- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017
Esteri
Esteri
Esteri
Este
ESTERI
Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani uye mugore rake rechitatu akaitira makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo.
Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara. Mazuva aya akati apera, mambo akaita mabiko akapedza mazuva manomwe, mumunhanga webindu romuzinda wamambo achiitira vanhu vose kubva kuvadiki kusvikira kuvakuru, vaigara munhare yeShushani. Bindu raiva nezvakarembedzwa zvichena nezvebhuruu zvomucheka, zvakanga zvakasungirirwa nezvisungo zvomucheka muchena nowepepuru, kuzvikochekedzo zvesirivha pamusoro pembiru dzamatombo akanga akavezwa. Paiva nezvigaro zvegoridhe nezvesirivha pamusoro penzira yamatombo mashava, machena namamwewo anokosha. Waini yaipiwa vanhu mumidziyo yegoridhe, yakasiyana-siyana, uye waini yamambo yakanga yakawanda, samambo, asingavanyimi napaduku. Vakakokwa vakabvumirwa kunwa pamadiro, nokuti mambo akarayira vatariri vewaini vose kuti vagovere mumwe nomumwe sezvaaida.
VaHosi Vhashiti vakaitawo mabiko amadzimai mumuzinda waMambo Zekisesi.
Pazuva rechinomwe, Mambo Zekisesi afara kwazvo mumwoyo make nokuda kwewaini, akarayira varanda vanomwe vaimushumira, Mehumani, Bhizita, Habhona, Bhigita, Abhagita, Zeta naKakasi, kuti vauye navaHosi Vhashiti, vakapfeka korona youmambo, kuti aratidze runako rwavo kuvanhu nokumakurukota, nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa. Asi pakasvika shoko rakanga rarayirwa namambo, vaHosi Vhashiti vakaramba kuuya. Ipapo mambo akashatirwa zvikuru uye akatsva nehasha.
Ipapo mambo akabvunza vachenjeri vaiziva murayiro uye vainzwisisa zvenguva sezvo yaiva tsika yamadzimambo kubvunza nyanzvi dzezvomurayiro nokururamisira, uye vaiva pedyo kwazvo namambo vaiti: Kashena, Sheta, Adhumata, Tashishi, Meresi, Masena naMemukani, makurukota manomwe ePezhia neMedhia avo vaiva nekodzero yokupinda kuna mambo uye vaikudzwa muumambo.
Akabvunza achiti, “Pamurayiro chii chinofanira kuitwa kuna vaHosi Vhashiti? Havana kuteerera kurayira kwaMambo Zekisesi sokuudzwa kwavaitwa navaranda.”
Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi. Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’ Iye nhasi uno vakadzi vamakurukota ePezhia neveMedhia vanzwa zvaitwa navahosi vachaitawo saizvozvo kumakurukota amambo. Kusakudzana nenyonganyonga hazvimbozoperi.
“Naizvozvo, kana mambo achifara nazvo, ngaateme chirevo chamambo uye ngachinyorwe mumirayiro yavaPezhia navaMedhia, isingagoni kushandurwa kuti Vhashiti haachazosvikizve pamberi paMambo Zekisesi. Uyezve mambo ngaape chinzvimbo chake muumambo kuno mumwe ari nani kupinda iye. Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.”
Mambo namakurukota ake vakafadzwa nezano iri, saka mambo akaita sezvakanga zvarehwa naMemukani. Akatumira matsamba kumativi ose oumambo hwake, kunyika imwe neimwe norunyoro rwayo nokumunhu mumwe nomumwe nomutauro wake achizivisa norurimi rwavanhu kuti murume mumwe nomumwe ave nesimba pamusoro peimba yake.
Esteri anoitwa vaHosi
Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake. Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati, “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa runako ngazvipiwe kwavari. Zvino musikana uyo anofadza mambo ngaave vahosi pachinzvimbo chaVhashiti.” Zano iri rakafadza mambo, uye akaita saizvozvo.
Zvino munhare yeShushani maiva nomuJudha worudzi rwaBhenjamini, ainzi Modhekai mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, akanga atapwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ari pakati paavo vakatapwa pamwe chete naJehoyakini mambo weJudha. Modhekai aiva nomwanasikana wasekuru vake ainzi Hadhasa, waakanga arera nokuti akanga asina mai kana baba. Musikana uyu ainziwo Esteri, akanga akanaka kwazvo pachimiro napaunhu, uye Modhekai akanga amutora somwanasikana wake pakufa kwakaita mai vake nababa vake.
Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai. Musikana akamufadza akawana nyasha kwaari. Pakarepo akamupa zvinonhuhwira zvinowedzera runako uye nezvokudya zvakatsaurwa. Akamupa vasikana vanomwe vakanga vasarudzwa kubva munhare yamambo ndokumuendesa iye navasikana vake kunzvimbo yakanga yakanakisisa muimba yavakadzi.
Esteri akanga asina kutaura rudzi rwake nemhuri yake, kana kwaaibva, nokuti Modhekai akanga amurambidza kuita izvozvo. Zuva rimwe nerimwe aitenderera ari pedyo noruvazhe rwenzvimbo yaigariswa vanhukadzi achida kuona kuti Esteri akadini uye kuti chii chaiitika kwaari.
Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuhwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuhwira nezvizoro. Zvino aya ndiwo aiva maendero ake kuna mambo: Aipiwa chinhu chipi nechipi chaaida kutora kuti aende nacho kumuzinda wamambo paainge achibva kwaigara vanhukadzi. Ava manheru aipota achiendako uye mangwanani achidzokera kune rimwe kamuri raigara vanhukadzi kwaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo aiva muchengeti wavarongo. Aisadzokerazve kuna mambo kunze kwokunge mambo afadzwa naye akamudaidza nezita.
Dzoro raEsteri rakati rasvika (musikana akanga atorwa kuti ave mwana naModhekai, mwanasikana wasekuru vake Abhihairi) rokuenda kuna Mambo, haana chaakakumbira kunze kwezvaakaudzwa naHegai, muranda wamambo aiva mutariri wenzvimbo yaigarwa navanhukadzi. Zvino Esteri akawana nyasha kuna vose vakamuona. Akaendeswa kuna Mambo Zekisesi muimba youmambo mumwedzi wegumi, mwedzi waTibheti, mugore rechinomwe rokutonga kwake.
Zvino mambo akayevedzwa naEsteri kupfuura ani naani zvake wavamwe vakadzi, uye akawana nyasha kwaari akagamuchirwa kupfuura ani zvake pakati pedzimwe mhandara. Saka akagadza korona youmambo pamusoro wake akamuita vahosi panzvimbo yaVhashiti. Zvino mambo akaita mabiko makuru, mabiko aEsteri, achiitira makurukota ake ose navabati. Akadaidzira zuva rezororo munyika dzose akagovera zvipo, zvakawanda sezvakakodzera mambo.
Modhekai anoburitsa pachena rangano yakaipa
Mhandara dzakati dzaungana kechipiri, Modhekai akanga akagara pasuo ramambo. Asi Esteri akanga avanza nhoroondo yemhuri yake norudzi rwake sezvaakanga audzwa naModhekai, nokuti akaramba achitevera kurayira kwaModhekai nezvaaisiita acharerwa naye.
Panguva iyo Modhekai akanga akagara pasuo ramambo, Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vairinda mukova vakatsamwa ndokubva varangana kuuraya Mambo Zekisesi. Asi Modhekai akazviziva ndokubva audza Esteri nezverangano iyi, iye ndokuzvizivisa kuna mambo, achiti akanga anzwa naModhekai. Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo.
Hamani anoronga kuparadza vaJudha
Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusoro-soro kupfuura zvamamwe makurukota ose. Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza.
Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo vakabvunza Modhekai vakati, “Sei usingateereri murayiro wamambo?” Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha.
Hamani akati aona kuti Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumuremekedza, akatsamwa kwazvo. Asi paakanzwa kuti vanhu vaModhekai vaiva vapi akafunga zvokusauraya Modhekai chete. Panzvimbo yokuita izvi, Hamani akatsvaka nzira yokuuraya vanhu vose vaModhekai, vaJudha vose vaiva muumambo hwaZekisesi.
Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha.
Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere. Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi3:9 matani angaita 345 esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.”
Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.”
Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake. Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha. Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro.
Vatakuri vamatsamba vakabuda nokukasika sokurayira kwamambo, vakandozivisa chirevo panhare yeShushani. Mambo naHamani vakagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani rakanyonganiswa.
Modhekai anokumbirisa Esteri kuti abatsire
Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota.
Varandakadzi vaEsteri navaranda vake pavakasvika vakamuudza nezvaModhekai, akatambudzika zvikuru. Akamutumira mbatya kuti apfeke panzvimbo yamasaga ake, asi haana kuzvigamuchira. Ipapo Esteri akatuma Hataki, mumwe wavaranda vamambo vaimushandira, akamurayira kuti atsvake kuti dambudziko raModhekai raiva rei uye kuti rakanga ravapo nokuda kwei.
