- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 1 Timoti 1 Timoti 1 Timoti 1 Timo 1 TIMOTI Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu, kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. Yambiro pamusoro paVadzidzisi voMurayiro Venhema Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema, kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda. Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi. Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo. Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa. Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka. Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri. Nyasha dzaIshe kuna Pauro Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake. Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda. Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu. Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo. Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka, wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo. Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari. Dzidziso pamusoro poKunamata Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kune veDzimwe Ndudzi. Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo. Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari. Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa akava mutadzi. Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora. Vatariri naVadhikoni Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?) Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori. Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa. Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka. Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni. Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose. Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka. Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu. Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti, kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi. Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya. Kurayirwa kwaTimoti Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya. Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda. Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa. Rayiro pamusoro peChirikadzi, Vakuru naVaranda Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanunʼuna vako. Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo. Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo. Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari. Chirikadzi iri chirikadzi chaiyo uye yakasara ichingova yoga inoisa tariro yayo kuna Mwari uye inogara ichinyengetera nokukumbira kuna Mwari usiku namasikati. Asi chirikadzi inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu. Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa. Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi. Hakuna chirikadzi inganyorwa pamazita echirikadzi kana isina makore anopfuura makumi matanhatu, yakanga yakatendeka kumurume wayo, uye ichinyatsozivikanwa pamabasa ayo akanaka, akafanana nokurera vana, nokubata vaeni zvakanaka, kushambidza tsoka dzavatsvene, kubatsira vaya vari mumatambudziko, uye yakazvipira kuita pamabasa ose akanaka. Asi kana dziri chirikadzi duku usadzinyora pamazita aya. Nokuti kana nyama yadzo yakunda kuzvipira kwadzo kuna Kristu, dzichazotsvaka kuwanikwa. Naizvozvo dzichazvivigira kutongwa, nokuti dzinenge dzaputsa kutenda kwadzo kwokutanga. Pamusoro pezvo, dzinoita tsika dzokuva nousimbe uye dzichipota nedzimba. Uye hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, uye vasina basa ravanoita, vachitaura zvisakafanira. Naizvozvo ndinoti kuchirikadzi duku ngadziwanikwe, kuti dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo uye kuti dzisapa muvengi mukana wokupomera nawo. Vamwe vakatotsauka kare vachitevera Satani. Kana mukadzi upi zvake mutendi aine chirikadzi mumhuri yake, anofanira kudzibatsira uye arege kuita kuti kereke iremedzwe nadzo, kuitira kuti kereke igone kubatsira chirikadzi dziri kushayiwa zvechokwadi. Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa. Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo,” uye “Mushandi akafanirwa nomubayiro wake.” Usagamuchira mhaka inopomerwa mukuru kunze kwokunge yauyiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. Avo vanotadza vanofanira kutsiurwa pamberi pavanhu, kuitira kuti vamwe vagoyambirwa. Ndinokurayira, pamberi paMwari naKristu Jesu uye napamberi pavatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete mirayiro iyi zvakanaka, uye usingaiti uchitsaura vanhu. Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, uye usabatana nezvivi zvavamwe. Zvichengete kuti uve wakachena. Rega kunwa mvura yoga, uye unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako uye nokurwara-rwara kwako. Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvichivatangira kusvika panzvimbo yokutongwa; zvivi zvavamwe zvinotevera mushure mavo. Nenzira imwe cheteyo, mabasa akanaka anoonekwawo pachena, uye kunyange naasina kudaro haangavanziki. Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari nedzidziso yedu zvirege kumhurwa. Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira. Kuda mari Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari, anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa, uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari. Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji. Pauro anorayira Timoti Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato, kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu, uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe. Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni. Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugoverana. Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi. Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira zvokutaura mashoko asina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo, idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda. Nyasha ngadzive newe.