- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017
1 Samueri
1 Samueri
1 Samueri
1 Samu
1 SAMUERI
Kuberekwa kwaSamueri
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu. Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina.
Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha. Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose. Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake. Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise. Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya. Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?”
Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha. Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha. Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.”
Zvaakaramba achinamata kuna Jehovha, Eri akacherechedza muromo wake. Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa, akati kwaari, “Ucharamba uchidhakwa kusvika riniko? Siyana newaini yako.”
Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha. Musatora muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.”
Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.”
Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara.
Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira. Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.”
Hana anokumikidza Samueri
Zvino murume uyu Erikana paakaenda nemhuri yake yose kundopa zvibayiro zvapagore kuna Jehovha nokundozadzisa mhiko yake, Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.”
Erikana murume wake akati kwaari, “Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi.” Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura.
Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefa1:24 marita angaita 22 youpfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro. Vakati vauraya hando, vakaenda nomukomana kuna Eri, uye Hana akati kwaari, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu ishe wangu, ndini mukadzi uya akamira parutivi penyu ndichinyengetera kuna Jehovha. Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira. Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha.” Uye akanamata Jehovha ipapo.
Munyengetero waHana
Ipapo Hana akanyengetera achiti:
“Mwoyo wangu unofara muna Jehovha;
muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro.
Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu,
nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
“Hakuna mutsvene akaita saJehovha;
hakuna mumwe kunze kwenyu;
hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
“Usaramba uchitaura uchizvikudza
uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,
nokuti Jehovha ndiMwari anoziva,
uye naye mabasa anoyerwa.
“Uta hwavarwi hwatyorwa,
asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.
Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,
asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.
Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,
asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.
“Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;
anodzikisa kuguva uye anomutsawo.
Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;
uye anoninipisa uye anosimudzira.
Anosimudza varombo kubva paguruva
uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;
anovagarisa namachinda
uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.
“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha,
pamusoro padzo akamisa nyika.
Acharinda tsoka dzavatsvene vake,
asi vakaipa vachanyaradzwa murima.
“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa.
Achavatinhirira ari kudenga;
Jehovha achatonga magumo enyika.
“Achapa simba kuna mambo wake,
uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”
Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama, asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.
Vanakomana vaEri vakanga vakaipa
Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha. Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake. Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro. Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”
Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno izvozvi; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”
Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha.
Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka. Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore. Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo. Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha.
Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana. Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi. Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha. Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye.
Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.
Chiprofita pamusoro peimba yaEri
Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro? Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuhwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri. Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvikudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’
“Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa. Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazova nomutana mumhuri yako uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana. Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.
“ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete. Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose. Ipapo wose achasara mumhuri yako achauya agokotama pamberi pake kuti apiwe mari yesirivha nechimedu chechingwa agokumbirisa achiti, “Dondipaiwo rimwe basa rouprista kuti ndingowana zvokudya.” ’ ”
Jehovha anodana Samueri
Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.
Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka. Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari. Ipapo Jehovha akadana Samueri.
Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.” Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.”
Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara.
Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.”
Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.”
Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari.
Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.”
Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu. Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.
Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!”
Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge. Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo. Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora. Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’ ”
Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake, asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.”
Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.”
Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.” Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”
Samueri akakura uye Jehovha aiva naye; uye Jehovha haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi. Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha. Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.
Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose.
VaFiristia vanopamba Areka
Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki. VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.”
Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari.
Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira. Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?”
Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa, vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika. Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga. Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!”
Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu. Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa.
Kufa kwaEri
Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake. Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema.
Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?”
Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri, akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni. Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.”
Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”
Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.”
Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana.
Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka. Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera.
Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake. Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”
Areka muAshidhodhi nomuEkironi
Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi. Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwanani-ngwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara. Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova.
Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?”
Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri.
Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota. Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi.
Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru. Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga.
Areka inodzoserwa kuIsraeri
Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia, vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.”
Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.”
VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?”
Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu. Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu. Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende?
“Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinonwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu. Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende, asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”
Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu. Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota. Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.
Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona. Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatema-tema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha. Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo.
Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi. Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi.
Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru, uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?”
Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.”
Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.
Samueri anokurira vaFiristia paMizipa
Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha. Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.” Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete.
Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.” Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiri weIsraeri yose paMizipa.
VaFiristia vakati vanzwa kuti Israeri yakanga yaungana paMizipa, vatungamiri vavaFiristia vakauya kuzovarwisa. Zvino vaIsraeri vakati vazvinzwa, vakatya nokuda kwavaFiristia. Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.” Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura.
Samueri paakanga achibayira chipiriso chinopiswa, vaFiristia vakaswedera pedyo kuti varwise Israeri. Asi zuva iroro Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamberi pavaFiristia akavavhundutsa zvokuti vakakundwa pamberi pavaIsraeri. Varume veIsraeri vakachimbidza kubuda muMizipa vakadzingirira vaFiristia, vakavauraya munzira kusvikira kunzvimbo iri zasi kweBhetikari.
Ipapo Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni. Akaritumidza kuti Ebhenezeri akati, “Jehovha akatibatsira kusvikira pano.” Saka vaFiristia vakakurirwa uye havana kuzorwisa nyika yavaIsraeri zvakare.
Uye ruoko rwaJehovha rwakarwa navaFiristia mazuva ose aSamueri. Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori.
Samueri akaramba ari mutongi weIsraeri kwoupenyu hwake hwose. Gore negore aitenderera kubva kuBheteri achienda kuGirigari nokuMizipa, achitonga Israeri munzvimbo dzose idzodzo. Asi aipota achidzokera kuRama, kwaiva nomusha wake, uye ikokowo akatonga Israeri. Uye akavakira Jehovha aritari ikoko.
VaIsraeri vanokumbira Mambo
Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri. Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha. Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga.
Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama. Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.”
Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha. Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo. Sezvavakaita kubva pazuva randakavabudisa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri. Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.”
Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo. Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake. Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake. Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa. Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake. Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira. Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake. Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake. Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.”
Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge. Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”
Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha. Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.”
Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”
Samueri anozodza Sauro
Kwakanga kuno murume worudzi rwaBhenjamini, ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia muBhenjamini, murume wesimba noumhare. Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, rakanga rakareba kupfuura vose.
Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarasika, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake, “Tora mumwe wavaranda uende naye kundotsvaga mbongoro.” Saka akapfuura nomunyika yamakomo yeEfuremu, akapfuurawo nomunzvimbo yakapoteredza Sharisha, asi havana kudziwana. Vakapfuurira mberi nomudunhu reSharimu, asi mbongoro dzakanga dzisiko. Ipapo akapfuura nomunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana.
Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.”
Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai, muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.”
Sauro akati kumuranda, “Kana tikaenda, murume uyu tingandomupei? Zvokudya zvanga zviri mumasaga edu zvapera. Hatina chipo chokundopa munhu waMwari. Chii chatinacho?”
Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeri9:8 magiramu angaita 3 resirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.” Kare munyika yeIsraeri, kana munhu achienda kundobvunza Mwari, aiti, “Handei kumuoni,” nokuti muprofita wanhasi ainzi muoni kare.
Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, uya tiende.” Saka vakasimuka vakananga kuguta kwaiva nomunhu waMwari.
Pavaikwira gomo kuenda kuguta iri, vakasangana navasikana vaienda kundochera mvura, vakavabvunza vachiti, “Muoni aripo here?”
Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira. Muchingopinda muguta muchamuwana asati aenda kunzvimbo yakakwirira kundodya. Vanhu havatangi kudya asati auya, nokuti anofanira kuropafadza chibayiro; mushure maizvozvo, avo vanenge vakakokwa vozodya. Endai iye zvino; munofanira kumuwana nguva idzo dzino.”
Vakakwidza kuguta, uye pavakanga vava kupindamo vakaona Samueri achiuya nokwavakanga vari, ari munzira yake achikwidza kunzvimbo yakakwirira.
Nezuro wacho Sauro asati asvika, Jehovha akanga aratidza izvi kuna Samueri: “Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.”