Saka Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai pachivara cheguta pamberi pesuo ramambo. Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe. Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari.
Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai. Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai, “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.”
Mashoko aEsteri akati aziviswa kuna Modhekai, iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?”
Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.”
Saka Modhekai akaenda akaita zvose zvakanga zvarayirwa naEsteri.
Chikumbiro chaEsteri kuna Mambo
Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo.
Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.”
Esteri akati, “Kana zvichifadza mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani, kumabiko andakugadzirirai.”
Mambo akati, “Hamani ngaauye nokuchimbidza, kuti tiite zvinokumbirwa naEsteri.”
Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumabiko akaitwa naEsteri. Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.”
Esteri akapindura akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndeichi: Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvichifadza mambo kupedza chichemo changu nokuzadzisa chikumbiro changu, mambo ngaauye mangwana naHamani kumabiko andichavagadzirira. Ipapo ndichapindura mubvunzo wamambo.”
Hasha dzaHamani kuna Modhekai
Pazuva iro, Hamani akaenda achifara nomufaro mukuru mumwoyo make. Asi paakaona Modhekai pasuo ramambo uye akaona kuti akanga asingasimuki kana kuratidza kutya pamberi pake, akazara nehasha nokuda kwaModhekai. Zvakadaro hazvo, Hamani akazvidzora ndokubva aenda kumba.
Akadana shamwari dzake pamwe chete naZereshi, mukadzi wake, Hamani akavarondedzera nezvepfuma yake zhinji, zvokuwanda kwavanakomana vake, uye nenzira dzose dzaakaremekedzwa nadzo namambo nokuti akakwidziridzwa sei pamusoro pamamwe makurukota navabati. Hamani akatizve, “Hazvisi izvozvo chete, ndini chete munhu akakokwa navahosi Esteri kuti ndiperekedze mambo kumabiko aakatiitira. Zvino andikokazve mangwana pamwe namambo. Asi zvose izvi handigutsikani nazvo kana ndichiona muJudha uyu Modhekai agere pasuo ramambo.”
Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanu5:14 mamita angaita 23, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe.
Modhekai anoremekedzwa
Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi.
Mambo akabvunza akati, “Modhekai akagamuchira kukudzwa nerumbidzo yei nokuda kwaizvozvi.”
Varanda vake vakati, “Hapana chaakaitirwa.”
Mambo akati, “Ndiani ari muruvazhe?” Zvino Hamani akanga achangopinda muruvazhe rwokunze rwapamuzinda kuti azotaura kuna mambo maererano nokusungirira Modhekai pamatanda aakanga amisa.
Varanda vake vakati, “Hamani amire paruvazhe?”
Mambo akarayira achiti, “Uyai naye muno.”
Hamani paakapinda, mambo akamubvunza achiti, “Chii chingaitwa namambo kumunhu waangafarira kukudza?”
Ipapo Hamani akati mumwoyo make, “Ndiani aripo angada kukudzwa namambo kunze kwangu?” Naizvozvo akapindura mambo akati, “Iye munhu, mambo waanofarira kukudza, ngavamutorere nguo youshe yakambopfekwa namambo nebhiza rakambotasvwa namambo, rine korona youshe yakaiswa pamusoro paro. Ipapo nguo youshe nebhiza ngazviiswe kuno mumwe wamakurukota amambo anokudzwa kwazvo. Ngavapfekedze munhu uyo mambo waanofarira kukudza, vamutungamirire ari pabhiza vachipinda nomumigwagwa iri pakati peguta, vachidanidzira pamberi pake vachiti, ‘Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu uyo mambo anofarira kukudza!’ ”
Mambo akarayira Hamani achiti, “Enda nokukurumidza, utore nguo nebhiza uitire Modhekai muJudha, sezvawareva, uyo anogara pasuo ramambo. Usambosiya kana chinhu chimwe chezvawareva.”
Saka Hamani akatora nguo nebhiza, akapfekedza Modhekai, uye akamutungamirira ari pamusoro pebhiza napakati pemigwagwa yeguta, achidanidzira pamberi pake achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanofarira kukudza!”
Mushure mezvo Modhekai akadzokera pasuo ramambo. Asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba, achichema akafukidza musoro wake, uye akandoudza Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvakanga zvaitika kwaari.
