- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 2 Madzimambo 2 Madzimambo 2 Madzimambo 2 Madzi 2 MADZIMAMBO Jehovha anotonga Ahazia Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri. Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.” Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi?’ Naizvozvo zvanzi naJehovha: ‘Hauchabva pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ” Naizvozvo Eria akaenda. Nhume dzakati dzadzokera kuna mambo, akavabvunza akati, “Madzokereiko?” Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!” ’ ” Mambo akavabvunza akati, “Ko, murume akauya akasangana nemi akakutaurirai izvi akanga akadini?” Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanhire reganda muchiuno chake.” Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.” Ipapo akatuma mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake kuna Eria. Mukuru uyu akaenda kuna Eria akanga akagara pamusoro pechikomo, ndokuti kwaari, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai!’ ” Eria akamupindura akati, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako makumi mashanu!” Ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake. Zvadaro mambo akazotumazve mumwe mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake makumi mashanu! Mukuru uyu akati kuna Eria, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai izvozvi!’ ” Eria akati kwaari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake makumi mashanu. Saka mambo akatumazve mumwe mukuru wechitatu ana varume makumi mashanu. Uyu mukuru wechitatu akakwira akazviwisira pasi namabvi ake pamberi paEria. Akamukumbira akati, “Haiwa, munhu waMwari, ndapota, upenyu hwangu nohwavarume ava makumi mashanu, isu varanda venyu, ngahuve hunokosha pamberi penyu. Tarirai moto wakabva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vokutanga navanhu vavo vose. Asi zvino upenyu hwangu ngahuve chinhu chinokosha pamberi penyu.” Zvino mutumwa waJehovha akati kuna Eria, “Buruka pamwe chete naye; usamutya.” Naizvozvo Eria akasimuka akaenda naye kuna mambo. Akaudza mambo kuti, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvawatuma nhume kundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi? Nokuti waita izvi, hauchambobva pamubhedha pawakarara. Zvirokwazvo uchafa!” Naizvozvo akafa, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria. Nokuti Ahazia akanga asina mwanakomana, Joramu akazomutevera paushe pagore rechipiri raJehoramu, mwanakomana waJehoshafati, mambo weJudha. Zvino, mabasa akaitwa pamazuva okutonga kwaAhazia, nezvaakaita iye hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Eria anoenda kuDenga Jehovha paakanga ava kuda kutora Eria nechinyamupupuri kuti amuendese kudenga, Eria naErisha vakanga vari munzira vachibva kuGirigari. Eria akati kuna Erisha, “Gara pano, nokuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakadzika kuBheteri. Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Erisha akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.” Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano, Erisha; nokuti Jehovha andituma kuJeriko.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakaenda kuJeriko. Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.” Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano; nokuti Jehovha andituma kuJorodhani.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handikusiyei.” Saka vakafamba vose vari vaviri. Boka ravaprofita, ravarume makumi mashanu, rakaenda rikandomira nechokure, vakatarisana napanzvimbo pakanga pamire Eria naErisha paJorodhani. Eria akatora jasi rake akaripeta akarova mvura naro, mvura ikaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, ivo vaviri vakayambuka napakaoma. Vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, “Nditaurire, unoda kuti ndikuitirei ndisati ndatorwa kubva kwauri?” Erisha akapindura akati “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.” Eria akati, “Wakumbira chinhu chakaoma, asi kana ukandiona ndichitorwa kubva kwauri, uchaupiwa, asi kana zvisina kudaro, haungaupiwi.” Zvino pavakanga vachifamba, vachitaurirana, pakarepo ngoro yomoto namabhiza omoto zvakaonekwa zvikaparadzanisa vaviri ava, Eria akaenda kudenga muchinyamupupuri. Uye Erisha akazviona akadanidzira nenzwi guru akati, “Baba vangu! Baba vangu! Ngoro navarume vamabhiza veIsraeri!” Zvino Erisha haana kuzomuonazve. Ipapo akabata nguo dzake akadzibvarura napakati. Akanonga jasi rakanga rawira pasi, richibva kuna Eria akadzokera kundomira pamahombekombe eJorodhani. Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri. Boka ravaprofita vapaJeriko, avo vakanga vakatarisa, vakati, “Mweya waEria wagara pamusoro paErisha.” Uye vakaenda kundosangana naye vakakotamira pasi pamberi pake. Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume makumi mashanu vakasimba. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.” Asi vakaramba vachimugombedzera kusvikira anyara kwazvo kuti avarambidze. Saka akati, “Vatumei henyu.” Saka vakatuma varume makumi mashanu vakandomutsvaka kwamazuva matatu asi havana kumuwana. Pavakadzokera kuna Erisha, kwaaigara muJeriko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti musaenda?” Mvura inonatswa Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.” Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho. Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ” Saka mvura yakaramba yakanaka kusvikira nhasi sezvakanga zvarehwa neshoko rakataurwa naErisha. Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira kumusoro, iwe nyamhanza! Kwira kumusoro, iwe nyamhanza!” Akacheuka, akavatarisa, akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki makumi mana navaviri. Uye akaenda muGomo reKarimeri, uye achibva ikoko akadzokera kuSamaria. VaMoabhu vanomukira Joramu Joramu, mwanakomana waAhabhu akava mambo weIsraeri muSamaria mugore regumi namasere raJehoshafati mambo weJudha, uye akatonga kwamakore gumi namaviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sezvakaita baba vake namai vake. Akabvisa dombo rinoera raBhaari rakanga raitwa nababa vake. Kunyange zvakadaro, akanamatira kuzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite, iye haana kubva kwazviri. Zvino Mesha mambo weMoabhu aipfuwa makwai, uye aifanira kupa mambo weIsraeri makwayana anokwana zviuru zana namakushe amakondobwe anokwana zviuru zana. Asi mushure mokufa kwaAhabhu, mambo weMoabhu akamukira mambo weIsraeri. Saka panguva iyoyo, Mambo Jehoramu akabva kuSamaria akaunganidza vaIsraeri vose. Akatumirawo shoko kuna Jehoshafati mambo weJudha achiti, “Mambo weMoabhu andimukira. Ungada kuenda neni kundorwa neMoabhu here?” Iye akapindura akati, “Ndichaenda newe. Ini ndakangoita sewe, navanhu vangu sevakowo, mabhiza angu samabhiza ako.” Akamubvunza akati, “Tichandovavamba nenzira ipi?” Iye akapindura akati, “NomuRenje reEdhomu.” Saka mambo weIsraeri akaenda namambo weJudha pamwe chete namambo weEdhomu. Mushure mokufamba vachipoterera kwamazuva manomwe, varwi vakapererwa nemvura yavo, neyezvipfuwo zvavaiva nazvo. Mambo weIsraeri akati, “Haiwa! Heya Jehovha atidaidza isu madzimambo matatu pamwe chete kungozotipa hake kuvaMoabhu?” Asi Jehoshafati akamubvunza akati, “Hapana muprofita waJehovha here pano, kuti tibvunze Jehovha nokwaari?” Muranda wamambo weIsraeri akati, “Pana Erisha mwanakomana waShafati. Aisimbosuridzira mvura pamaoko aEria.” Jehoshafati akati, “Shoko raJehovha riri paari.” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakaburuka vakaenda kwaari. Erisha akati kuna mambo weIsraeri, “Chiiko chandingaita nemi? Endai kuvaprofita vababa venyu navaprofita vamai venyu.” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Kwete, nokuti ndiJehovha akatidaidza isu madzimambo matatu tose kuti azotipa kuvaMoabhu.” Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshumira, dai ndanga ndisingaremekedzi Jehoshafati mambo weJudha vari pano, handaimbokutarisai kana kukuonai. Asi zvino uyai nomuridzi worudimbwa kwandiri.” Muridzi worudimbwa paakanga achiridza, ruoko rwaJehovha rwakauya pamusoro paErisha, akati, “Zvanzi naJehovha: Itai kuti mupata uyu uzare namakoronga. Nokuti zvanzi naJehovha: Hamusi kuzoona mhepo kana mvura, kunyange zvakadaro, mupata uyu uchazadzwa nemvura, uye imi, nemombe dzenyu nedzimwe mhuka dzenyu muchanwamo. Chinhu ichi chakareruka pamberi paJehovha; achaisawo Moabhu kwamuri. Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakakomberedzwa norusvingo uye namaguta ose makuru. Muchatemera pasi muti mumwe nomumwe wakanaka, mugotsindira matsime ose, uye muchakanganisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.” Chifumi chamangwana, nenguva dzinenge dzokupa chibayiro, tarirai, mvura yakayerera ichibva kwakadziva kuEdhomu! Uye nyika yakazara nemvura. Zvino vaMoabhu vose vakanga vanzwa kuti madzimambo akanga auya kuzorwa navo; saka murume mumwe nomumwe, mudiki nomukuru, aigona kutakura zvombo akadaidzwa uye vakandogariswa kumuganhu. Vakati vachimuka mangwanani vakaona zuva richipenya pamusoro pemvura. KuvaMoabhu vaiva kuno rumwe rutivi, mvura yakanga yakatsvuka seropa. Vakati, “Iropa iro! Madzimambo ayo anenge arwa akaurayana. Zvino imi vaMoabhu endai munopamba!” Asi vaMoabhu vakati vasvika kumusasa weIsraeri, vaIsraeri vakavarwisa kusvikira vatiza. Ipapo vaIsraeri vakapinda munyika vakauraya vaMoabhu. Vakaparadza maguta, uye murume mumwe nomumwe akapotsera mabwe pamunda woga woga wakanaka kusvikira wafukidzwa namabwe. Vakatsindira matsime ose uye vakatema muti wose wakanga wakanaka. Kirihareseti chete ndiro rakasiyiwa riine mabwe aro, asi varume vaiva nezvimviriri vakarikomba vakarirwisawo. Mambo weMoabhu akati aona kuti akundwa, akatora varume mazana manomwe vaiva neminondo kuti varwise vaende kuna Mambo weEdhomu, asi vakakundikana. Ipapo akatora dangwe rake, aifanira kumutevera paushe, akamupa sechibayiro parusvingo rweguta. Vakatsamwira vaIsraeri zvikuru; uye ivo vakabva kwaari vakadzokera kunyika yavo. Mafuta eChirikadzi Zvino mukadzi womumwe murume weboka ravaprofita akadanidzira kuna Erisha akati, “Muranda wenyu, murume wangu afa, uye munoziva kuti aitya Jehovha. Asi zvino uyo waakanga atorera chikwereti ari kuuya kuzotora vanakomana vangu vaviri kuti vave nhapwa dzake.” Erisha akamupindura akati, “Ndingakubatsira seiko? Nditaurire, chii chaunacho mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haana kana chinhu kunze kwamafuta mashoma shoma.” Erisha akati kwaari, “Enda unokumbira vavakidzani vako vose vakupe midziyo isina chinhu. Usakumbira mishoma. Ipapo ugopinda mumba uzvipfigire mukova iwe navana vako. Udire mafuta mumidziyo yose, ugoisa parutivi mudziyo unenge wazara.” Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova iye navana vake vari mukati. Vakauya nemidziyo kwaari, iye akaramba achingodira. Midziyo yose yakati yazara, akati kumwanakomana wake, “Ndivigire mumwe mudziyo.” Asi iye akapindura akati, “Hapachina mumwe mudziyo wasara.” Ipapo mafuta akabva aguma. Akaenda kundoudza munhu waMwari uye iye akati, “Chienda unotengesa mafuta ugoripa zvikwereti zvako, iwe navanakomana vako mugorarama neanenge asara.” Mwanakomana woMukadzi muShunemi anoraramiswa Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi. Ikoko kwaiva nomukadzi akanga ari mupfumi, uye akamugombedzera kuti agare ambodya. Saka nguva dzose paaipfuura nepo, aimirapo odya. Mukadzi akati kumurume wake, “Ndinoziva kuti murume uyu anopfuura napano, mutsvene waMwari. Ngativakei kamuri padenga tigomuisira mubhedha netafura, nechigaro uye nerambi imomo. Ipapo achakwanisa kugaramo paanenge angotishanyira.” Rimwe zuva Erisha akati asvika, akakwira kukamuri rake ndokurara imomo. Akati kumuranda wake Gehazi, “Dana mukadzi muShunami.” Naizvozvo akamudana, uye akamira pamberi pake. Erisha akati kwaari, “Muudze kuti, ‘Makatitamburira imi pane zvose izvi, zvino mungaitirwewo chii? Tingakumiririrai kuna mambo here kana kumukuru wehondo?’ ” Iye akapindura akati, “Ndine musha pakati pavanhu vokwangu.” Erisha akabvunza akati, “Angaitirwe chiiko?” Gehazi akati, “Zvirokwazvo, haana mwanakomana uye murume wake akwegura.” Ipapo Erisha akati, “Mudane.” Naizvozvo akamudana, mukadzi akamira pamukova. Erisha akati, “Nenguva inenge ino gore rinouya, uchafungatira mwanakomana mumaoko ako.” Iye akati, “Kwete, ishe wangu. Haiwa munhu waMwari, musarevera nhema murandakadzi wenyu!” Asi mukadzi akava nemimba, uye gore raitevera nenguva yakare iyoyo akapona mwanakomana, sezvaakanga audzwa naErisha. Mwana akati akura, nerimwe zuva akaenda kuna baba vake, kwavaiva navakohwi. Akati kuna baba vake, “Musoro wangu! Musoro wangu!” Baba vake vakataurira muranda vakati, “Mutakurei muende naye kuna mai vake.” Mushure mokunge muranda amusimudza, akaenda naye kuna mai vake, mukomana akagara pamakumbo amai vake kusvikira masikati, ndokubva afa. Vakakwira pamusoro naye vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, ndokupfiga mukova ndokubuda. Mukadzi akadana murume wake akati, “Ndapota, ndidanire mumwe wavaranda nembongoro kuti ndiende kumunhu waMwari nokukurumidza ndigodzoka.” Iye akamubvunza akati, “Uri kuendereiko kwaari nhasi? Hakusi Kugara kwoMwedzi kana Sabata.” Akapindura akati, “Hazvina mhosva.” Akaisa chigaro pamusoro pembongoro akati kumuranda wake, “Tungamira; usafamba zvishoma uchiitira ini kunze kwokunge ndakuudza.” Naizvozvo akaenda akasvika kumunhu waMwari paGomo reKarimeri. Akati achimuona achiri kure, munhu waMwari akati kumuranda wake Gehazi, “Tarisa! Hoyo mukadzi muShunami! Mhanya undosangana naye ugomubvunza kuti, ‘Munofara mose here? Ko, murume wako anofara here? Ko, mwana wako anofara here?’ ” Mukadzi akati, “Zvose zvakanaka.” Paakasvika kumunhu waMwari paGomo, akabata makumbo ake. Gehazi akauya achiti amusundire kure, asi munhu waMwari akati, “Murege akadaro! Nokuti ane shungu dzinomutambudza, asi Jehovha akandivanzira chinhu ichi uye haana kundiudza kuti imhaka yei.” Mukadzi akati, “Ndakakukumbirai mwanakomana here, tenzi wangu? Ko, handina kukutaurirai kuti musandinyengedzera here?” Erisha akati kuna Gehazi, “Zvisunge chiuno ubate tsvimbo yangu muruoko rwako umhanye. Kana ukasangana naani zvake, usamukwazisa, uye ani naani anokukwazisa, iwe usapindura. Uradzike tsvimbo yangu pauso hwomukomana.” Asi mai vomwana vakati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handisi kuzokusiyai.” Naizvozvo akasimuka akamutevera. Gehazi akatungamira mberi akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi hapana chakanzwika kana chakapfakanyika. Naizvozvo Gehazi akadzokera kuti andosangana naErisha akamuudza kuti, “Mukomana haana kumuka.” Erisha paakasvika pamba, akawana mukomana ari pamubhedha akafa. Akapinda mukati, akapfiga mukova iye nomwana vari vaviri, akanyengetera kuna Jehovha. Ipapo akakwira pamubhedha akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo womwana, nameso ake pameso omwana, uye maoko pamaoko ake. Paakatsivamira pamusoro pake, muviri womukomana wakatanga kudziya. Erisha akafuratira, achifamba-famba mukati mekamuri akadzokerazve pamubhedha akatsivamazve pamusoro pake. Mukomana akahotsira kanomwe kose ndokusvinura meso ake. Erisha akadana Gehazi akati kwaari, “Dana mukadzi muShunami.” Iye akaita saizvozvo. Akati apinda, Erisha akati kwaari, “Tora mwanakomana wako.” Ipapo akapinda, akazviwisira patsoka dzake akakotamira pasi, akasimuka akatora mwanakomana wake akabuda. Rufu muhari Erisha akadzokera kuGirigari uye maiva nenzara mudunhu imomo. Boka ravanakomana vavaprofita parakanga rigere pamberi pake, akati kumuranda wake, “Gadzai hari huru mubikire boka ravaprofita ava zvokudya.” Mumwe wavo akaenda kuminda kundotanha muriwo akawana magaka omusango. Akaunganidza mamwe acho akaazadza mujasi rake. Paakadzokera, akaatema-tema ndokuaisa muhari yomuriwo, kunyange zvazvo pakanga pasina aiziva kuti zvaiva zvii. Zvokudya zvakapakurirwa vanhu, asi pavakatanga kudya vakadanidzira vakati, “Nhai munhu waMwari, mune rufu muhari!” Uye vakatadza kuzvidya. Erisha akati, “Uyai noupfu.” Akahuisa muhari akati, “Ipai vanhu vadye.” Ipapo hapana kuzova nechinokuvadza muhari. Vanhu zana vanopiwa zvokudya Mumwe murume akauya achibva kuBhaari Sharisha achivigira munhu waMwari marofu makumi maviri echingwa chebhari chakanga chabikwa nezviyo zvakatanga kuibva, pamwe chete nehura dzezviyo zvitsva. Erisha akati, “Ipai vanhu vadye.” Muranda wake akati, “Ndingagovera izvi kuvanhu zana sei?” Asi Erisha akapindura akati, “Ipai vanhu vadye. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya vakasiya zvimwe.’ ” Ipapo akavaisira pamberi pavo zvokudya, vakadya vakasiya zvimwe, sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha. Naamani Anoporeswa Maperembudzi Zvino Naamani, mukuru wehondo yamambo weAramu, aiva munhu mukuru kwazvo pamberi patenzi wake uye aikudzwa zvikuru, nokuti kubudikidza naye, Jehovha akapa mambo weAramu kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, asi aiva namaperembudzi. Zvino mauto eAramu akabuda kundorwa akadzoka ava nomusikana weIsraeri wavakanga vatapa, uye akashandira mukadzi waNaamani. Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai tenzi wangu aiona muprofita ari muSamaria! Aizomuporesa pamaperembudzi ake.” Naamani akaenda kuna tenzi wake akamutaurira zvaakanga audzwa nomusikana akanga abva kuIsraeri. Mambo weAramu akati, “Zvakanaka, enda hako. Ini ndichatumirawo tsamba kuna mambo weIsraeri.” Naizvozvo Naamani akaenda, akatora matarenda gumi5:5 makirogiramu angaita 340 esirivha nezviuru zvitanhatu zvamashekeri5:5 makirogiramu angaita 70 egoridhe uye nemhando gumi dzenguo. Tsamba yaakaenda nayo kuna mambo weIsraeri yaiti: “Ndatuma muranda wangu Naamani netsamba iyi kuti umurape maperembudzi ake.” Mambo weIsraeri akati achangopedza kuverenga tsamba iyi, akabvarura nguo dzake akati, “Ndini Mwari here? Ndinogona kuuraya nokuraramisa here? Sei murume uyu atuma munhu kwandiri kuti azorapwa maperembudzi ake. Onai kuti anoedza sei kutsvaka bopoto neni!” Erisha munhu waMwari, akati anzwa kuti mambo weIsraeri abvarura nguo dzake, akamutumira shoko akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Regai murume uyo auye kwandiri, uye achaziva kuti muIsraeri mune muprofita.” Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro akandomira pamukova weimba yaErisha. Erisha akatuma nhume yake kwaari achiti, “Enda unoshamba kanomwe muJorodhani, ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare uye uchava wakanatswa.” Asi Naamani akabvapo atsamwa akati, “Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi. Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo. Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ ” Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche. Ipapo Naamani akadzokera neboka rake rose kumunhu waMwari. Akamira pamberi pake akati, “Zvino ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose kunze kwomunyika yeIsraeri. Ndapota, gamuchirai chipo chabva kumuranda wenyu.” Asi muprofita akati, “Zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, iye wandinoshumira, handisi kuzogamuchira chinhu.” Kunyange zvazvo Naamani akamugombedzera, iye akaramba. Naamani akati, “Ndapota, kana musingadi, muranda wenyu ngaapiwe hake ivhu ringatakurwa namanyurusi maviri, nokuti muranda wenyu haachambofazve akaita chipiriso chinopiswa nechibayiro kuna vamwe vamwari vapi zvavo asi kuna Jehovha. Asi Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu chimwe chete ichi: Vatenzi vangu pavanopinda mutemberi yaRimoni kundonamatamo pasi, uye vakasendamira paruoko rwangu, neni ndikakotama ndirimowo, pandinokotama mutemberi yaRimoni, Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu ichi.” Erisha akati, “Enda hako norugare.” Mushure mokunge Naamani afamba kwechinhambo, Gehazi muranda waErisha munhu waMwari, akati mumwoyo make, “Tenzi wangu arerutsira zvakanyanya Naamani, muAramu uyu, pakusagamuchira kubva kwaari zvaanga auya nazvo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, ndichamhanya ndimutevere ndigotora chimwe chinhu kwaari.” Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani akati amuona achimumhanyira, akaburuka mungoro kuti andosangana naye. Akati kwaari, “Kwakanaka here?” Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivha5:22 makirogiramu angaita 34 nemhando mbiri dzenguo.’ ” Naamani akati, “Torai henyu matarenda maviri.” Akagombedzera Gehazi kuti azvigamuchire, ndokubva asungira matarenda maviri esirivha mumasaga maviri, nemhando mbiri dzenguo. Akazvipa kuvaranda vake vaviri, vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Gehazi akati asvika pachikomo, akatora zvinhu kubva kuvaranda akazviisa mumba make. Akadzosa varume vaya ivo ndokuenda havo. Ipapo akapinda akandomira pamberi paErisha tenzi wake. Erisha akamubvunza akati, “Wanga uripiko Gehazi?” Gehazi akapindura akati, “Muranda wenyu haana kwaamboenda.” Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here? Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi.” Ipapo Gehazi akabva pamberi paErisha ava namaperembudzi, achena sechando. Demo rinopapamadzwa pamusoro pemvura Zvino boka ravaprofita rakati kuna Erisha, “Tarisai, nzvimbo yatinosangana nemi yatiitira diki kwazvo. Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara.” Iye akati, “Endai.” Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.” Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda kuJorodhani vakatanga kutema miti. Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!” Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo. Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora. Erisha anobata vaAramu vapofumadzwa Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.” Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.” Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro. Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?” Mumwe wavabati vake akati, “Pakati pedu hapana, ishe wangu mambo, asi Erisha, muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri mashoko chaiwoiwo amunotaura muimba yenyu yokurara.” Mambo akati, “Endai munotsvaka kuti ari kupi, kuitira kuti ndigotuma varume vanomubata.” Akaziviswa kuti, “Ari muDhotani.” Ipapo akatumira ikoko mabhiza nengoro namauto akasimba. Vakaenda usiku vakakomba guta. Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?” Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha. Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha. Erisha akati kwavari, “Iyi handiyo nzira uye iri harizi iro guta racho. Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka.” Uye akavatungamirira kuSamaria. Mushure mokupinda kwavo muguta, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso avo vakatarira, onei, vava muSamaria. Mambo weIsraeri akati achivaona, akabvunza Erisha akati, “Ndivauraye here, baba vangu? Ndovauraya here?” Akamupindura akati, “Musavauraya. Hamungazouraya vanhu vamunenge makatapa nomunondo wenyu kana uta hwenyu here? Vaisirei zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye uye vanwe vagodzokera kuna tenzi wavo.” Naizvozvo akavagadzirira mabiko makuru, uye vakati vapedza kudya nokunwa akavaendesa, ivo vakadzokera kuna tenzi wavo. Naizvozvo mapoka avapambi vokuAramu akarega zvokupamba nyika yeIsraeri. Nzara muSamaria Shure kwenguva, Bheni-Hadhadhi mambo weAramu, akaunganidza hondo yake yose akaenda kundokomba Samaria. Kwakava nenzara huru muguta zvokuti musoro wembongoro waitengeswa mashekeri makumi masere6:25 kirogiramu esirivha, uye chitswanda6:25 0.3 yerita chamatoto enjiva chaitengeswa namashekeri mashanu6:25 magiramu angaita 55 ; nokuti nguva yokukombwa yakanga yarebesa. Mambo weIsraeri akati achipfuura naparusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari akati, “Ndibatsireiwo, ishe wangu mambo!” Mambo akamupindura akati, “Kana Jehovha asingakubatsiri ini ndingakuwanira rubatsiro kupi? Kubva paburiro here? Kubva pachisviniro chewaini here?” Ipapo akamubvunza akati, “Zvaita sei?” Iye akamupindura akati, “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye nhasi, mangwana tigozodya wangu.’ Naizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Fume mangwana, ini ndokuti kwaari, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye,’ asi iye akanga andomuviga.” Zvino mambo akanzwa mashoko omukadzi uyu, akabvarura nguo dzake. Akati achifamba naparusvingo, vanhu vakamutarisa, vakaona kuti akanga akapfeka masaga mukati menguo, pamuviri wake. Akati, “Mwari ngaandirove zvakanyanya kwazvo, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamapfudzi ake nhasi!” Zvino Erisha akanga akagara mumba make, uye vakuru vakanga vagere naye. Mambo akatuma nhume mberi, asi asati asvika, Erisha akati kuvakuru, “Hamuoni here iyi mhondi iri kutumira munhu kuzodimura musoro wangu? Tarirai, kana nhume yasvika, mupfige mukova muutsigire kuti asapinda. Ko, hausi mutsindo wetsoka dzatenzi wake mushure make here?” Akati achiri kutaurirana navo, nhumwa yakasvika kwaari. Mambo akati, “Dambudziko iri rinobva kuna Jehovha. Ndichagoramba ndakamirira Jehovha nemhaka yeiko?” Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seya7:1 marita angaita 7.3, uyewo nomundima 16 ne 18 roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimwe7:1 magiramu angaita 11 uye maseya maviri7:1 marita angaita 15, uyewo nomundima 16 ne 18 ebhari neshekeri pasuo reSamaria.” Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!” VaAramu vanotiza Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi pamukova wesuo reguta. Vakawirirana vakati, “Tichagarireiko pano kusvikira tafa? Kana tikati, ‘Tichaenda muguta,’ nzara irimo uye tichafa. Uye kana tikagara pano, tichafa. Naizvozvo ngatiendei kumusasa wavaAramu tinozvipira hedu. Kana vakatirega tiri vapenyu, tararama, kana vakatiuraya, tafa hedu.” Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakaenda kumusasa wavaAramu. Vakati vasvika pamucheto womusasa, wanei hakuna kana munhu, nokuti Jehovha akanga aita kuti vaAramu vanzwe kutinhira kwengoro namabhiza uye nokwehondo huru, naizvozvo, vakataurirana vachiti, “Tarirai mambo weIsraeri akakoka vaHiti namadzimambo avaIjipita kuti vazotirwisa!” Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakatiza, vakasiya matende avo namabhiza avo nembongoro. Vakasiya musasa wakangodaro vakatiza kuti vaponese upenyu hwavo. Varume vaiva namaperembudzi vakapinda kumucheto kwomusasa ndokupinda mune rimwe tende. Vakadya uye vakanwa, uye vakatakura sirivha, negoridhe nenguo vakabvapo vakandozviviga. Vakadzokazve vakapinda mune rimwe tende vakatora zvimwe zvinhu mariri vakandozvivigazve. Ipapo vakataurirana vakati, “Hatisi kuita chinhu chakanaka. Rino izuva ramashoko akanaka asi isu takangonyarara hedu. Kana tikamira kusvika kwaedza, ticharangwa. Handei izvozvi tinozivisa zvinhu izvi kumuzinda wamambo.” Saka vakaenda vakadanidzira kuvarindi vesuo reguta vakati kwavari, “Takaenda kumusasa wavaAramu tikasawana kana munhumo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza nembongoro zvakasungirirwa uye matende akangosiyiwa akadaro.” Varindi vesuo vakadaidzira mashoko aya zvikaziviswa mukati momuzinda. Mambo akamuka usiku akati kuvabati vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaAramu. Ivo vanoziva kuti tine nzara; saka vasiya musasa vakandovanda muminda, vachifunga kuti ‘Zvirokwazvo kana vakabuda kunze ipapo isu tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.’ ” Mumwe wavabati vake akapindura akati, “Vamwe varume ngavatore mabhiza mashanu akasiyiwa muguta. Zvichaitika kwavari zvichafanana nezvichaitika kuvaIsraeri vose vasara muno, hongu vachava chete savaIsraeri vose ava vachaparara. Naizvozvo ngativatumei kuti vandoona kuti chii chakaitika.” Saka vakatsaura ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akavatuma kuti vatevere hondo yavaAramu. Akarayira vachairi akati, “Endai mundoona kuti chii chakaitika.” Vakavatevera kusvikira paJorodhani, vakawana nzira yose izere nguo nenhumbi dzakanga dzakaraswa navaAramu pakutiza kwavo. Saka nhumwa dzakadzoka dzikaudza mambo izvozvo. Ipapo vanhu vakabuda vakandopamba musasa wavaAramu. Saka chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe chete uye zviyero zviviri zvebhari zvakatengeswawo neshekeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Zvino mambo akanga aisa mubati uya waaimbosendamira paruoko rwake kuti ave muchengeti wesuo, ipapo vanhu vakamutsikirira pasi pesuo ipapo, akafa, sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari musi wakauya mambo kwaari. Zvakaitika sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari kuna mambo achiti, “Mangwana, nenguva yakaita seino, chiyero choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe uye zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswawo neshekeri pasuo reSamaria.” Zvino mubati uya akanga ati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Mwari akazarura mawindo okumatenga, zvakadai zvingaitika here?” Munhu waMwari akanga amupindura akati, “Uchazviona nameso ako, asi haungadyi kana chimwe chazvo!” Zvino ndizvo chaizvo zvakaitika kwaari, nokuti vanhu vakamutsikirira pasuo, akafa. Mukadzi muShunami anodzorerwa munda wake Zvino Erisha akanga ati kumukadzi waakararamisira mwanakomana wake, “Enda kure iwe neimba yako unogara chero paunogona kugara, nokuti Jehovha akarayira nzara ichapedza makore manomwe panyika.” Naizvozvo mukadzi akasimuka akaita sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari. Akaenda iye neveimba yake akandogara kwamakore manomwe kunyika yavaFiristia. Makore manomwe akati akapera, akadzoka kunyika yavaFiristia akaenda kuna mambo akandokumbira kuti adzorerwe imba yake nomunda wake. Zvino mambo akanga achitaurirana naGehazi, muranda womunhu waMwari, uye akanga ati kwaari, “Nditaurirewo pamusoro pezvinhu zvikuru zvose zvakaitwa naErisha.” Gehazi achiri kutaurira mambo kuti Erisha akanga araramisa sei mukomana akanga afa, mukadzi aiva nomwanakomana akanga araramiswa naErisha akabva asvika kuti azokumbira imba yake nomunda wake kuna mambo. Gehazi akati, “Uyu ndiye mukadzi wacho, ishe wangu mambo, uye uyu ndiye mwanakomana wake akararamiswa naErisha.” Zvino mambo akabvunza mukadzi pamusoro paizvozvo, iye akamutaurira. Ipapo akatuma mubati kuti aone nezvenyaya yomukadzi uyu akati, “Mudzorerei zvake zvose pamwe nezvibereko zvinobva pamunda wake kubvira pazuva raakabva munyika ino kusvikira zvino.” Hazaeri anouraya Bheni-Hadhadhi Erisha akaenda kuDhamasiko uye Bheni-Hadhadhi mambo wavaAramu airwara. Mambo akati audzwa kuti, “Munhu waMwari asvika kuno,” iye akati kuna Hazaeri, “Tora chipo uende nacho unosangana nomunhu waMwari. Undibvunzirewo Jehovha kubudikidza naye; umubvunze kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ” Hazaeri akaenda kundosangana naErisha, akamuvigira chipo chezvipfeko zvose zvakanga zvakanaka kwazvo zveDhamasiko zvaitakurwa namakumi mana engamera. Akapinda mumba akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bheni-Hadhadhi mambo wavaAramu andituma kuti ndizobvunza kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ” Erisha akapindura akati, “Enda unoti kwaari, Zvirokwazvo muchapora, asi Jehovha akandiratidza kuti vachafa zvirokwazvo.” Akaramba akamutarisa kusvikira Hazaeri anyara. Ipapo munhu waMwari akatanga kuchema. Hazaeri akamubvunza akati, “Seiko ishe wangu achichema?” Iye akapindura akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri. Uchapisa nhare dzavo nomoto, uchauraya majaya avo nomunondo, ucharovera pwere dzavo pasi, uye uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.” Hazaeri akati, “Ko, muranda wenyu chiiko, iyo imbwa zvayo, kuti angaita chinhu chakakura kudai?” Erisha akapindura akati, “Jehovha akandiratidza kuti iwe uchava mambo wavaAramu.” Ipapo Hazaeri akabva pana Erisha akadzokera kuna tenzi wake. Bheni-Hadhadhi paakabvunza achiti, “Erisha akati kudini kwauri?” Hazaeri akapindura akati, “Akandiudza kuti zvirokwazvo muchapora.” Asi nezuva raitevera akatora jira akarinyika mumvura akapfumbira chiso chamambo kusvikira afa. Ipapo Hazaeri akamutevera paumambo. Jehoramu Mambo waJudha Mugore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri, Jehoshafati ari mambo weJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati akatanga kutonga kwake samambo weJudha. Akanga ava namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhu, nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwomuranda wake Dhavhidhi. Akanga avimbisa kupa mwenje kwaari nokuvana vake nokusingaperi. Munguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikazvigadzira mambo wayo. Naizvozvo Jehoramu akaenda kuZairi nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba iye navakuru vake vengoro, asi akamuka usiku akavarwisa; uye hondo yake yakatizira kumusha. Naizvozvo vaEdhomu vakabva vamukira vaJudha kusvikira nhasi. Ribhina yakapandukawo panguva imwe cheteyo. Zvimwe zvakaitwa pamazuva okutonga kwaJehoramu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo aJudha? Jehoramu akavata namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta raDhavhidhi. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Ahazia Mambo weJudha Mugore regumi namaviri raJoramu, mwanakomana waAhabhu, mambo weIsraeri, Ahazia, mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha akatanga kutonga. Ahazia akanga ana makore makumi maviri namaviri paakava mambo, akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Zita ramai vake rainzi Ataria, muzukuru waOmuri, mambo weIsraeri. Akafamba munzira dzeimba yaAhabhu akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhu, nokuti akanga ari mukuwasha kumhuri yaAhabhu. Ahazia akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kundorwa naHazaeri, mambo weAramu, paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu; naizvozvo mambo Joramu akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akakuvadzwa navaAramu paRamoti mukurwa kwake naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha, akadzika kuJezireeri kundoona Joramu, mwanakomana waAhabhu, nokuti akanga akuvadzwa. Jehu anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri Muprofita Erisha akadana murume aibva kuboka ravaprofita akati kwaari, “Chizvisunga chiuno chako, utore chinu chamafuta ugoenda kuRamoti Gireadhi. Kana wasvikako, utsvake Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi. Uende kwaari, umubvise pakati peshamwari dzake ugopinda naye muimba yomukati. Ipapo utore chinu ugodira mafuta pamusoro wake uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ Ipapo ugozarura mukova utize; usanonoka!” Naizvozvo jaya iri, muprofita, rakaenda kuRamoti Gireadhi. Akati asvika, akawana vakuru vehondo vagere pamwe chete. Akati, “Ndine shoko renyu, imi mukuru.” Jehu akamubvunza akati, “Kuna ani pakati pedu?” Iye akapindura akati, “Kunemi imi, mutungamiri.” Jehu akasimuka akapinda mumba. Ipapo muprofita akadira mafuta pamusoro waJehu akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari weIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri. Unofanira kuparadza imba yaAhabhu tenzi wako, uye ini ndichatsiva ropa ravaranda vangu vaprofita uye neropa ravaranda vose vaJehovha rakadeurwa naJezebheri. Nokuti imba yose yaAhabhu ichaparadzwa. Ndichabvisa kubva kuna Ahabhu murume wokupedzisira wose wose muIsraeri, nhapwa kana akasununguka. Ndichaita imba yaAhabhu seyaJerobhoamu, mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha, mwanakomana waAhija. Kana ari Jezebheri, imbwa dzichamudya pamunda weJezireeri, hapana achamuviga.’ ” Ipapo akazarura mukova akatiza. Jehu akati aenda kuna vamwe vabati pamwe naye, mumwe wavo akamubvunza akati, “Kwakanaka here? Ko, iri benzi romurume ravingei kwauri?” Jehu akapindura akati, “Murume uyu unomuziva nezvinhu zvaanogarotaura.” Ivo vakati, “Hazvisizvo! Tiudze.” Jehu akati, “Hezvi zvaandiudza: ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ ” Vakakurumidza kutora majasi avo vakaawaridza pasi pamakumbo ake pazvikwiriso. Ipapo vakaridza hwamanda vakadanidzira vachiti, “Jehu ava mambo!” Jehu anouraya Joramu naAhazia Saka Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu navaIsraeri vose vakanga vadzivirira Ramoti Gireadhi nokuda kwaHazaeri mambo weAramu. Asi mambo Joramu akanga adzokera kuJezireeri kuti andopora maronda aakanga akuvadzwa navaAramu muhondo naHazaeri, mambo weAramu.) Jehu akati, “Kana zviri izvo zvamunoda, ngaparege kuva neanonyeruka achibuda muguta achienda kunotaura shoko muJezireeri.” Ipapo akakwira mungoro yake akaenda kuJezireeri, nokuti Joramu akanga akazorora ikoko uye Ahazia mambo weJudha akanga adzikako kuti andomuona. Nharirire yakanga yakamira pamusoro peshongwe muJezireeri yakati ichiona varwi vaJehu vava kusvika, yakadanidzira ichiti, “Ndiri kuona varwi vari kuuya.” Joramu akamurayira akati, “Dana mutasvi webhiza. Mutume kuti anosangana navo agovabvunza kuti, ‘Muri kuuya norugare here?’ ” Mutasvi webhiza akakwidza kundosangana naJehu akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’ ” Jehu akapindura akati, “Uneiko iwe norugare? Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisa kuti, “Nhume yasvika kwavari, asi haisi kudzoka.” Saka mambo akatumazve mumwe mutasvi webhiza. Akati achisvika kwavari akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’ ” Jehu akapindura akati, “Uneiko norugare iwe? Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisazve ichiti, “Asvika kwavari, asi naiyewo haasi kudzoka. Kuchaira kwacho kwakafanana nokwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti anochaira kunge benzi.” Joramu akarayira akati, “Sungai ngoro yangu.” Zvino yakati yasungwa, Joramu mambo weIsraeri naAhazia mambo weJudha vakakwira mumwe nomumwe mungoro yake, kundosangana naJehu. Vakasangana naye pamunda wakanga uri waNabhoti muJezireeri. Joramu akati aona Jehu akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Jehu?” Jehu akapindura akati, “Pangava norugare seiko, kana pachine ufeve nouroyi hwakawanda hwamai vako Jezebheri?” Ipapo Joramu akatendeuka akatiza, achidanidzira kuna Ahazi achiti, “Tamukirwa, Ahazi!” Ipapo Jehu akawembura uta hwake akapfura Joramu napakati pamapendekete. Museve wakandobaya pamwoyo wake iye ndokuwira mungoro yake. Jehu akati kuna Bhidhikari, muchairi wengoro, “Musimudze umukande mumunda waimbova waNabhoti muJezireeri. Rangarira pataiva mungoro iwe neni tiri shure kwababa vake Ahabhu, Jehovha paakaita chiprofita ichi pamusoro pake: ‘Nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa romwanakomana wake, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye zvirokwazvo ndichaita kuti iwe uzviripe pamunda uno, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Naizvozvo zvino, chimusimudza umukande pamunda uyo, sezvakarehwa neshoko raJehovha.” Ahazia mambo weJudha akati aona zvakanga zvaitika, akatiza nenzira yokuBheti Hagani. Jehu akamudzingirira, achidanidzira achiti, “Muurayei naiyewo!” Vakamukuvadza ari mungoro yake ari munzira yaienda nokuGuri pedyo neIbhiremi, asi akapunyuka akaenda kuMegidho akandofira ikoko. Varanda vake vakamutakura nengoro vakaenda kuJerusarema vakandomuviga namadzibaba ake muguva rake muGuta raDhavhidhi. (Mugore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhu, Ahazia akava mambo weJudha.) Jezebheri anourayiwa Zvino Jehu akaenda kuJezireeri. Jezebheri akati azvinzwa, akapenda meso ake, akashongedza bvudzi rake ndokutarira napawindo. Jehu akati achipinda pasuo, Jezebheri akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Zimuri, iwe muurayi watenzi wako?” Jehu akatarira kumusoro pawindo akadanidzira akati, “Ndiani ari kurutivi rwangu? Ndiani?” Varanda vaviri kana vatatu vakamutarira. Jehu akati, “Mukandirei pasi!” Naizvozvo vakamukanda pasi, rimwe ropa rake rikapfachukira parusvingo napamabhiza paakatsikwa nawo. Jehu akapinda akadya uye akanwa. Akati, “Torai mukadzi akatukwa, mumuvige, nokuti akanga ari mwanasikana wamambo.” Asi vakati vaenda kundomuviga, havana chavakawana kunze kwedehenya rake, tsoka dzake namaoko ake chete. Vakadzokera vakandoudza Jehu, iye akati, “Iri ndiro shoko raJehovha raakataura kubudikidza nomuranda wake Eria muTishibhi achiti: Imbwa dzichadya nyama yaJezebheri pamunda wokuJezireeri. Chitunha chaJezebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda wokuJezireeri, zvokuti hapana achagona kuti, ‘Uyu ndiye Jezebheri.’ ” Mhuri yaAhabhu inourayiwa Zvino muSamaria maiva navanakomana vaAhabhu makumi manomwe. Saka Jehu akanyora matsamba akatumira kuSamaria achiti: kuvabati veJezireeri, kuvakuru navachengeti vavana vaAhabhu. Akati, “Panongosvika tsamba iyi kwamuri, sezvo vana vatenzi wenyu vanemi uye ngoro namabhiza munazvo, guta rakakombwa uye nezvombo, sarudzai mwanakomana watenzi wenyu akanaka, uye anokudzwa kukunda vose mugomugadza pachigaro choushe chababa vake. Ipapo mugorwira imba yatenzi wenyu.” Asi vakavhunduka vakati, “Kana madzimambo maviri asina kumukunda, isu tingamugona seiko?” Naizvozvo mutariri wapamuzinda, nomukuru weguta, navakuru navareri vakatuma shoko kuna Jehu vakati, “Tiri varanda venyu uye tichaita zvose zvamunoreva. Hatichagadzi ani zvake kuti ave mambo; imi itai zvose zvamunofunga kuti zvakanaka.” Ipapo Jehu akavanyorerazve tsamba yechipiri akati, “Kana muri kurutivi rwangu uye muchizonditeerera, uyai nemisoro yavanakomana vatenzi wenyu kwandiri muJezireeri nenguva ino mangwana.” Zvino machinda amambo, makumi manomwe, vakanga vane varume vaitungamirira guta, vaiva vachengeti vavo. Tsamba yakati yasvika kwavari, varume ava vakatora vanakomana vamambo vakavauraya vose vari makumi manomwe. Vakaisa misoro yavo mumatengu vakaitumira kuna Jehu muJezireeri. Nhume yakati yasvika, yakaudza Jehu kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Ipapo Jehu akavarayira akati, “Irongei mumirwi miviri pasuo reguta kusvikira mangwana.” Fume mangwana Jehu akamuka akabuda. Akamira pamberi pavanhu vose akati kwavari, “Imi hamuna mhosva. Ndini ndakamukira tenzi wangu ndikamuuraya, asi ndiani auraya ava vose? Muzive zvino kuti hakuna shoko rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhu richawira pasi. Jehovha aita zvaakavimbisa kubudikidza nomuranda wake Eria.” Saka Jehu akauraya vose vakasara veimba yaAhabhu vaiva muJezireeri, namakurukota ake ose, neshamwari dzake dzepedyo navaprista, akasamusiyira mupenyu. Zvino Jehu akasimuka akananga kuSamaria. Paimba yaiveurirwa makwai navafudzi, akasangana nehama dzaAhazia mambo weJudha akavabvunza akati, “Ndimi vanaaniko?” Ivo vakati, “Tiri hama dzaAhazia, tauya kuzokwazisa mhuri dzamambo nedzamambokadzi.” Akarayira akati, “Vatorei vari vapenyu!” Naizvozvo vakavatora vari vapenyu vakandovauraya patsime rapaimba yaiveurirwa makwai, varume makumi mana navaviri. Haana kusiya mupenyu. Abva ikoko, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akanga ari munzira kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akati, “Unondifarira here, sokufarira kwandinokuita.” Jehonadhabhi akati, “Hongu.” Jehu akati, “Kana zviri izvo ndipe ruoko rwako.” Akaita saizvozvo, Jehu akamukwidza mungoro. Jehu akati kwaari, “Uya uone kushingairira kwangu Jehovha.” Ipapo akafamba naye mungoro yake. Jehu akati asvika kuSamaria, akauraya vakasara vose veimba yaAhabhu; akavaparadza, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha kuna Eria. Vashumiri vaBhaari vanourayiwa Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose pamwe chete akati kwavari, “Ahabhu akashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvakanyanya. Zvino chikokai vaprofita vose vaBhaari, navashumiri vake vose. Muone kuti hapana anosara, nokuti ndiri kuzoita chibayiro chikuru chaBhaari. Ani naani achatadza kuuya haangararami.” Asi Jehu akanga achivanyengera achiitira kuti aparadze vashumiri vaBhaari. Jehu akati, “Danidzirai ungano yokuremekedza Bhaari.” Naizvozvo vakadanidzira. Ipapo akatuma shoko muIsraeri mose, vashumiri vose vaBhaari vakauya; hapana kana mumwe chete akasara. Vakatsikirirana mutemberi yaBhaari kusvikira yazara kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe. Zvino Jehu akati kumuchengeti wezvipfeko, “Uya nenguo dzavashumiri vaBhaari.” Naizvozvo akavavigira nguo. Ipapo Jehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakapinda mutemberi yaBhaari. Jehu akati kuvashumiri vaBhaari, “Tarirai muone kuti pakati penyu hapana varanda vaJehovha vari pano nemi, asi vashumiri vaBhaari chete.” Naizvozvo vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu akanga amisa panze varume makumi masere neyambiro yokuti: “Kana mumwe wenyu akarega mumwe wavarume ava vandaisa mumaoko enyu achipunyuka, zvichareva kuti iye achamufira.” Jehu akati achangopedza kuita chipiriso chinopiswa, akabva arayira varindi navakuru akati, “Pindai mukati munovauraya; ngaparege kuva neanopunyuka.” Naizvozvo vakavauraya nomunondo. Varindi navakuru vakakanda zvitunha zvavo kunze uye vakapinda munhare yomukati metemberi yaBhaari. Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa. Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi. Naizvozvo Jehu akaparadza chinamato chaBhaari muIsraeri. Kunyange zvakadaro, haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti vaIsraeri vaite, nokunamata mhuru yegoridhe paBheteri napaDhani. Jehovha akati kuna Jehu, “Nokuti wakaita zvakanaka mukuzadzisa izvo zvakarurama pamberi pangu uye ukaita kuimba yaAhabhu zvose zvandaiva nazvo mupfungwa kuti ndiite, vana vako vachagara pachigaro choushe cheIsraeri kusvikira kuchizvarwa chechina.” Asi Jehu haana kuchenjerera kuchengeta murayiro waJehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. Haana kutsauka kubva pazvivi zvaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite. Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutapudza vaIsraeri. Hazaeri akakurira vaIsraeri munyika yavo yose kumabvazuva eJorodhani munyika yose yeGireadhi (dunhu raGadhi, neraRubheni neraManase), kubva kuAreori nepaMupata weAnoni zvichipfuura nomuGireadhi kusvikira kuBhashani. Zvino mamwe mabasa okutonga kwaJehu, nezvose zvaakaita, uye nokubudirira kwake kwose, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehu akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehu akabata ushe pamusoro peIsraeri muSamaria kwamakore makumi maviri namasere. Ataria naJoashi Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa. Akagara akavigwa iye nomureri wake mutemberi yaJehovha kwamakore matanhatu, Ataria achiri kutonga nyika. Mugore rechinomwe Jehoyadha akatuma vatungamiri vezvikwata zvezana, navarindi akaita kuti vauyiswe kwaari kutemberi yaJehovha. Akaita sungano navo akavaitisa mhiko mutemberi yaJehovha. Ipapo akavaratidza mwanakomana wamambo. Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Imi muri mumapoka matatu ari kuenda pabasa nomusi weSabata, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chenyu chinofanira kurinda muzinda wamambo, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu paSuo reSuri, uye chikamu chimwe chete kubva muzvitatu pasuo riri seri kwomurindi, anoita madzoro okurinda temberi, uye imi vari mune mamwe mapoka maviri anochizorora musi weSabata, mose munofanira kurinda temberi muchiitira mambo. Mugare makakomba mambo, murume mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake. Ani naani anosvika panzvimbo dzenyu anofanira kufa. Mugare pedyo namambo kwose kwose kwaanoenda.” Vatungamiri vezvikwata zvezana vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehoyadha muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake, vaya vakanga vachienda pabasa nomusi weSabata navaya vakanga vapedza dzoro vakauya kuna Jehoyadha muprista. Ipapo akapa vakuru vehondo mapfumo nenhoo zvaimbova zvaMambo Dhavhidhi zvaiva mutemberi yaJehovha. Varindi vakagara vakakomba mambo pedyo nearitari netemberi, mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake, kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwezasi rwetemberi. Jehoyadha akabudisa mwanakomana wamambo uye akadzika korona mumusoro wake; akamupa rugwaro rwesungano uye akamuita mambo. Vakamuzodza, vanhu vakauchira maoko avo uye vakadanidzira vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi!” Ataria akati anzwa mheremhere yaiitwa navarindi uye navanhu, akaenda kuvanhu patemberi yaJehovha. Akatarira ndokuona hoyo mambo, akamira pambiru, saiyo yaiva tsika yacho. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vari parutivi rwamambo, uye vanhu vose venyika vakanga vachifara vachiridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Vandimukira! Vandimukira!” Jehoyadha muprista akarayira vatungamiri vezvikwata zvezana, vaitungamirira mauto akati: “Mubudisei kunze nechapakati pemisara mugouraya ani naani anomutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Haafaniri kuurayirwa mutemberi yaJehovha.” Naizvozvo vakamubata paakasvika panzvimbo yaipinda namabhiza pamuzinda, vakamuurayira ipapo. Ipapo Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo uye navanhu kuti vaizova vanhu vaJehovha. Akaitawo sungano pakati pamambo navanhu. Vanhu vose venyika vakaenda kutemberi yaBhaari vakaiputsira pasi. Vakaputsa aritari dzezvifananidzo uye vakaurayawo Matani, muprista waBhaari, pamberi pearitari. Ipapo Jehoyadha muprista akagadza varindi patemberi yaJehovha. Akatora vatungamiri vamazana, navaKari, navarindi uye vanhu vose venyika, vakaburutsa mambo kubva kutemberi yaJehovha vakaenda naye kumuzinda pamwe chete, vakapinda nokusuo ravarindi. Ipapo mambo akatora nzvimbo yake pachigaro choushe, vanhu vose venyika vakafara. Guta rakanyarara, nokuti Ataria akanga aurayiwa nomunondo pamuzinda. Joashi akanga ana makore manomwe paakatanga kutonga. Joashi anogadziridza Temberi Mugore rechinomwe raJehu, Joashi akava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Zita ramai vake rainzi Zibhia; vaibva kuBheerishebha. Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha pamakore ose aakadzidziswa naJehoyadha muprista. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro uye vachipisira zvinonhuhwira ikoko. Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose inouyiswa sezvipiriso zvakatsaurwa kutemberi yaJehovha, mari inounganidzwa, pakuverengwa kwavanhu, mari inogamuchirwa iri yemhiko, nemari inouyiswa kutemberi vanhu vachida havo. Vaprista vose ngavagamuchire mari kubva kuno mumwe wavachengeti vehomwe yemari, uye ngaishandiswe kugadzira pose pavanowana pakaputsika mutemberi.” Asi mugore ramakumi maviri namatatu raMambo Joashi vaprista vakanga vachigere kugadzira temberi. Naizvozvo Mambo Joashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista akavabvunza akati, “Seiko musingagadziri pakaputsika mutemberi? Chiregai kutora imwe mari zvakare kubva kuvabati vehomwe, asi muibudise kuti iite basa rokugadzira temberi.” Vaprista vakabvuma kuti havaizounganidzazve mari kubva kuvanhu uye kuti havaizogadzira temberi ivo pachavo. Muprista Jehoyadha akatora bhokisi akaboora buri pachidzivo charo. Akarigadzika parutivi pearitari, kurudyi kana munhu achipinda mutemberi yaJehovha. Vaprista vairinda mukova vakaisa mubhokisi mari yose yakauyiswa kutemberi yaJehovha. Pose pavaiona kuti mari yakanga yawanda mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru, vaiverenga mari yainge yauyiswa mutemberi yaJehovha voiisa muzvihomwe. Vaiti kana vaona kuti yava marii, vaizoipa kuvarume vakanga vagadzwa kuti vave vatariri vebasa retemberi. Mari iyi yaizoripira vakanga vachishanda patemberi yaJehovha, vavezi navavaki, navaironga uye navavezi vamatombo. Vakatenga matanda namatombo akavezwa okugadzirisa temberi yaJehovha, uye vakaripira zvose zvaidiwa pakugadziridza temberi. Mari yaiuyiswa mutemberi haina kushandiswa pakugadzira madhishi esirivha, mbato dzemwenje, nemikombe, nehwamanda kana zvimwe zvipi zvazvo zvegoridhe kana sirivha zvetemberi yaJehovha. Yakaripirwa kuvarume vaishanda, ivo vakaishandisa kugadzira temberi. Havana kubvunza mashandisirwo ayo kuna avo vavakapa mari kuti varipire vashandi, nokuti vakashanda vakatendeka zvakakwana. Mari yaibva kuzvipiriso zvemhosva nezvipiriso zvechivi haina kuuyiswa mutemberi yaJehovha; yakanga iri yavaprista. Panguva yakaita saiyoyi Hazaeri mambo weAramu akaenda akandorwisa Gati akaripamba. Ipapo akadzokera kundorwisa Jerusarema. Asi Joashi mambo weJudha akatora zvinhu zvose zvitsvene zvakatsaurwa zvakanga zvakumikidzwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu naAhazia madzimambo eJudha, zvipo zvaakanga akumikidza iye negoridhe rose rakawanikwa mumatura etemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, akazvitumira kuna Hazaeri mambo weAramu, iye akabva muJerusarema. Zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Vabati vake vakaita rangano yokumumukira vakamuuraya paBheti Miro, panzira yaienda kuSira. Vabati vakamuuraya vakanga vari vanaJozabhadhi mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri. Akafa akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehoahazi Mambo weIsraeri Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva yakareba akavaisa pasi poruoko rwaHazaeri mambo weAramu naBheni-Hadhadhi mwanakomana wake. Ipapo Jehoahazi akatsvaka nyasha dzaJehovha, Jehovha akamunzwa, nokuti akanga aona kuti mambo weAramu airwadzisa uye achitambudza Israeri zvakanyanya sei. Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare. Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria. Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoahazi, nezvose zvaakaita nokubudirira kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehoahazi akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoashi mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehoashi Mambo weIsraeri Mugore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo weJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namatanhatu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite; akarambira mazviri. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoashi, nezvose zvaakaita, nokubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehoashi akazorora namadzibaba ake, Jerobhoamu akamutevera pachigaro choushe. Jehoashi akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!” Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo. Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo. Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.” Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira. Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu uye ugoiparadza zvachose. Asi zvino uchazongoikunda katatu chete.” Erisha akafa akavigwa. Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga. Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake. Hazaeri mambo weAramu akatambudza vaIsraeri pamazuva ose okutonga kwaJehoahazi. Asi Jehovha akavaitira nyasha, uye akava nengoni akava nehanya navo nokuda kwesungano yake naAbhurahama, naIsaka naJakobho. Kusvikira nhasi haana kuda kuvaparadza kana kuvarasira kure naye. Hazaeri mambo weAramu akafa, mwanakomana wake Bheni-Hadhadhi akamutevera paumambo. Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorazve kubva kuna Bheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atora muhondo kubva kuna baba vake Jehoahazi. Jehoashi akamukunda katatu, nokudaro akadzorazve maguta avaIsraeri. Amazia Mambo weJudha Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi. Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira ikoko. Mushure mokunge umambo hwanyatsosimba mumaoko ake, akauraya vabati vaya vakauraya baba vake iye mambo. Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.” Ndiye akakunda gumi rezviuru zvavaEdhomu muMupata woMunyu uye akapamba Sera muhondo, akaritumidza kuti Jokiteeri, rinova zita raro kusvikira nhasi. Ipapo Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri, akati, “Uya tionane.” Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwomuRebhanoni rwakatuma nhume kumusidhari womuRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanasikana wako kuti awanikwe nomwanakomana wangu.’ Ipapo mhuka yesango yomuRebhanoni yakauyapo ikatsika-tsika rukato netsoka dzayo. Zvirokwazvo wakakunda Edhomu asi zvino wava kuzvikudza. Zvirumbidze hako pakukunda kwako, asi ugare kumba! Seiko wava kutsvaka bongozozo kuti uzviwisire pasi iwe pamwe chete neJudha?” Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuda kuteerera, naizvozvo Jehoashi mambo weIsraeri akamurwisa. Iye naAmazia mambo weJudha vakasangana paBheti Shemeshi muJudha. VaJudha vakakundwa navaIsraeri, murume mumwe nomumwe akatizira kumusha kwake. Jehoashi mambo weIsraeri akabata Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia, paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akaenda kuJerusarema akandoputsa rusvingo rweJerusarema kubva kuSuo raEfuremu kusvikira paSuo repaKona chikamu chinosvika makubhiti mazana mana14:13 mamita angaita 180 . Akatora goridhe rose nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa iri mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Akatorawo vasungwa ndokubva adzokera kuSamaria. Zvino zvimwe zvokutonga kwaJehoashi, nezvaakaita uye kubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko. Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake. Jerobhoamu weChipiri Mambo weIsraeri Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa. Nokuti Jehovha akanga aona kuti vanhu vose muIsraeri vaitambudzika zvakanyanya sei, vose nhapwa navakasununguka; pakanga pasina angabatsira. Uye sezvo Jehovha akanga asina kumboti aizodzima zita raIsraeri kubva pasi pedenga, akavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jerobhoamu akazorora namadzibaba ake, madzimambo eIsraeri. Zekaria mwanakomana wake akamutevera paumambo. Azaria Mambo weJudha Mugore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo weIsraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Zita ramai vake rainzi Jekoria; vaibva muJerusarema. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amazia. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira ikoko. Jehovha akarova mambo namaperembudzi kusvikira pazuva raakafa, uye aigara mumba yake oga. Jotamu mwanakomana wamambo ndiye akanga ari mutariri womuzinda uye aitonga vanhu venyika iyoyo. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha. Azaria akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo muGuta raDhavhidhi. Uye Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Zekaria Mambo weIsraeri Mugore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo weJudha, Zekaria mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwemwedzi mitanhatu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa nababa vake. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvakaita kuti Israeri iite. Sharumi mwanakomana waJabheshi akamukira Zekaria. Akamurwisa pamberi pavanhu, akamuuraya uye akamutevera paumambo. Zvino zvimwe zvakaitika zvokutonga kwaZekaria zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Saka shoko raJehovha rakataurwa kuna Jehu richiti, “Vana vako vachagara pachigaro choushe chaIsraeri kusvikira kurudzi rwechina,” rakazadziswa. Sharumi Mambo weIsraeri Sharumi mwanakomana waJabheshi akava mambo mugore ramakumi matatu namapfumbamwe raUzia mambo weJudha, uye akatonga muSamaria kwomwedzi mumwe chete. Ipapo Menahemi mwanakomana waGadhi akaenda kuSamaria achibva kuTiriza. Akarwisa Sharumi mwanakomana waJabheshi muSamaria, akamuuraya iye akamutevera paumambo. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaSharumi, nokumukira kwaakatungamirira, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Panguva iyoyo Menahemi, akarwisa Tifisa navose vaiva muguta nenzvimbo dzaiva pedyo, achitanga kubva paTiriza, nokuti vakanga varamba kuzarura masuo avo. Akaparadza Tifisa uye akatumbura vakadzi vaiva nemimba. Menahemi Mambo weIsraeri Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo weJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi akava mambo weIsraeri, uye akatonga muSamaria kwamakore gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Mumazuva ake ose okutonga haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Ipapo Puri mambo weAsiria akarwisa nyika, uye Menahemi akamupa chiuru chamatarenda15:19 matani angaita 34 esirivha, kuti awane rutsigiro agosimbisa umambo hwake. Menahemi akatora mari iyi somutero kubva kuIsraeri. Murume wose aiva mupfumi aibvisa makumi mashanu amashekeri15:20 0.6 yekirogiramu esirivha kuti apiwe kuna mambo weAsiria. Saka mambo weAsiria akadzokera uye akasagarazve munyika. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Menahemi akazorora namadzibaba ake. Uye Pekahia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Pekahia Mambo weIsraeri Mugore ramakumi mashanu raAhazia mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenahemi akava mambo weIsraeri muSamaria, akatonga kwamakore maviri. Pekahia akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Mumwe wamakurukota ake, ainzi Peka mwanakomana waRemaria, akamumukira. Akatora varume makumi mashanu veGireadhi, akauraya Pekahia pamwe chete naArigobhi naArie, munhare yomuzinda wamambo weSamaria. Saka Peka akauraya Pekahia uye akamutevera paumambo. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPekahia, nezvose zvaakaita zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Peka Mambo weIsraeri Mugore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo weJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore makumi maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakaita kuti Israeri iite. Munguva yaPeka mambo weIsraeri, Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akauya akatora Ijoni, Abheri Bheti Maaka, Janoa, Kedheshi neHazori. Akatora Gireadhi neGarirea pamwe chete nenyika dzose dzeNafutari uye akatakura vanhu akaenda navo kuAsiria senhapwa. Ipapo Hoshea mwanakomana waEra akamukira Peka, mwanakomana waRemario. Akamurwisa akamuuraya ndokubva amutorera umambo mugore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUzia. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPeka, nezvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jotamu Mambo weJudha Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri, Jotamu mwanakomana waUzia mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Zita ramai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro uye vachipisa zvinonhuhwira ikoko. Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJotamu, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? (Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria kundorwisa Judha.) Jotamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi, guta rababa vake. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Ahazi Mambo weJudha Mugore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo weJudha akatanga kutonga uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakava mambo. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza zvedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Akabayira zvibayiro uye akapisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pemiti yose yakapfumvutira. Ipapo Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema vakakomba Ahazi, asi havana kugona kumukunda. Panguva iyoyo, Rezini mambo weAramu akadzorera Erati kuna Aramu nokudzinga varume veJudha. VaEdhomu vakapinda muErati uye ndimo mavanogara kusvikira nhasi. Ahazi akatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu. Uyai kuno mundinunure kubva muruoko rwamambo weAramu norwamambo weIsraeri vari kundirwisa.” Ahazi akatora sirivha negoridhe zvakanga zvawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omuzinda wamambo akazvitumira sechipo kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akamunzwa ndokubva andorwisa Dhamasiko akarikunda. Akaendesa vanhu varo kuKiri uye akauraya Rezini. Ipapo Mambo Ahazi akaenda kuDhamasiko kundosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Akaona aritari muDhamasiko ndokubva atumira mufananidzo wearitari kuna Uria muprista, nerondedzero yamavakirwo ayo. Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazi kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazi asati adzokako. Mambo akati adzoka kubva kuDhamasiko akaona aritari akasvika pairi akapa zvipiriso pairi. Akapa chipiriso chinopiswa, rechipiriso chezviyo, akadururapo chipiriso chake chokunwa uye akasasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana pamusoro pearitari. Aritari yendarira yakanga yakamiswa pamberi paJehovha, akaibvisa kumberi kwetemberi kuti abve pakati pearitari itsva netemberi yaJehovha, uye akaiisa kudivi rokumusoro kwearitari itsva. Ipapo Mambo Ahazi akarayira muprista Uria mirayiro iyi akati, “Pamusoro pearitari huru, upe chipiriso chinopiswa chamangwanani, uye manheru chipiriso chezviyo, chipiriso chinopiswa chamambo nechipiriso chake chezviyo, uye chipiriso chinopiswa chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo chezviyo, nezvipiriso zvavo zvokunwa. Usase paaritari, ropa rose rezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro. Asi ndichashandisa aritari yendarira pakutsvaka kutungamirirwa.” Naizvozvo muprista Uria akaita sezvaakanga arayirwa naMambo Ahazi. Ipapo mambo Ahazi akabvisa mapuranga omumativi uye akabvisawo madhishi pazvigadziko zvinofambiswa. Akabvisa Gungwa kubva panzombe dzendarira dzairitsigira akarigadzika pahwaro hwedombo. Akabvisa denga reSabata rakanga rambovakwa patemberi uye akabvisa suo ramambo kunze kwetemberi yaJehovha, kuti akudze mambo weAsiria. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAhazi, uye zvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Hoshea Mambo weIsraeri wokupedzisira Mugore regumi namaviri raAhazi mambo weJudha, Hoshea mwanakomana waEra akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore mapfumbamwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita samadzimambo eIsraeri akamutangira. Sharimaneseri mambo weAsiria akauya kuzorwisa Hoshea, iye akava muranda wake akaripa mutero kwaari. Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva mhandu, nokuti akanga atuma nhume kuna So, mambo weIjipiti, uye akarega kuripa mutero kuna mambo weAsiria, sezvaaisiita gore negore. Naizvozvo Sharimaneseri akamubata akamuisa mutorongo. Mambo weAsiria akarwisa nyika yose, akafamba akananga kuSamaria akarikomba kwamakore matatu. Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria akaendesa vaIsraeri kuAsiria. Akavagarisa muHara, nomuGozani, pedyo noRwizi rweHazori uye nomumaguta avaMedhia. VaIsraeri vanotapwa nokuda kwechivi Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari uye vakatevera tsika dzedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naJehovha, pamwe chete netsika dzakanga dzatangiswa namadzimambo eIsraeri. VaIsraeri vakaita zvinhu zvakanga zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo muchivande. Vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa. Vakazvimisira matombo namatanda okunamata pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose yakapfumvutira. Vakapisa zvinonhuhwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvakanga zvichiitwa nendudzi dzakadzingwa pamberi pavo naJehovha. Vakaita zvinhu zvakaipa zvikatsamwisa Jehovha. Vakanamata zvifananidzo, kunyange Jehovha akanga ati, “Musaita izvi.” Jehovha akayambira Israeri neJudha kubudikidza navaprofita vake vose navaoni akati, “Ibvai panzira dzenyu dzakaipa. Cherechedzai mirayiro nemitemo yangu maererano noMurayiro wose wandakarayira madzibaba enyu kuti vauteerere uye uyo wandakapa kwamuri kubudikidza navaranda vangu vaprofita.” Asi havana kuda kuteerera uye vakava nemitsipa mikukutu sezvakanga zvakaita madzibaba avo, avo vasina kuvimba naJehovha Mwari wavo. Vakaramba mitemo yake nesungano yaakanga aita namadzibaba avo uyewo neyambiro dzaakanga avapa. Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo pachavo vakava vasina maturo. Vakatevedzera ndudzi dzakanga dzakavakomberedza kunyange Jehovha akanga avarayira akati, “Musaita sezvavanoita,” asi vakaita zvinhu zvavakarambidzwa naJehovha. Vakasiya mirayiro yose yaJehovha Mwari wavo vakazviitira zvifananidzo zviviri zvakaumbwa zvemhuru, uye nedanda reAshera. Vakanamata nyeredzi dzose dzokudenga, uye vakanamata Bhaari. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Vakaita zvokuvuka nouroyi vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa nazvo. Naizvozvo Jehovha akatsamwira Israeri zvikuru akavabvisa pamberi pake. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakasara, uye kunyange vaJudhawo havana kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo. Vakatevera tsika dzakanga dzatangwa neIsraeri. Naizvozvo Jehovha akaramba vanhu vose veIsraeri; akavatambudza akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avabvisa pamberi pake. Akati abvarura Israeri kubva muimba yaDhavhidhi, vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati mambo wavo. Jerobhoamu akatsausa Israeri pakutevera Jehovha akavaita kuti vaite chivi chikuru. VaIsraeri vakaramba vari muzvivi zvose zvaJerobhoamu uye havana kutendeuka kubva pazviri kusvikira Jehovha avabvisa pamberi pake, sezvaakanga avayambira kubudikidza navaranda vake vose vaprofita. Saka vanhu veIsraeri vakatapwa kubva kunyika yavo vakaendeswa kuusungwa muAsiria, uye vachiriko nanhasi. Samaria inogarwazve Mambo weAsiria akauya navanhu kubva kuBhabhironi, nokuKuta, neAvha, neHamati neSefarivhaimu ndokuvagarisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo chavaIsraeri. Vakatora Samaria vakagara mumaguta ayo. Pavakatanga kugarako, vakanga vasinganamati Jehovha; naizvozvo akatuma shumba pakati pavo dzikauraya vamwe vavo. Vakazivisa mambo weAsiria kuti: “Vanhu vamabvisa mukavagarisa mumaguta eSamaria havazivi zvinodikanwa naMwari wenyika iyoyo. Akatuma shumba pakati pavo, dziri kuvauraya, nokuti vanhu havazivi zvaanoda.” Ipapo mambo weAsiria akarayira akati, “Itai kuti mumwe wavaprista vamakatapa kubva kuSamaria adzokere kunogarako agodzidzisa vanhu kuti mwari wenyika iyi anodei.” Saka mumwe wavaprista vakanga vatapwa kubva kuSamaria akauya kuzogara muBheteri akavadzidzisa kunamata Jehovha. Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mumatumba okunamatira akanga aitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira. Varume vaibva kuBhabhironi vakavaka Sukoti-Bhenoti, vanhu vaibva kuKuta vakavaka Nerigari, vanhu vaibva kuHamati vakavaka Ashima; vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefarivhaimi. Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mumatumba panzvimbo dzakakwirira. Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri. Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri. Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari. Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro. Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari. Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari. Asi munofanira kunamata Jehovha Mwari wenyu; ndiye achakusunungurai kubva mumaoko avavengi venyu vose.” Kunyange zvakadaro, havana kuda kunzwa asi vakarambira mutsika dzavo dzakare. Kunyange vanhu ava vainamata Jehovha, vaingoshumira vamwari vavo. Nanhasi vana vavo navazukuru vavo vanoramba vachiita zvimwe chetezvo zvaiitwa namadzibaba avo. Hezekia Mambo weJudha Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuhwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.) Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera. Akanamatira kuna Jehovha uye haana kurega kumutevera; akachengeta mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha. Uye Jehovha aiva naye; akabudirira pane zvose zvaakaita. Akamukira mambo weAsiria akasazomushandira. Akakunda vaFiristia, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa, zvichienda kuGaza nenyika yayo. Mugore rechina ramambo Hezekia, iro raiva gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akaenda kundorwa neSamaria akarikunda. Pakupera kwamakore matatu vaAsiria vakaritora. Saka Samaria yakatorwa mugore rechitanhatu raMambo Hezekia, iro rakanga riri gore rechipfumbamwe raHoshea mambo weIsraeri. Mambo weAsiria akavatapa akavaendesa kuAsiria akandovagarisa muHara, muGozani paRwizi rweHabhori nomumaguta avaMedhesi. Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita. Mugore regumi namana rokutonga kwamambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose eJudha akakomberedzwa namasvingo akaatora. Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarenda18:14 matani angaita 10 esirivha namatarenda egoridhe makumi matatu18:14 tani. Saka Hezekia akamupa sirivha yose yakawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Panguva iyoyo Hezekia mambo weJudha akabvisa goridhe raakanga afukidza naro makonhi nembiru dzamakonhi etemberi yaJehovha, akazvipa kuna mambo weAsiria. Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari. Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti: “ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii? Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire? Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari. Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?” “ ‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo! Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza? Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.’ ” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.” Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?” Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria! Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Haagoni kukudzikinurai kubva muruoko rwangu Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’ “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake, kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu! “Musateerera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’ Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria? Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here? Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?” Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.” Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavarwi. Kununurwa kweJerusarema kunoziviswa Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka. Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavarwi, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.” Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya, Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. Tarira, ndichaisa mweya maari wokuti paanonzwa mamwe mashoko, achadzokera kunyika yake, uye ndichaita kuti aurayiwe nomunondo ikoko.’ ” Mukuru wavatariri paakanzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuRakishi, akadzoka akabva akaenda akandowana mambo achirwa neRibhina. Zvino Senakeribhi akagamuchira chiziviso chaiti Tirihaka, mambo weEtiopia akanga achifamba achiuya kuzorwa naye. Saka akatumazve nhume kuna Hezekia neshoko iri rokuti: “Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’ Zvirokwazvo makanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose, vachidziparadza zvachose. Zvino imi mucharwirwa here? Ko, vamwari vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzitateguru angu: vamwari veGozani, neHarani, neRezefi navanhu veEdheni vakanga vari muTeri Asari, vakavarwira here? Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, weHena kana neIvha?” Munyengetero waHezekia Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi. Rerekerai nzeve, imi Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, imi Jehovha, muone; inzwai mashoko Senakeribhi aakatuma kuti azozvidza nawo Mwari mupenyu. “Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu. Haiwa Jehovha Mwari wedu, zvino chitirwirai kubva muruoko rwake, kuitira kuti umambo hwose hwapanyika huzive kuti imi moga, ndimi Mwari.” Isaya anoprofita pamusoro pokuwa kwaSenakeribhi Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria. Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “ ‘Mhandara Mwanasikana weZioni anokushora uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anogutsurira musoro uchitiza. Ndianiko wawakazvidza uye ukamhura? Wakasimudzira inzwi rako kuna aniko uye ukasimudza meso ako mukuzvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri! Nenhume dzako wakaunganidza zvituko kuna Jehovha. Uye wakati, “Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, nzvimbo refu refu dzeRebhanoni. Ndakatemera pasi misidhari yayo yakareba, nemipaini yayo yakaisvonaka. Ndakasvika kumasango ayo kure kure, masango ayo akanakisisa. Ndakachera matsime munyika yavatorwa, uye ndikanwa mvura ikoko. Netsoka dzangu ndakaomesa hova dzose dzeIjipiti.” “ ‘Hauna kunzwa here? Ndakazviita kare kare. Mumazuva akare ndakazvironga; zvino ndaita kuti zviitike, kuti wakashandura maguta akakomberedzwa akava murwi wamatombo. Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukira omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura. “ ‘Asi ndinoziva paunogara, uye kwaunobva nokwaunoenda, uye kuti wakanditsamwira sei. Nokuti wakanditsamwira uye kuzvikudza kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhino dzako, nematomhu angu mumuromo mako, uye ndichakuita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo.’ “Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, iwe Hezekia: “Gore rino uchadya zvinongomera zvoga, uye mugore rechipiri zvinobva muna izvozvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare mizambiringa uye mugodya michero yawo. Uyezve vakasara veimba yaJudha vachadzika midzi pasi vagobereka michero pamusoro. Nokuti muJerusarema muchabuda vakasara, uye muGomo reZioni muchabuda chikwata chavachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita. “Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria: “ ‘Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haangauyi mberi kwaro nenhoo, kana kurikomberedza negomo revhu; Nenzira yaakauya nayo achadzokera, haazopindi muguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.’ ” Usiku ihwohwo mutumwa waJehovha akaenda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu mumusasa wavaAsiria. Vanhu pavakati vachimuka mangwana acho, wanei heyo mitumbi yavakafa! Saka Senakeribhi mambo weAsiria akaparadza musasa akadzokera kuNinevhe akandogarako. Rimwe zuva, paakanga achinamata mutemberi yamwari wake Nisiroki, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. Kurwara kwaHezekia Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.” Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru. Isaya asati abva paruvanze rwapakati, shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, “Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha. Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” Ipapo Isaya akati, “Gadzirai bundu ramaonde.” Vakaita saizvozvo vakariisa pamota, uye akapora. Hezekia akanga abvunza Isaya achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichakwira kutemberi yaJehovha pazuva retatu kubva zvino here?” Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?” Hezekia akati, “Zvakareruka kuti mumvuri uende mberi nhambwe gumi. Saka ngaudzoke nhambwe gumi mushure.” Ipapo muprofita Isaya akadana kuna Jehovha, Jehovha akadzorera mumvuri shure nhambwe gumi pamanera aAhazi. Nhume dzakabva kuBhabhironi Panguva iyo yaMerodhaki-Bharadhani, mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira tsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara kwaHezekia. Hezekia akagamuchira nhume akadziratidza zvose zvakanga zviri mumatura ake, sirivha negoridhe, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, nedura rezvombo nezvose zvaiwanikwa pakati pepfuma yake. Hezekia haana chaasina kuvaratidza mumuzinda make kana muushe hwake hwose. Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akamubvunza akati, “Zvanzi kudini navarume avo, uye vabvepi?” Hezekia akapindura akati, “Vabva kunyika iri kure. Vabva kuBhabhironi.” Muprofita akamubvunza akati, “Chii chavaona mumuzinda mako?” Hezekia akapindura akati, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chinhu chiri pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.” Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Chinzwa shoko raJehovha: Zvirokwazvo nguva ichasvika yokuti zvose zviri mumuzinda mako, nezvose zvakaunganidzwa nababa vako kusvikira pazuva ranhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. Uye vamwe vavanakomana vako, venyama yako chaivo neropa rako, vauchabereka, vachatorwa kubva kwauri, uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekia akapindura akati, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafungawo akati, “Hakuchavi here norugare nokudzivirirwa munguva youpenyu hwangu?” Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaHezekia, nezvose zvaakaita uye namavakiro aakaita dziva nomugero waakauyisa nawo mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Hezekia akazorora namadzibaba ake. Manase mwanakomana wake akamutevera paumambo. Manase Mambo weJudha Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Zita ramai vake rainzi Hefizibha. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevera zvinonyangadza zvendudzi dzakadzingwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata. Akavaka aritari mutemberi yaJehovha, makanga manzi naJehovha, “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.” Muzvivanze zvose zviri zviviri zvetemberi yaJehovha, akavakira nyeredzi dzose dzokudenga aritari. Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake. Akatora mufananidzo waAshera wakavezwa waakanga aita akauisa mutemberi, yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi iyi nomuJerusarema, mandakasarudza pakati pamarudzi ose aIsraeri, ndichaisamo Zita rangu nokusingaperi. Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.” Asi vanhu havana kuteerera. Manase akavatsausa, zvokuti vakanyanya kuita zvakaipa kupfuura dzimwe ndudzi dzakaparadzwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. Jehovha akataura kubudikidza navaranda vake ivo vaprofita akati, “Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga. Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye agoitsindikira. Ndichafuratira vakasara venhaka yangu uye ndichavapa kuvavengi vavo. Vachabirwa uye vachapambwa navavengi vavo, nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu vakanditsamwisa kubva pazuva rakabuda madzitateguru avo kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi.” Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaManase, nezvose zvaakaita, pamwe chete nechivi chaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mubindu romumuzinda wake, bindu raUza. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. Amoni Mambo weJudha Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Zita ramai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi; akanga achibva kuJotibha. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Manase baba vake. Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira. Akafuratira Jehovha, Mwari wamadzibaba ake, haana kufamba munzira yaJehovha. Vabati vaAmoni vakamumukira vakauraya mambo mumuzinda wake. Ipapo vanhu venyika vakauraya vose vakanga vamukira Mambo Amoni, vakagadza mwanakomana wake Josia kuti ave mambo panzvimbo yake. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAmoni, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Josia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Bhuku roMurayiro Rinowanikwa Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Mugore regumi namasere rokutonga kwake, Mambo Josia akatuma munyori, Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kutemberi yaJehovha. Akati kwaari, “Enda kuna Hirikia muprista mukuru umuudze kuti averenge mari yakauyiswa mutemberi yaJehovha, iya yakaunganidzwa navarindi vomukova ichibva kuvanhu. Uite kuti vaipe kuvarume vakagadzwa kuti vatarire basa rapatemberi. Uye varume ava vanofanira kuripa vabati vanogadzira temberi yaJehovha, vavezi, navavaki navavezi vamatombo. Uyezve uite kuti vatenge matanda namatombo akavezwa kuti vagadzirise temberi. Asi havafaniri kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti ivo vakatendeka pakubata kwavo.” Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga. Ipapo Shafani munyori akaenda kuna mambo akandomuzivisa kuti: “Vabati venyu varipa mari iya yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaipa kuvashandi navatariri vapatemberi.” Ipapo Shafani munyori akazivisa mambo achiti, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akariverenga pamberi pamambo. Mambo akati anzwa mashoko eBhuku roMurayiro, akabvarura nguo dzake. Akarayira Hirikia muprista, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo achiti, “Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.” Hirikia muprista, naAhikami, naAkibhori, naShafani naAsaya vakaenda kundotaura naHuridha muprofitakadzi, akanga ari mukadzi waSharumi mwanakomana waTikivha, mwanakomana waHarihasi, muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri. Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udzai murume akutumai kwandiri kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa dambudziko pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku rakaverengwa namambo weJudha. Nokuti vakandirasa, vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, vakanditsamwisa nokuda kwezvifananidzo zvose zvavakaita namaoko avo, kutsamwa kwangu kuchapfuta pamusoro penzvimbo ino uye hakungadzimwi.’ Udzai mambo weJudha, akutumai kuzobvunza Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko amakanzwa: Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo ndichakurongedza kumadzibaba ako, uye uchavigwa murugare. Meso ako haachazooni matambudziko ose andichauyisa panzvimbo ino.’ ” Naizvozvo vakaendesa mhinduro yake kuna mambo. Josia anovandudza Sungano Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema pamwe chete. Akakwidza achienda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, navanhu veJerusarema, vaprista navaprofita, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha. Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano. Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri. Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga. Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo. Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera. Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuhwira navaprista. Akaputsa dzimba dzapamatunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta. Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista. Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki. Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva. Akaputsira pasi aritari dzakanga dzavakwa namadzimambo eJudha pamusoro pedenga, pedyo nekamuri rapamusoro raAhazia, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zvetemberi yaJehovha. Akadzibvisapo, akadziputsa-putsa uye akakanda marara acho muMupata weKidhironi. Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. Josia akaputsa-putsa shongwe dzamatombo aiera akatema matanda aAshera akafukidza nzvimbo dzacho namapfupa avanhu. Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera. Ipapo Josia akatarira-tarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi. Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyani?” Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza guva romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.” Iye akati, “Regai azorore. Ngakurege kuva nomunhu anokanganisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwe chete neomuprofita akanga abva kuSamaria. Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha, Josia akauraya vaprista vose vokumatunhu akakwirira pamusoro pearitari uye akapisirapo mapfupa avanhu. Ipapo akabva adzokera kuJerusarema. Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.” Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha. Asi mugore regumi namasere raMambo Josia, pasika iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema. Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navaiita zvemidzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha nomuJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha. Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi. Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kushanduka pakupisa kwehasha dzake dzinotyisa, dzaipisira Judha nokuda kwezvose zvakaitwa naManase achimutsamwisa. Naizvozvo Jehovha akati, “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu sokubvisa kwandakaita Israeri, uye ndicharamba Jerusarema, guta randakasarudza, netemberi iyi, yandakataura pamusoro payo ndichiti, ‘Zita rangu richagarapo.’ ” Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho. Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake. Jehoahazi Mambo weJudha Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake. Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zana23:33 matani angaita 3.4 esirivha netarenda23:33 makirogiramu angaita 34 regoridhe. Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira. Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa. Jehoyakimi anova Mambo weJudha Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake. Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari. Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita. Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita, zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira. Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi. Jehoyakini anova Mambo weJudha Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake. Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba, uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba. Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa. Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weIsraeri. Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi, vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo. Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi. Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi. Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia. Zedhekia anova Mambo weJudha Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini. Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi. Kuwa kweJerusarema Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia. Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha, asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye vakapararira. Akabatwa akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa. Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi. Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema. Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha. Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi. Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda. Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, zvigadziko neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi. Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi. Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuhwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha. Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nezvigadziko zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, yakanga yakawanda zvokuti yaisagona kuyerwa. Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namasere25:17 mamita angaita 8.2 . Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatu25:17 mamita angaita 1.4 uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo. Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa. Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mukuru wavarwi navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika kuti vave varwi navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura. Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe. Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha. Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo. Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.” Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa. Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi. Jehoyakini anosunungurwa Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri. Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake. Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.