Ipapo ndicharova museve wako nechokuruboshwe rwako ndigowisira miseve yako pasi ichibva muruoko rwako rworudyi. Uchawa pamakomo aIsraeri, iwe namauto ako ose uye nendudzi dzaunadzo. Ndichakupa iwe sechokudya chemhando dzose dzeshiri dzinodya nyama uye nokumhuka dzesango. Uchawira pamhene, nokuti ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatuma moto pamusoro paMagogi uye napamusoro pavagere zvakanaka muzviwi, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.
“ ‘Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsraeri. Handichazobvumiri kuti zita rangu dzvene risvibiswe, uye ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndini mutsvene woga waIsraeri. Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Iri ndiro zuva randakareva.
“ ‘Ipapo vaya vanogara mumaguta aIsraeri vachabuda kunze vagoshandisa zvombo sehuni vagozvipisa, senhoo duku nehuru, uta nemiseve, tsvimbo dzehondo namapfumo. Vachazvishandisa sehuni kwamakore manomwe. Havachazounganidzi huni kubva musango kana kudzitema kumatondo, nokuti vachashandisa zvombo sehuni. Uye vachapamba vaya vakambovapamba uye vachatorera nechisimba vaya vakambovatorera nechisimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“ ‘Pazuva iro, ndichapa Gogi nzvimbo yamakuva muIsraeri, mumupata wavaya vanoshanya vachienda kumabvazuva vakananga kugungwa. Ichadzivirira nzira yavashanyi, nokuti Gogi navanhu vake vachavigwapo. Saka ichatumidzwa kunzi Mupata waHamoni Gogi.
“ ‘Imba yaIsraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga kuitira kuti nyika inatswe. Vanhu vose vomunyika vachavaviga, uye zuva rokukudzwa kwangu richava zuva ravacharangarira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“ ‘Vachapa vanhu basa rokuchenesa nyika nguva dzose. Vamwe vachapota nenyika yose uye, kubatanidza naivavo vamwe vachaviga vaya vakasiyiwa vachingova pachena. Mushure memwedzi vachazotanga kutsvaga. Pavachange vachipota nenyika, kana mumwe akaona bvupa romunhu, achaisapo chiratidzo parutivi rwaro kusvikira vacheri vamarinda variviga muMupata waHamoni Gogi. Uyezve, pachava neguta rinonzi Hamona ipapo. Nokudaro vachanatsa nyika.’
“Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Danidzira kumarudzi ose eshiri uye nemhuka dzose dzesango uti, ‘Unganai uye muve pamwe chete muchibva kwose kwose muuye kuchibayiro chandiri kukugadzirirai, chibayiro chikuru pamusoro pamakomo eIsraeri. Muchadya nyama uye muchanwa ropa ipapo. Muchadya nyama yavarume vane simba nokunwa ropa ramachinda enyika kunge ramakondobwe, neremakwayana, nerembudzi uye rehando, mhuka dzose dzakakodzwa dzinobva kuBhashani. Pachibayiro chandinokugadzirirai, muchadya mafuta kusvikira makorwa nawo, uye muchanwa ropa kusvikira madhakwa. Patafura yangu muchadya mukaguta mabhiza navatasvi vavo, varume vane simba navarwi vemhando dzose,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“Ndicharatidza kubwinya kwangu pakati pendudzi, uye ndudzi dzose dzichaona kuranga kwandinoita noruoko rwandinoisa pamusoro pavo. Kubva pazuva iro zvichienda mberi, imba yaIsraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo. Uye ndudzi dzichaziva kuti vanhu vaIsraeri vakaenda kuutapwa nokuda kwechivi chavo, nokuti vakanga vasina kutendeka kwandiri. Saka ndakavavanzira chiso changu ndikavaisa mumaoko avavengi vavo, uye vose vakaurayiwa nomunondo. Ndakavaitira zvakafanira kusachena kwavo nokudarika kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu.
“Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Zvino ndichabvisa Jakobho kubva mukutapwa uye ndichanzwira tsitsi vanhu vose veIsraeri, uye ndichashingairira zita rangu dzvene. Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwavo kwose kwavakaratidza kwandiri pavakagara zvakanaka munyika yavo pasina aivavhundusa. Pandichavadzosa kubva kundudzi uye ndikavaunganidza vachibva kunyika dzavavengi vavo, ndicharatidza utsvene hwangu kubudikidza navo pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, nokuti kunyange ndakavadzingira kuutapwa pakati pendudzi, ndichavaunganidza munyika yavo, pasina wandinosiya. Handingazovavanzirizve chiso changu, nokuti ndichadurura Mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Nzvimbo Itsva yeTemberi
Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, mushure kwokukundwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu uye akandiendesako. Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yeIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta. Akandiendesa ikoko, ndikaona munhu akanga achiratidzika sendarira; akanga akamira pasuo ane tambo yomucheka netsvimbo yokueresa muruoko rwake. Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”
Suo roKumabvazuva roRuvazhe rwoKunze
Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatu40:5 0.5 yemita , rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanza40:5 masendimita angaita 8. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete.
Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvaro ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika. Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika.
Ipapo akayera biravira resuo; rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi.
Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana. Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu. Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pane madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo. Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredza nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe. Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu. Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.
Ruvazhe rwoKunze
Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa. Yakanga yakaganhurana norutivi rwamasuo uye yakaenzana paupamhi sokureba kwadzakanga dzakaita; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi. Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo.
Suo roKumusoro
Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvazhe rwokunze. Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho. Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana.
Suo reZasi
Ipapo akanditungamirira kurutivi rwezasi ndikaona suo rakatarisa zasi. Akayera mbiru dzaro namabiravira aro, uye akanga akangoenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho; rakanga rine miti yokushongedza yemichindwe pamadziro aionekera kurutivi rumwe norumwe. Ruvazhe rwomukati nairwowo rwakanga rune suo rakatarisa zasi, uye akayera kubva pasuo iri kusvika kusuo rokunze kurutivi rwezasi; aiva makubhiti zana.
Masuo okuRuvazhe rwoMukati
Ipapo akaenda neni kuruvazhe rwomukati achipinda napasuo rezasi, uye akayera suo rezasi; rakanga rakaenzana namamwe pakuyera. Makamuri aro, namadziro anoonekera uye namabiravira aro, akanga akaenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo akazvipoteredza. Akanga akareba makubhiti makumi mashanu noupamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu. Mabiravira emasuo akanga akapoteredza ruvazhe rwomukati akanga ane upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu uye makubhiti mashanu pakudzika. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru dzaro, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
Ipapo akandipinza muruvazhe rwomukati nechokumabvazuva, iye ndokuyera suo; rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera. Makamuri aro namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
Ipapo akaenda neni kusuo rokumusoro ndokuriyera. Rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera, sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
Makamuri oKugadzirira Zvibayiro
Kamuri rino mukova rakanga riri pabiravira pasuo rimwe nerimwe rechomukati, kwaisukirwa zvibayiro zvinopiswa. Mubiravira rapasuo makanga muna matafura maviri pamativi ose, paiurayirwa zvibayiro zvinopiswa, zvezvivi nezvemhosva. Kurutivi rwokunze rworusvingo rwebiravira repasuo, pedyo nezvikwiriso zvapamukova nechokumusoro kwesuo rokumusoro kwakanga kune matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwezvikwiriso kwaivawo namatafura maviri. Saka kwakanga kuna matafura mana parutivi rwesuo uye mamwezve mana kuno rumwe rutivi, matafura masere munzvimbo dzose, pakanga pachiurayirwa zvibayiro. Kwakanga kuna mamwezve matafura mana amabwe akashongedzwa ezvibayiro zvinopiswa, rimwe nerimwe rine kubhiti rimwe nehafu paurefu, kubhiti nehafu paupamhi uye kubhiti rimwe chete pakukwirira. Pamusoro pawo pakanga pakaiswa midziyo yavaibayira nayo zvibayiro zvinopiswa nezvimwewo zvibayiro. Uye zvikokovono zvaiva nemhanda mbiri, chimwe nechimwe chakanga chine upamhi hwechanza chomunhu pakureba, zvakanga zvakasungirirwa pamadziro ose. Matafura akanga ari enyama yezvipiriso.
Makamuri aVaprista
Kunze kwesuo romukati, nechomukati moruvazhe rwomukati, makanga muna makamuri maviri, rimwe kurutivi rwesuo rokumusoro uye rakatarisa kumusoro. Iye akati kwandiri, “Kamuri rakatarisa zasi, nderavaprista vanochengeta temberi, Uye kamuri rakatarisa kumusoro nderavaprista vanochengeta aritari. Ava ndivo vana vaZadhoki, vanova ndivo vaRevhi chete vangaswedera pedyo naJehovha kuti vashumire pamberi pake.”
Ipapo akayera ruvazhe: Rwakanga rwakaenzana mativi ose, makubhiti zana pakureba, uye makubhiti zana paupamhi. Uye aritari yakanga iri pamberi petemberi.
Temberi
Akandiendesa kubiravira retemberi ndokuyera mbiru dzebiravira, dzakanga dzina makubhiti mashanu kumativi ose. Upamhi hwesuo hwaiva makubhiti gumi namana uye madziro acho aionekera akanga ana makubhiti matatu paupamhi kumativi ose. Biravira rakanga rina makubhiti makumi maviri paupamhi, uye makubhiti gumi namaviri kubva mberi kusvika shure. Ikoko kwaisvikwa nezvikwiriso, uye kwakanga kune mbiru parutivi rumwe norumwe rwedzimwe mbiru.