Samueri paakangoona Sauro, Jehovha akati kwaari, “Uyu ndiye murume wandakataura newe pamusoro pake; achatonga vanhu vangu.”
Sauro akaenda kuna Samueri pasuo akamubvunza achiti, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?”
Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumwoyo mako. Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?”
Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?”
Ipapo Samueri akatora Sauro nomuranda wake akapinda navo mumba yokudyira akavagadzika kumusoro kwaavo vakanga vakokwa, vaisvika makumi matatu. Samueri akati kumubiki, “Uya nechidimbu chenyama chandakakupa, chiya chandakuudza kuti uise parutivi.”
Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Mushure mokunge vadzika kubva kunzvimbo yakakwirira vakaenda kuguta, Samueri akataura naSauro ari pamusoro pedenga reimba yake. Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete. Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu.” Muranda akaita saizvozvo. “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.”
Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake? Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?” ’
“Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini. Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari.
“Mushure maizvozvo uchaenda kuGibhea, Gomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita. Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu. Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe.
“Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.”
Sauro anoitwa mambo
Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro. Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo. Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”
Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira.
Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?”
Akapindura achiti, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.”
Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.”
Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.
Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri: ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’ Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”
Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa. Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa. Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?”
Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.”
Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro. Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.”
Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”
Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.
Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari. Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.
Sauro anonunura Guta reJabheshi
Nahashi muAmoni akakwidza akaenda kundorwisa Jabheshi Gireadhi. Zvino varume vose veJabheshi vakati kwaari, “Ita chibvumirano nesu tigova pasi pako.”
Asi Nahashi muAmoni akapindura achiti, “Ndichaita chibvumirano nemi bedzi kana ndabvisa ziso rokurudyi romumwe nomumwe wenyu mose saizvozvo ndigonyadzisa Israeri yose.”
Vakuru veJabheshi vakati kwaari, “Tipe mazuva manomwe kuti tigotuma nhume muIsraeri yose; kana pashaya mumwe chete anouya kuzotinunura, tichazvipa kwamuri.”
Nhume padzakauya kuGibhea yaSauro vakaudza vanhu zvisungo izvi vose vakachema zvikuru. Panguva iyoyo Sauro akanga achibva kuminda, ari shure kwehando dzake, akabvunza achiti, “Vanhu vaita sei? Vari kuchemeiko?” Ipapo vakarondedzerazve zvakanga zvataurwa navarume veJabheshi.
Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akatsva nehasha. Akatora hando mbiri, akadzicheka-cheka, akatumidzira zvidimbu izvi nenhume muIsraeri yose, namashoko okuti, “Izvi ndizvo zvichaitwa kuhando dzaani naani asingateveri Sauro naSamueri.” Ipapo kutya kwaMwari kwakawira pamusoro pavanhu, vakauya somunhu mumwe chete. Sauro paakavaunganidza paBhezeki, varume veIsraeri vaisvika mazana matatu ezviuru uye varume veJudha zviuru makumi matatu.
Vakaudza nhume dzakanga dzauya kuti, “Muti kuvarume veJabheshi Gireadhi, ‘Mangwana kana zuva ropisa muchanunurwa.’ ” Nhume padzakaenda dzikandotaura izvi kuvarume veJabheshi, vakafara kwazvo. Vakati kuvaAmoni, “Mangwana tichazvipira kwamuri, uye muchaita kwatiri zvose zvinenge zvakakunakirai.”
Zuva raitevera, Sauro akaisa vanhu vake muzvikwata zvitatu; panguva yemambakwedza vakapinda mumusasa wavaAmoni vakavauraya kusvikira zuva ropisa. Vakararama vakapararira, zvokuti hapana vaviri vavo vakasara vari pamwe chete.
Sauro anosimbiswa saMambo
Ipapo vanhu vakati kuna Samueri, “Ndiani akabvunza achiti, ‘Sauro achatitonga here?’ Uyai navarume ava kwatiri tivauraye.”
Asi Sauro akati, “Hapana munhu achaurayiwa nhasi, nokuti nhasi Jehovha anunura Israeri.”