Varayiri vake nomukadzi wake Zereshi vakati kwaari, “Sezvo Modhekai, uyo aita kuti uwe pamberi pake, ari wechiJudha, haugoni kumirisana naye, zvirokwazvo uchaparara!” Vakati vachiri kutaura naye, varanda vamambo vakasvika ndokuita kuti Hamani aende kumabiko akanga agadzirwa naEsteri.
Hamani anosungirirwa
Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri, uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.”
Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu. Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti kutambudzika kwakadai hakukodzere kuti mambo akanganiswe zvaari kuita.”
Mambo Zekisesi akabvunza vaHosi Esteri akati, “Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?”
Esteri akati, “Mudzivisi nomuvengi ndiyeyu Hamani ane utsinye.”
Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi. Mambo akaviruka nehasha, akasiya waini yake ndokuenda kubindu romuzinda. Asi Hamani, achiona kuti mambo akanga atoronga magumo ake, akasara achiti akumbire upenyu hwake kuna vaHosi Esteri.
Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri.
Mambo akati, “Asi otoda kuchinyira mambokadzi muno mumba ndinaye here?”
Pakarepo shoko parakangobuda mumuromo wamambo, vakafukidza uso hwaHamani. Ipapo Habhona, mumwe wavaranda vaishandira mambo akati, “Pane danda rakareba makubhiti makumi mashanu7:9 mamita angaita 23 rakamiswa paimba yaHamani. Akanga akarigadzirira Modhekai, uyo akataura zvakanaka kuti mambo abatsirwe.”
Mambo akati, “Musungirirei iye ipapo!” Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakanga agadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakadzikira.
Chirevo chaMambo pamusoro pavaJudha
Pazuva iroro Mambo Zekisesi akapa imba yaHamani muvengi wavaJudha kuna vaHosi Esteri. Uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nokuti Esteri akanga amuudza nezvoukama hwake naye. Mambo akabvisa mhete yake yechindori, yaakanga atorazve kubva kuna Hamani, ndokuipa Modhekai. Uye Esteri akamugadza kuti ave mutariri weimba yaHamani.
Ipapo Esteri akakumbirisa zvakare akawira patsoka dzake achichema. Akakumbirisa kuti amise urongwa hwakaipa hwaHamani muAgagi, hwaakanga arongera vaJudha. Ipapo mambo akatambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kuna Esteri iye akasimuka akamira pamberi pake.
Akati, “Kana zvichifadza mambo, uye kana achinditarisa nenyasha nokufunga kuti chinhu chakanaka kuita, uye kana achindifarira, murayiro ngaunyorwe unodzima tsamba dzakanga dzanyorwa naHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzokuparadza vaJudha mumatunhu ose amambo. Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kuchiwira kuvanhu vangu? Ndingashinga sei ndichiona kuparadzwa kworudzi rwangu?”
Ipapo Mambo Zekisesi akapindura vaHosi Esteri naModhekai muJudha achiti, “Nokuti Hamani akarwisa vaJudha, ndapa imba yake kuna Esteri, uye ivo vamuturika padanda. Zvino chinyorai chimwe chirevo muzita ramambo sezvamunoona zvakakunakirai mugochisimbisa nemhete yamambo, nokuti hakuna gwaro rakanyorwa muzita ramambo rikasimbiswa nemhete yake ringashandurwa.”
Pakarepo vanyori vamambo vakadaidzwa, pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechitatu, mumwedzi waSivhana. Vakapa zvose zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, nokuvakuru vehondo, navabati uye namakurukota enyika dzaiva zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia. Zvakarayirwa izvi zvakanyorwa namanyorerwo enyika imwe neimwe nomutauro wenyika imwe neimwe. Modhekai akanyora muzita raMambo Zekisesi, uye akasimbisa tsamba dzacho nemhete yamambo, uye akadzitumira navatakuri vetsamba vainge vakatasva mabhiza aimhanya kwazvo akanga akapfuwirwa mambo.
Chirevo chamambo chakapa vaJudha vaiva muguta rimwe nerimwe mvumo yokuungana nokuzvidzivirira; kuuraya nokuparadza zvachose varwi vapi zvavo vakapakata zvombo, vorudzi rupi norupi, kana nyika ipi yaigona kuzovarwisa ivo navakadzi vavo navana vavo; uye kupamba midziyo yavavengi vavo. Zuva regumi namatatu romwedzi waAdhari ndiro zuva rakanga rakatsaurirwa vaJudha kuti vaite izvi munyika yose yaMambo Zekisesi. Chinyorwa chechirevo ichi chaifanira kupiwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe nokuziviswa kuvanhu vamarudzi ose kuitira kuti pazuva iroro vaJudha vange vakagadzirira kutsiva vavengi vavo.