Ipapo murume uya akandiuyisa kunzvimbo tsvene yokunze akayera mbiru, upamhi hwembiru hwaisvika makubhiti matanhatu41:1 kubhiti raiva 0.5 yemita rumwe norumwe. Mukova wacho wakanga una makubhiti gumi paupamhi, uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo akanga ana makubhiti mashanu paupamhi. Akayerawo nzvimbo tsvene yokunze; yakanga yakareba makubhiti makumi mana uye makubhiti makumi maviri paupamhi.
Ipapo akapinda munzvimbo tsvene yomukati ndokuyera mbiru dzomukova; imwe neimwe yakanga ina makubhiti maviri paupamhi. Mukova wacho wakanga una makubhiti matanhatu paupamhi uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo aiva makubhiti manomwe paupamhi. Akayera urefu hwenzvimbo tsvene yomukati; yakanga ina makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri zvichiyambukira kumagumo okunze kwenzvimbo tsvene. Akati kwandiri, “Iyi ndiyo Nzvimbo Tsvene-tsvene.”
Ipapo akayera madziro etemberi; akanga ari makubhiti matanhatu paukobvu, uye rutivi rumwe norumwe rwekamuri rwaipoteredza temberi rwakanga runo upamhi hwaisvika makubhiti mana. Makamuri omumativi akanga ane miturikidzwa mitatu, mumwe pamusoro pomumwe, makamuri makumi matatu pamuturikidzwa mumwe nomumwe. Makanga muna masherufu matetetete aipoteredza madziro etemberi aibatsira kutsigira makamuri omumativi, saka zvitsigiro zvakanga zvisina kuvakirwa mumadziro etemberi. Makamuri omumativi akanga akapoteredza temberi akanga akapamhama zvokuti riri pasi raipfuurwa neriri pamusoro zvichingodaro. Chidziro chaipoteredza temberi chakavakwa chichikwira nokukwirira, zvokuti kamuri dzaipamhamha munhu paakwirira kumusoro. Zvikwiriso zvaibva pasi zvichisvika kumuturikidzwa wapamusoro.
Ndakaona kuti temberi yakanga ina pakakwirira kumativi ayo ose, panova ndipo paiva nheyo yamakamuri omumativi. Yaiva nourefu hwakaenzana netsvimbo yokuyera yakareba makubhiti matanhatu. Madziro okunze emakamuri okumativi aiva noukobvu hwaisvika makubhiti mashanu. Nzvimbo yakashama yakanga iri pakati pamakamuri okumativi etemberi. Uye makamuri avaprista aisvika makubhiti makumi maviri paupamhi achipoteredza temberi kumativi ose. Kwakanga kune mikova yaipinda kumakamuri okumativi uchibva nokunzvimbo yakashama, mumwe nechokumusoro, mumwe nechenyasi; uye hwaro hwaibatanidza nzvimbo yakasara hwaisvika makubhiti mashanu paupamhi kumativi ose.
Imba yakatarisana noruvazhe rwetemberi nechokumavirira yaisvika makubhiti makumi manomwe paupamhi. Madziro eimba akanga ana makubhiti mashanu paukobvu kumativi ose, uye urefu hwawo hwaisvika makubhiti makumi mapfumbamwe.
Ipapo akayera temberi; yakanga ina makubhiti zana pakureba, uye ruvazhe rwetemberi neimba namadziro ayo yaivawo namakubhiti zana pakureba. Upamhi hworuvazhe rwetemberi nechokumabvazuva, zvichibatana nemberi kwetemberi, hwaisvika makubhiti zana.
Ipapo akayera urefu hweimba yakatarisana noruvazhe necheshure kwetemberi, pamwe chete nedzimba dzokuratidzira dzacho kurutivi rumwe norumwe; zvakaita makubhiti zana.