Zvino Samueri akati kuvanhu, “Uyai tiende kuGirigari tindosimbisa umambo ikoko zvakare.” Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakasimbisa Sauro samambo pamberi paJehovha. Ipapo vakabayira zvipo zvokuwadzana pamberi paJehovha, uye Sauro navaIsraeri vose vakava nokupemberera kukuru.
Mashoko aSamueri oKuoneka
Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu. Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi. Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.”
Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.”
Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.”
Vakati, “Ndiye chapupu.”
Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti. Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu.
“Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino.
“Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa. Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’ Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka.
“Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu. Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu. Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka! Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu.
“Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu! Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.”
Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri.
Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.”
Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose. Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo. Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”
Samueri anotsiura Sauro
Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri.
Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo.
Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!” Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari.
VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni. Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura. Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi.
Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya. Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira. Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa. Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, Sauro akaenda kundomukwazisa.
Samueri akati, “Waiteiko?”
Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti varume vava kupararira, uye kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi, ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.”
Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”
Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu.
VaIsraeri vanoshaya zvombo zvokurwa nazvo
Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi. Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari, rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje.
Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!” Naizvozvo vaIsraeri vose vaidzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko. Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeri13:21 magiramu angaita 8, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri13:21 magiramu angaita 4.
Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.
Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi.
Jonatani anorwisa vaFiristia
Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake.
Sauro aigara nechokumucheto kweGibhea pasi pomuti womutamba muMigironi. Aiva navarume vanokarosvika mazana matanhatu, pakati pavo pana Ahiya, akanga akapfeka efodhi. Akanga ari mwanakomana womukoma waIkabhodhi, Ahitubhi, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEri, muprista waJehovha muShiro. Hapana akaziva kuti Jonatani akanga aenda.
Kumativi ose omupata waida kuyambukwa naJonatani kuti asvike pamusasa wavaFiristia, kwaiva namawere; mamwe ainzi Bhozezi, mamwe achinzi Sene. Mamwe mawere aiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, mamwe ari zasi kwakadziva kuGebha.
Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.”
Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.”
Jonatani akati, “Uya tiyambuke zvino tinange kuvarume ava uye tigorega vatione. Kana vakati kwatiri, ‘Mirai ipapo kusvikira tauya kwamuri,’ ticharamba tiri patiri ipapo uye hatizokwiri kwavari. Asi kana vakati, ‘Uyai kuno kwatiri,’ tichakwidza, nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Jehovha avaisa mumaoko edu.”
Saka vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi ravaFiristia. VaFiristia vakati, “Tarirai! VaHebheru vari kukambaira vachibuda mumakomba avanga vakavanda.” Varume veboka ravarwi vakadanidzira kuna Jonatani nomubati wake nenhumbi dzokurwa vakati, “Kwirai kuno kwatiri tigokudzidzisai chidzidzo.”
Saka Jonatani akati kumubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere; Jehovha avaisa mumaoko avaIsraeri.”
Jonatani akakwira achikambaira namaoko namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa ari mumashure make. VaFiristia vakati rakata rakata kuwa pamberi paJonatani, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatevera achiuraya mumashure make. Pakurwisa kwokutanga, Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri panzvimbo inenge hafu yeeka.
VaIsraeri vanokunda vaFiristia
Ipapo kutya kwakabata varwi vose vakanga vari mumusasa nomuminda, navose vakanga vari mumapoka avarwi navapambi, uye pasi pakadengenyeka. Kwakanga kuri kuvhundutswa kwakanga kwatumwa naMwari.
Nharirire dzaSauro paGibhea muBhenjamini dzakaona varwi vachinyungudika kumativi ose. Ipapo Sauro akati kuvarume vakanga vanaye, “Verengai varwi muone kuti ndivanaani vasipo pakati pedu.” Vakati vadaro vakaona kuti Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa vakanga vasipo.
Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neareka yaMwari.” (Panguva iyoyo vaIsraeri ndivo vakanga vanayo.) Sauro achiri kutaura nomuprista, mhirizhonga yakanyanyisa mumusasa wavaFiristia. Saka Sauro akati kumuprista, “Dzosa ruoko rwako.”
Ipapo Sauro navanhu vake vose vakaungana vakaenda kundorwa. Vakawana vaFiristia vari mumhirizhonga huru, vachibayana mumwe nomumwe neminondo yavo. VaHebheru vaya vakanga vari kuvaFiristia kare uye vakanga vaenda navo kumusasa wavo vakayambuka vakaenda kuvaIsraeri vakanga vana Sauro naJonatani. VaIsraeri vaya vose vakanga vavanda munyika yezvikomo yeEfuremu pavakanzwa kuti vaFiristia vakanga votiza, vakateverawo muhondo vakavadzingirira zvikuru. Saka Jehovha akarwira vaIsraeri pazuva iro, uye hondo yakaenderera mberi ikandopfuura Bheti Avheni.
Jonatani anodya Uchi
Zvino varume veIsraeri vakaziya pazuva iro, nokuti Sauro akanga asunga vanhu nemhiko achiti, “Ngaatukwe munhu anodya zvokudya kusati kwadoka, ndisati ndazvitsivira vavengi vangu!” Saka hakuna munhu pavarwi akaravira chokudya.
Hondo yose yakapinda musango, uye imomo maiva nouchi hwapasi. Vakati vapinda musango, vakaona uchi huchiyerera, asi hakuna akaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vakanga vachitya mhiko. Asi Jonatani akanga asina kunzwa kuti baba vake vakanga vasunga vanhu nemhiko, saka akatambanudza muromo wetsvimbo yakanga iri muruoko rwake akainyika muzinga rouchi. Akasimudzira ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akabengenuka. Ipapo mumwe wavarwi akati kwaari, “Baba vako vasunga varwi nemhiko vachiti, ‘Ngaatukwe munhu upi zvake anodya zvokudya nhasi!’ Ndokusaka vanhu voziya.”
Jonatani akati, “Baba vangu vanetsa nyika. Tarirai muone kuzaruka kwaita meso angu pandaravira chidimbu chouchi uhu. Zvaiva nani sei dai vanhu vanga vadya nhasi zvimwe zvezvakapambwa zvavakatora kuvavengi vavo. Kuurayiwa kwavaFiristia hakwaizova kukuru here?”
Musi iwoyo, shure kwokunge vaIsraeri vauraya vaFiristia kubva paMikimashi kusvika kuAijaroni, vakaneta kwazvo. Vakamhanyira zvakapambwa, uye vakatora makwai, mombe nemhuru, vakazviuraya pasi ipapo uye vakazvidya, pamwe chete neropa razvo. Ipapo mumwe akati kuna Sauro, “Tarirai vanhu vari kutadzira Jehovha nokudya nyama ine ropa.”
Iye akati, “Maputsa kutenda. Kungurutsirai dombo guru kuno uku izvozvi.” Ipapo akati, “Endai pakati pavanhu mugovataurira kuti, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaauye nemombe yake, namakwai uye muzviurayire pano muzvidye. Musatadzira Jehovha muchidya nyama ichine ropa rayo.’ ”
Saka munhu wose akauya nenzombe yake usiku ihwohwo akaiuraya ipapo. Ipapo Sauro akavakira Jehovha aritari; yakanga iri nguva yake yokutanga kuita izvi.
Sauro akati, “Ngatiburukei zasi titevere vaFiristia usiku tindovaparadza kusvikira mambakwedza, uye tirege kusiya kana mumwe wavo ari mupenyu.”
Ivo vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.”
Asi muprista akati, “Ngatibvunzei Mwari pano.”
Saka Sauro akabvunza Mwari akati, “Ndoburuka nditevere vaFiristia here? Muchavaisa mumaoko avaIsraeri here?” Asi Mwari haana kumupindura musi iwoyo.