Vatakuri vetsamba vakatasva mabhiza ashe vakaamhanyisa kwazvo, vachisundwa nokurayira kwamambo. Uye chirevo chakaziviswawo munhare yeShushani.
Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka nhumbi dzoumambo dzaiva namavara ebhuruu namachena, korona huru yegoridhe nenguo yepepuru yomucheka wakaisvonaka. Guta reShushani rakaita mhemberero nomufaro mukuru. KuvaJudha kwaiva nechiedza, nomufaro nokufarisisa nokukudzwa. Munyika imwe neimwe, uye mumaguta ose, makasvika chirevo chamambo, maiva nomufaro nokufarisisa pakati pavaJudha, vachiita mabiko nokupembera. Uye vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakava vaJudha nokuda kwokutya kwakanga kwavabata.
Kukunda kwavaJudha
Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga. VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo. Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai. Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura.
VaJudha vakabaya vavengi vavo vose nomunondo, vakavauraya vakavaparadza, uye vakaita zvavaida kune avo vaivavenga. VaJudha vakauraya uye vakaparadza varume vanokwana mazana mashanu munhare yeShushani. Vakaurayawo Parishandota, Dharifona, Asipata, Porata, Adharia, Aridhata, Pamashita, Arisai, Aridhai naVhaizata, vanakomana gumi vaHamani, mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha. Asi havana kubata zvakapambwa.
Vakaurayiwa munhare yeShushani vakaziviswa kuna mambo zuva iroro. Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya uye vaparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.”
Esteri akapindura akati, “Kana mambo achifara nazvo, ipai vaJudha vari muShushani mvumo yokuendererazve mberi mangwana nechirevo chezuva ranhasi, uye ngazviitike kuti vanakomana gumi vaHamani vasungirirwe pamatanda.”
Saka mambo akarayira kuti izvi zviitwe. Chirevo chakapiwa muShushani, ndokubva vasungirira vanakomana gumi vaHamani. VaJudha vaiva muShushani vakaungana pamwe chete pazuva regumi namana romwedzi waAdhari, uye vakauraya mazana matatu avarume muShushani, asi havana kubata zvakapambwa.
Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa. Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro.
Mutambo wePurimu
Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro.
Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo.
Modhekai akanyora zvakaitika izvi, ndokutuma matsamba kuvaJudha vose vaiva munyika yose yaMambo Zekisesi, vaiva pedyo nevaiva kure, achivaudza kuti vapemberere gore negore zuva regumi namana neregumi namashanu romwedzi waAdhari, senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo.
Naizvozvo vaJudha vakabvumirana kuita zvavakanga vatanga, nokuita zvavakanga vanyorerwa naModhekai. Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha vose, akanga aronga kuparadza vaJudha uye akanga akanda puri, ndiwo mujenya, kuti vaparadzwe uye vaparadzwe zvachose. Asi shoko iri rakati rasvika munzeve dzamambo, akanyora achirayira kuti zano rakaipa iri rakanga rarongwa naHamani rokurwisa vaJudha ridzokere pamusoro pake iye uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. (Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari, vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa. Mazuva aya anofanira kurangarirwa agocherechedzwa, murudzi rumwe norumwe, mumhuri imwe neimwe, munyika imwe neimwe uye nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo.
Saka vaHosi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, pamwe chete naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rizere vachisimbisa tsamba iyi yechipiri maererano nePurimu. Uye Modhekai akatumira tsamba kuvaJudha vose vaiva munyika zana namakumi maviri nenomwe dzoumambo hwaZekisesi, mashoko orugare nezvokwadi, kuti asimbise mazuva aya ePurimu panguva dzaakatsaurirwa, sokurayirwa kwazvakaitwa naModhekai muJudha navaHosi Esteri, uye sezvavakanga vazvimisira ivo navana vavo munguva dzavo dzokutsanya nokuchema. Chirevo chaEsteri chakasimbisa mitemo yePurimu, uye chakanyorwa mubhuku.
Ukuru hwaModhekai
Mambo Zekisesi akadzika mutemo munyika yose, kusvika kumahombekombe egungwa. Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eMedhia nePezhia? Modhekai muJudha aiva wechipiri kubva kuna Mambo Zekisesi, mukuru pakati pavaJudha, uye airemekedzwa zvikuru noruzhinji rwehama dzake dzechiJudha, nokuti akatsvakira vanhu vake zvakanaka uye akakumbirira vaJudha vose kuti vagare zvakanaka.