Nzvimbo tsvene yokunze, nenzvimbo tsvene yomukati uye biravira rakatarisana noruvazhe, pamwe chetewo napazvikumbaridzo uye napamawindo maduku napadzimba dzokuratidzira zvose zviri zvitatu, zvinhu zvose zvaiva seri nechikumbaridzowo, zvakanga zvakafukidzwa namapuranga. Uriri, madziro kusvika pamawindo, namawindo zvakanga zvakafukidzwa. Panzvimbo yakanga iri pamusoro nechokunze kwomukova wokupinda munzvimbo tsvene napamadziro, nechiyero chakafanana pakati pazvo zvakapoteredza nzvimbo tsvene yomukati neyokunze, paiva namakerubhi akavezwa nemiti yemichindwe. Pakati pamakerubhi paiva nemiti yemichindwe. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri: chiso chomunhu chakatarisana nomuti womuchindwe kuno rumwe rutivi uye kuno rumwe rutivi chiso cheshumba chakananganawo nomuti womuchindwe uri kuno rumwe rutivi. Zvakanga zvakavezwa pamativi ose etemberi. Kubva pauriri kusvikira kunzvimbo yaiva pamusoro pomukova, makerubhi nemiti yemichindwe zvakanga zvakavezwa pamadziro enzvimbo tsvene yokunze.
Nzvimbo tsvene yokunze yakanga ine magwatidziro omukova ana mativi mana akaenzana, uye duku racho ndiro rakanga riri mberi kweNzvimbo Tsvene-tsvene. Pakanga pane aritari yakavezwa namatanda yaisvika makubhiti matatu pakukwirira kwayo uye yakaenzana urefu noupamhi makubhiti maviri; makona ayo, pasi payo namativi ayo, akanga ari matanda. Murume uya akati kwandiri, “Iyi ndiyo tafura iri pamberi paJehovha.” Nzvimbo tsvene yokunze neNzvimbo Tsvene-tsvene dzakanga dzina makonhi maviri maviri dzose. Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa aitenderera maviri pamukova mumwe nomumwe. Uye pamakonhi enzvimbo tsvene yokunze pakanga pane makerubhi akavezwa nemiti yemichindwe yakaita seiya yakavezerwa pamadziro, uye pakanga pane chikumbaridzo chakavezwa pamberi pebiravira. Parutivi rwamadziro ebiravira pakanga pane mawindo maduku ane miti yemichindwe yakavezwa pamativi ose. Makamuri okumativi etemberi naiwowo aiva nezvikumbaridzo.
Makamuri aVaprista
Ipapo murume uya akanditungamirira nechokumusoro nechomukati moruvazhe rwokunze ndokundiendesa kumakamuri akanga akatarisana noruvazhe rwetemberi uye pakatarisana namadziro okunze kurutivi rwokumusoro. Imba yakanga ino mukova wakatarisa kumusoro yakanga yakareba makubhiti zana42:2 kubhiti raiva 0.5 yemita uye makubhiti makumi mashanu paupamhi. Pakatarisana namakubhiti makumi maviri oruvazhe rwomukati, uye pakatarisana nenzira yakanga yakavakirwa yoruvazhe rwokunze kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu. Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba yakanga ine upamhi makubhiti gumi uye makubhiti zana pakureba. Makonhi ayo akanga ari nechokumusoro. Zvino makamuri apamusoro akanga ari maduku, nokuti nzvimbo dzokuratidzira dzakanga dzatorera nzvimbo yakawanda kubva paari kupfuura makamuri apasi namakamuri apakati peimba. Makamuri omuturikidzwa wechitatu akanga asina mbiru, sezvakanga zvakaita ruvazhe; saka akanga ari maduku panzvimbo youriri pane aya akanga ari pasi uye nechapakati. Pakanga pane madziro aitevedzana namakamuri uye noruvazhe rwokunze. Mutsara wamakamuri kurutivi runotevedzana noruvazhe rwokunze wakanga uri makubhiti makumi mashanu pakureba, mutsara waparutivi rwaiva pedyo pedyo nenzvimbo tsvene wakanga una makubhiti zana pakureba kwawo. Makamuri apasi akanga ano mukova kurutivi rwokumabvazuva kana munhu achipinda kwaari achibva nechokuruvazhe rwokunze.
Parutivi rwezasi zvichitevedzana nokureba kworusvingo rworuvazhe rwokunze, pedyo noruvazhe rwetemberi uye kwakatarisana norusvingo rwokunze, pakanga pane makamuri nenzvimbo yokufamba nayo nechemberi kwawo. Aya akanga akafanana namakamuri okumusoro; akanga akaenzana pakureba noupamhi, akanga akafanana pokubuda napo uye nokuyerwa kwawo. Sezvakanga zvakaita makonhi okumusoro ndizvo zvakanga zvakaita mikova yamakamuri ezasi. Pakanga pane mukova paitangira nzvimbo yokufamba nayo pakanga pakangoenzana namadziro akanangana nawo zvichipfuurira zvakananga kumabvazuva, kana munhu achipinda mumakamuri.
Ipapo akati kwandiri, “Makamuri okumusoro neezasi iwo akatarisana noruvazhe rwetemberi ndeevaprista, ndipo panodyirwa zvipiriso zvitsvene-tsvene navaprista vanoswedera pana Jehovha. Vachaisa ipapo zvipiriso zvitsvene-tsvene, zvipiriso zvezviyo, zvechivi, uye zvemhosva, nokuti nzvimbo yacho itsvene. Kana vaprista vakangopinda panzvimbo tsvene, havachafaniri kubudira kuruvazhe rwokunze kusvikira vasiya nguo dzavanga vachishandisa pakushumira, nokuti idzo itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vasati vasvika pedyo nenzvimbo dzavanhu.”
Akati apedza kuyera zvakanga zviri mukati metemberi, akandibudisa kunze nechokusuo rokumabvazuva ndokubva ayera nzvimbo yacho yose. Akayera rutivi rwokumabvazuva netsvimbo yokuyeresa; yakanga ina makubhiti mazana mashanu. Akayerawo rutivi rwokumusoro; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. Akayerawo rutivi rwezasi; rwakanga runa makubhiti mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. Ipapo akatendeukira kurutivi rwokumavirira ndokuyera; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. Saka akayera nzvimbo kumativi mana ose. Yakanga ino rusvingo rwakaipoteredza, mazana mashanu amakubhiti pakureba uye mazana mashanu paupamhi, kuti zviparadzanise zvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
Kubwinya kunodzokera muTemberi
Ipapo murume uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva, uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake. Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva. Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.
Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira. Pavakaisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga pegwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavakaita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu. Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.
“Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa hwayo, uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose.
“Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu.
Aritari
“Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhiti43:13 kubhiti raiva 0.5 yemita noupamhi hwechanza43:13 masendimita angaita 8: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanza43:13 masendimita angaita 23 pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari: Kubva pachigadziko chapasi kusvikira pamupanda wenyasi yakakwirira namakubhiti maviri uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubva pamupanda muduku kusvikira pamupanda mukuru yakakwirira namakubhiti mana uye kubhiti rimwe chete paupamhi. Choto chearitari chakakwirira namakubhiti mana, uye nyanga ina dzakatarisa kumusoro kubva pachoto. Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi. Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.”
Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa: Unofanira kupa hando duku sechipiriso chechivi kuvaprista, vanova ndivo vaRevhi, vemhuri yaZadhoki, vanoswedera kuti vashumire pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Unofanira kutora rimwe reropa ugoriisa panyanga ina dzearitari uye napamakona mana pamupanda wapamusoro napamuromo wose, nokudaro unatse aritari ugoiyananisira. Unofanira kutora hando yechipiriso chechivi ugopisa panzvimbo yakatsaurwa yetemberi iri kunze kwenzvimbo tsvene.
“Pazuva rechipiri unofanira kubayira nhongo isina chainopomerwa chive chibayiro chechivi, uye aritari inofanira kunatswa sokunatswa kwayakaitwa nehando. Kana mapedza kuinatsa, unofanira kubayira hando duku uye negondobwe rinobva pamakwai, zvose zvisina chazvinopomerwa. Unofanira kuzvibayira pamberi paJehovha, uye vaprista vanofanira kusasa munyu pamusoro pazvo vagozvibayira sezvibayiro zvinopisirwa Jehovha.
“Kwamazuva manomwe munofanira kuuya nenhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chechivi; uye unofanirawo kuuya nehando negondobwe rinotorwa kumakwai, parege kuva nezvazvinopomerwa zvose. Vanofanira kuyananisira aritari nokuinatsa kwamazuva manomwe vagoinatsa; naizvozvo vagoikumikidza. Shure kwamazuva iwayo, kubva pazuva rorusere, vaprista vanofanira kuuya nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana paaritari. Ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Muchinda, vaRevhi, naVaprista
Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri: Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. Anofanira kupinda nenzira yapabiravira resuo agobuda nenzira imwe cheteyo.”
Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu.
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene. Uti kuimba inondimukira yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nhai imba yaIsraeri, chigutsikanai nezvinonyangadza zvamunoita! Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu. Pachinzvimbo chokuita mabasa enyu akafanira zvinhu zvangu zvitsvene, makagadza vamwe vanhu kuti vave vatariri venzvimbo yangu tsvene. Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri.
“ ‘VaRevhi vakaenda kure neni panguva yakatsauka Israeri uye vakadzungaira vachibva kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo vanofanira kuzvitakurira zvibereko zvechivi chavo. Vangashumira havo munzvimbo yangu tsvene, vari vatariri vamasuo etemberi uye vachishanda mairi; vangabayira havo zvibayiro zvinopiswa vagobayira zvibayiro zvavanhu, vagomira pamberi pavanhu vagovashumira. Asi nemhaka yokuti vakavashumira pamberi pezvifananidzo zvavo vakaita kuti imba yaIsraeri iwire muchivi, naizvozvo ndakapika ruoko rwangu rwakasimudzwa kuti vanofanira kutakura vamene zvibereko zvechivi chavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Havafaniri kuswedera kuti vandishumire savaprista kana kuswedera pane chinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsvene kana pazvipiriso zvangu zvitsvene-tsvene; vanofanira kuzvitakurira kunyadziswa kwezvinyangadzo zvavakaita. Asi hazvo ndichavaita vatariri vamabasa omutemberi nebasa rose rinofanira kuitwamo.
“ ‘Asi vaprista, ivo vaRevhi nezvizvarwa zvaZadhoki, vakaita mabasa avo omunzvimbo yangu tsvene nokutendeka panguva yakatsauka vaIsraeri kubva kwandiri, ndivo vanofanira kuswedera kwandiri kuti vashumire pamberi pangu; vanofanira kumira pamberi pangu kuti vabayire zvibayiro zvamafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ivo chete ndivo vanofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene; ndivo chete vanofanira kuswedera patafura yangu kuti vashumire pamberi pangu vagoita basa rangu.
“ ‘Pavanopinda pamasuo omuruvazhe rwomukati, vanofanira kupfeka nguo dzomucheka, havafaniri kupfeka nguo dzamakushe pavanenge vachishumira pamasuo oruvazhe rwomukati kana mukati metemberi. Vanofanira kupfeka nguwani dzomucheka pamisoro yavo uye nguo dzomukati dzomucheka muzviuno zvavo. Havafaniri kufuka chinhu chinovaitisa ziya. Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo.
“ ‘Havafaniri kuveura misoro yavo kana kurega bvudzi ravo richireba, asi vanofanira kugara vakachekerera bvudzi remisoro yavo. Muprista haafaniri kunwa waini panguva yaanopinda muruvazhe rwomukati. Havafaniri kuwana chirikadzi kana mukadzi akarambwa, vanofanira kuwana mhandara dzorudzi rwaIsraeri kana chirikadzi dzavaprista. Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvitsvene nezvinhu zvisati zviri zvitsvene nokuvaratidza kusiyana kuri pakati pechisakachena nechakachena.
“ ‘Vaprista vanofanira kushanda savatongi, pagakava ripi zvaro, uye vanofanira kutonga zviri pamitemo yangu. Vanofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yose yakatarwa uye vanofanira kuchengetedza maSabata angu ave matsvene.
“ ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa nokuswedera pachitunha chomunhu akafa; kunyange zvakadaro hazvo, kana munhu akafa ari baba vake kana mai vake, mwanakomana wake kana mwanasikana, mukoma nomununʼuna kana hanzvadzi yanga isina kuwanikwa, ipapo angazvisvibisa hake. Shure kwokunatswa kwake, anofanira kumirira kwamazuva manomwe. Pazuva raanopinda muruvazhe rwomukati rwenzvimbo tsvene kuti anoshumira munzvimbo tsvene, anofanira kupa chipiriso chake chechivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
“ ‘Ndini chete ndichava nhaka yavaprista. Haufaniri kuvapa mugove pakati paIsraeri; ini ndichavapa mugove wavo. Vachadya zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvechivi nezvipiriso zvemhosva; uye zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha pakati paIsraeri zvichava zvavo. Zvakanakisisa, zvezvibereko zvenyu zvokutanga nezvipo zvenyu zvose zvakatsaurwa zvichava zvavaprista. Munofanira kuvapa mugove wokutanga woupfu hwakakuyiwa kuitira kuti makomborero agogara paimba yenyu. Vaprista havafaniri kungodya zvinhu zvose, ingava shiri kana chipfuwo, chawanikwa chakafa kana chaurayiwa nezvikara zvesango.
Kuganhurwa kweNyika
“ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu. Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu45:3 makiromita angaita 12 paurefu uye makubhiti zviuru gumi45:3 makiromita angaita 5 paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene. Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene. Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara.
“ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri.
“ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba. Nyika iyi ichava yake pakati paIsraeri. Uye machinda angu haachazomanikidzizve vanhu vangu asi vachatendera imba yaIsraeri kuti vatore nyika zvinoenderana namarudzi avo.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kutorera vanhu vangu zvinhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efa45:10 “Efa raishandiswa pakuera zvinhu zvakaoma.” yakarurama uye bhati45:10 “Bhati raishandiswa pakuera zvinhu zvemvura mvura.” rakarurama. Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomeri45:11 “Homeri raishandiswa pakuera zvinhu zvakaoma.” neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose. Shekeri45:12 shekeri rairema magiramu angaita 11.5 rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe chete45:12 Ndiko kuti mashekeri 60, mina raiva namashekeri 50 .
Zvipiriso naMazuva Matsvene
“ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chikamu chimwe chete kubva muzvitanhatu cheefa chichibva pahomeri imwe neimwe yebhari. Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori rimwe nerimwe (rina mabhati gumi kana homeri imwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri imwe chete). Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akawana mvura yakakwana eIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri. Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mumwedzi wokutanga pazuva rokutanga unofanira kutora hando duku isina kuremara ugonatsa nzvimbo tsvene. Muprista anofanira kutora rimwe reropa rechipiriso chechivi agoriisa pamagwatidziro emikova yetemberi, pamakona mana omusara wapamusoro wearitari uye napambiru dzamasuo omuruvazhe rwomukati. Munofanira kuita zvimwe chetezvo pazuva rechinomwe romwedzi kuna ani zvake asina kutadza nobwoni kana nokusaziva; saka munofanira kuyananisira temberi.
“ ‘Mumwedzi wokutanga pazuva regumi namana munofanira kucherechedza Pasika, mutambo unopedza mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso pamazuva iwayo. Pazuva iro, muchinda anofanira kuuya nehando sechipiriso chechivi chake iye nechavanhu vose venyika. Zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe aya oMutambo, anofanira kuuya nehando nomwe namakondobwe manomwe asina chaanopomerwa sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha, nenhongo yembudzi yechipiriso chechivi. Anofanira kuuya nechipiriso chezviyo paefa imwe chete pahando imwe neimwe, uyewo efa pagondobwe rimwe nerimwe, pamwe chete nehini45:24 marita angaita 4 yamafuta paefa imwe neimwe.
“ ‘Pamazuva manomwe oMutambo, unotanga nomwedzi wechinomwe pazuva regumi namashanu, anofanira kuramba achiuya nezvipiriso zvezvivi, nezvibayiro zvinopiswa, nezvipiriso zvezviyo namafuta.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzarurwa. Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana. Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi. Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondobwe, ose asina kuremara. Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondobwe chinofanira kuita efa46:5 marita angaita 22 imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehini46:5 marita angaita 4 yamafuta paefa imwe neimwe. Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondobwe, zvose zvisina kuremara. Anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.
“ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira. Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.
“ ‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.
“ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro. Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chinokwana chikamu chimwe chete muzvitanhatu cheefa, nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi. Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka. Kunyange zvakadaro, kana akapa chipo kubva panhaka yake kuno mumwe wavaranda vake, muranda uyu angachichengeta hake kusvikira pagore rokusununguka; ipapo chichadzoserwa kumuchinda. Nhaka yake ndeyavanakomana vake chete; ndeyavo. Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’ ”
Ipapo murume uyu akandipinza napamukova uri parutivi pesuo rinoenda kumakamuri matsvene akatarisa kumusoro, akanga ari avaprista akandiratidza nzvimbo yakanga iri nechokumagumo kworutivi rwokumavirira. Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo ichabikirwa navaprista, chipiriso chemhosva nechipiriso chechivi nokubika chipiriso chezviyo, kuti varege kuzviuyisa kuruvazhe rwokunze zvaizoita kuti vanhu vanatswe.”
Ipapo akandibudisa kuruvazhe rwokunze uye akanditungamirira tichitenderera makona arwo mana, uye akaona pakona imwe neimwe rumwe ruvazhe. Mukati mamakona mana oruvazhe rwokunze makanga muna mavazhe akakomberedzwa, akareba makubhiti makumi mana noupamhi hwaiva namakubhiti makumi matatu; ruvazhe rumwe norumwe mumakona mana aya rwakanga rwakaenzana. Kupoteredza mukati merimwe nerimwe ramavazhe mana aya makanga mune chidziro chamabwe, nenzvimbo dzechoto dzakavakwa dzakakomberedza pasi pechidziro. Iye akati kwandiri, “Idzi ndidzo dzimba dzokubikira dzichabikirwa zvibayiro zvinoitirwa vanhu navaya vanoshumira mutemberi.”
Rwizi runobva paTemberi
Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari. Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi.
Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chete47:3 a3 mamita angaita 460 ndokubva ipapo andiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo.
Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka. Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?”
Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi. Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi. Iye akati kwandiri, “Mvura iyi inoyerera yakananga kunyika yokumabvazuva ichiburukira kuArabha kwainodira mugungwa. Painongodira mugungwa, mvura yomo inobva yanaka. Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama. Varedzi vehove vachamira vakatevedza mahombekombe; kubvira kuEni Gedhi kusvikira kuEni Egiraimu kuchava nenzvimbo dzokuteya mumbure. Pachava nemhando zhinji dzehove, kufanana nehove dzeGungwa Guru. Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu. Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.”
Miganhu yeNyika
Zvanzi naIshe Jehovha: “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa. Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu.
“Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika:
“Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi, Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani. Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro.
Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva.
Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi.
Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira.
“Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri. Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Kuganhurwa kweNyika
“Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo:
“kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira.
Asheri achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaDhani kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
Nafutari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaAsheri kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
Manase achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaNafutari kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
Efuremu achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaManase kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
Rubheni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaEfuremu kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
Judha achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaRubheni kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
“Kubva pamuganhu wenyika yaJudha zvichibvira kumabvazuva kusvikira kumavirira, uchava mugove wamuchapa sechipo chakatsaurwa. Uchava namakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu48:8 makiromita angaita 11 paupamhi uye kureba kwawo kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira kuchaenzana nomugove worudzi rumwe, nzvimbo tsvene ichava pakati payo.
“Mugove wakatsaurwa wamunofanira kupa kuna Jehovha unofanira kureba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, nezviuru gumi48:9 makiromita angaita 5 paupamhi. Uyu ndiwo uchava mugove mutsvene wavaprista. Uchareba makubhiti makumi maviri namashanu ezviuru nechokurutivi rwokumusoro, nezviuru gumi zvamakubhiti paupamhi kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru gumi paupamhi kurutivi rwokumabvazuva nezviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti pakureba kurutivi rwezasi. Pakati payo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha. Iyi ichava yavaprista vakaitwa vatsvene, ivo vaZadhoki, vakanga vakatendeka pakundishumira uye vasina kutsauka sezvakaitwa navaRevhi panguva yakatsauka vaIsraeri. Ichava chipo chakatsaurwa kwavari kubva pamugove wakatsaurwa wenyika, iwo mugove mutsvene-tsvene, unoganhura nyika yavaRevhi.
“VaRevhi vachava nomugove wamakubhiti akareba makumi maviri namashanu ezviuru nezviuru gumi paupamhi, zvichienderana nenyika yavaprista. Kureba kwayo kunofanira kuita makubhiti zviuru gumi. Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa chimwe chikamu chayo. Iyi inyika yakanakisisa uye haifaniri kuiswa mumaoko avamwe vanhu, nokuti itsvene kuna Jehovha.
“Nzvimbo dzakasara, dzina makubhiti zviuru zvishanu paupamhi namakubhiti zviuru makumi maviri namashanu pakureba, dzichashandiswa neguta, sepokugara namafuro. Guta richava pakati pazvo uye richava nezviyero izvi: kurutivi rwokumusoro makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, kurutivi rwezasi makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, kurutivi rwokumabvazuva, makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, uye kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru zvina namazana mashanu. Nzvimbo yamafuro yeguta ichange ina makubhiti mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumusoro, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwezasi, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumabvazuva, namazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumavirira. Nzvimbo inosara, inoganhurana nenzvimbo yomugove mutsvene ichitevedza kureba kwayo, ichava namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumabvazuva, namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumavirira. Zvibereko zvayo zvichapiwa kuti zvive zvokudya zvavashandi vomuguta. Vashandi vanobva muguta vanoirima vachabva kumarudzi ose eIsraeri. Mugove wacho wose uchava wakaenzana kumativi ose, makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kurutivi rumwe norumwe rwamativi ose ari mana. Sechipo chakasarudzika, muchatsaurira parutivi mugove mutsvene, pamwe chete nenzvimbo yeguta.
“Zvinosara kumativi maviri enzvimbo echikamu chitsvene, uye enzvimbo yeguta, zvichava zvomuchinda. Zvichaenda nechokumabvazuva zvichibva pazviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti zvomugove mutsvene kundosvika kumuganhu wokurutivi rwokumabvazuva, uye nokurutivi rwokumavirira kubva pamakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo idzi dziri mbiri dzakaenzana nemigove yamarudzi pakureba dzichava dzomuchinda, uye mugove mutsvene nenzvimbo tsvene yetemberi zvichava pakati pazvo. Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini.
“Kana ari mamwe marudzi asara:
“Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira.
Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.
“Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Masuo eGuta
“Aya achava masuo okubuda nawo eguta:
“Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, masuo eguta achatumidzwa mazita amarudzi aIsraeri. Masuo matatu ari kurutivi rwokumusoro achava suo raRubheni, suo raJudha nesuo raRevhi.
Kurutivi rwokumabvazuva, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raJosefa, suo raBhenjamini nesuo raDhani.
Kurutivi rwezasi, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raSimeoni, suo raIsakari nesuo raZebhuruni.
Kurutivi rwokumavirira, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raGadhi, suo raAsheri nesuo raNafutari.
“Kutenderera nzvimbo yacho kuchaita nhambwe zviuru gumi nezvisere.
“Uye zita reguta kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi richanzi:
Jehovha aripo.”