Naizvozvo Sauro akati, “Uyai pano, imi mose vatungamiri vehondo, Ngatitsvakei chivi chaitwa nhasi. Zvirokwazvo naJehovha, iye akanunura upenyu hwavaIsraeri, kunyange dai ari Jonatani mwanakomana wangu, anofanira kufa.” Asi hapana kana mumwe wavarume akataura shoko.
Ipapo Sauro akati kuvaIsraeri vose, “Imi mirai uko; ini naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno uku.”
Vanhu vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.”
Ipapo Sauro akanyengetera kuna Jehovha, Mwari waIsraeri akati, “Ndipeiwo mhinduro yakarurama.” Ipapo Jonatani naSauro vakabatwa nomujenya, vanhu vakawanikwa vasina mhosva. Sauro akati, “Kandai mujenya pakati pangu nomwanakomana wangu Jonatani.” Ipapo Jonatani akabatwa.
Ipapo Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita.”
Saka Jonatani akati kwaari, “Ndangoravira uchi ushoma nomuromo wetsvimbo yangu. Zvino ndinofanira kufa here?”
Sauro akati, “Mwari ngaandirove, ngaandirove kwazvo, kana iwe Jonatani ukasafa.”
Asi vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani angafanira kufa, iye akaponesa vaIsraeri nokuponesa kukuru kuya? Kwete! Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, hakuna kana bvudzi romusoro wake richawira pasi, nokuti aita izvi nhasi achibatsirwa naMwari.” Saka vanhu vakanunura Jonatani, uye haana kuurayiwa.
Ipapo Sauro akarega kutevera vaFiristia, uye vakadzokera kunyika yavo.
Shure kwokugadzwa kwaSauro ushe pamusoro pavaIsraeri, akarwa navavengi vavo kumativi ose, vaiti: Moabhu, vaAmoni, Edhomu, madzimambo eZobha, navaFiristia. Kwose kwaakatendeukira, akavatambudza. Akarwa noumhare akakunda vaAmereki, akadzikinura vaIsraeri kubva mumaoko avaya vakanga vavapamba.
Mhuri yaSauro
Vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, Ishivhi naMarikishua. Zita romwanasikana wake wedangwe rainzi Merabhi, uye romuduku rainzi Mikari. Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro. Kishi baba vaSauro naNeri baba vaAbhineri vakanga vari vanakomana vaAbhieri.
Pamazuva ose aSauro pakanga pane hondo huru kwazvo navaFiristia, uye Sauro aiti kana akaona munhu ane simba uye akashinga, aimutora omuita murwi wake.
Jehovha anoramba kuti Sauro arambe ari Mambo
Samueri akati kuna Sauro, “Ndini ndakatumwa naJehovha kuti ndizokuzodza kuti uve mambo pamusoro pavanhu vake ivo vaIsraeri; saka teerera zvino kushoko rinobva kuna Jehovha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti. Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’ ”
Saka Sauro akadana vanhu akavaverenga paTeraimi, zviuru mazana maviri zvavarwi vetsoka uye varume vaibva kuJudha zviuru gumi. Sauro akaenda kuguta ravaAmareki akavavandira ari mumupata. Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
Ipapo Sauro akarwisa vaAmareki kubva paHavhira kusvikira kuShuri, kumabvazuva kweIjipiti. Akabata Agagi mambo wavaAmareki ari mupenyu, uye akaparadza chose vanhu vake vose nomunondo. Asi Sauro nehondo yake vakarega Agagi namakwai akanakisisa nemombe, mhuru dzakakora uye namakwayana, zvakanga zvakanaka zvose. Izvi havana kuda kuzviparadza zvachose, asi zvinhu zvose zvakanga zvichizvidzikana uye zvisina simba ndizvo zvavakaparadza zvachose.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.”
Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.”
Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?”
Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nazvo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.”
Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.”
Sauro akati, “Ndiudzei.”
Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri. Uye akakutuma parwendo, achiti, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’ Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?”
Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo. Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”
Asi Samueri akapindura akati,
“Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro
sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here?
Kuteerera kunokunda chibayiro,
uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.
Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka,
uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo.
Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha,
naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”
Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo. Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.”
Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!”
Samueri akati atendeuka kuti abve, Sauro akabata mupendero wenguo yake, ukabvaruka. Samueri akati kwaari, “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe. Iye Kubwinya kwaIsraeri haangarevi nhema kana kushandura pfungwa dzake; nokuti haasi munhu, kuti angashandura pfungwa dzake.”
Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.” Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha.
Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.”
Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”
Asi Samueri akati,
“Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana,
saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.”
Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwidza akaenda kumba kwake paGibhea raSauro. Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.
Samueri anozodza Dhavhidhi
Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.”
Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.”
Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.”
Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Akati asvika kuBheterehema, vakuru vomusha vakadedera pavakasangana naye. Vakamubvunza vakati, “Mauya norugare here?”
Samueri akati, “Hongu, ndauya norugare; ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvinatsei mugoenda neni kuchibayiro.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake akavakoka kuti vauye kuchibayiro.
Vakati vasvika, Samueri akaona Eriabhi akafunga kuti, “Zvirokwazvo muzodziwa waJehovha ndiye amire pano pamberi paJehovha.”
Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”
Ipapo Jese akadana Abhinadhabhi akaita kuti apfuure napamberi paSamueri. Asi Samueri akati, “Jehovha haana kusarudza uyuwo.” Jese akaita kuti Shama apfuure napo, asi Samueri akati, “Nouyu haana kusarudzwa naJehovha.” Jese akaita kuti vanakomana vake vanomwe vapfuure napamberi paSamueri, asi Samueri akati kwaari, “Jehovha haana kusarudza ava.” Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?”
Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.”
Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.”
Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka.
Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.”
Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama.
Dhavhidhi anoshandira Sauro
Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro, uye mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha ukamutambudza.
Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai mweya wakaipa unobva kuna Mwari unokutambudzai. Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.”
Saka Sauro akati kuvaranda vake, “Tsvakai munhu anogona kuridza zvakanaka muuye naye kwandiri.”
Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.”
Ipapo Sauro akatuma nhume kuna Jese akati, “Nditumirewo mwanakomana wako Dhavhidhi, uyo ari kumakwai.” Saka Jese akatora mbongoro akaitakudza chingwa, guchu rewaini nembudzana akazvitumira kuna Sauro naDhavhidhi mwanakomana wake.
Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akapinda kundomushandira. Sauro akamuda kwazvo, uye Dhavhidhi akava mumwe wavatakuri venhumbi dzake dzokurwa. Ipapo Sauro akatuma shoko kuna Jese, achiti, “Tendera Dhavhidhi kuti andishandire, nokuti ndinofadzwa naye.”
Mweya waibva kuna Mwari waiti wasvika pamusoro paSauro, Dhavhidhi aibva atora mbira dzake oridza. Ipapo Sauro aibva anzwa kusununguka; onzwa zviri nani uye mweya wakaipa wobva wamusiya.
Dhavhidhi naGoriati
Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka. Sauro navaIsraeri vakaungana vakadzika musasa mumupata weEra, vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia. VaFiristia vakatora chimwe chikomo, vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata.
Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatu17:4 mamita angaita 3. Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanu17:5 makirogiramu angaita 57 ; pamakumbo ake akanga akapfeka zvidzitiro zvendarira, uye pfumo rendarira rakanga rakarembedzwa kumusana kwake. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki, uye muromo waro wesimbi wakanga uchirema mashekeri mazana matanhatu17:7 makirogiramu angaita 7. Mutakuri wenhoo yake aifamba ari mberi kwake.
Goriati akamira akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handisi muFiristia, uye imi hamusi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri. Kana achigona kurwa uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ndikamukunda ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu uye muchatishandira.” Ipapo muFiristia akati, “Nhasi ndiri kudenha hondo dzavaIsraeri! Ndipei murume kuti tirwe.” Sauro navaIsraeri vose vakati vachinzwa mashoko omuFiristia vakavhunduka uye vakatya.
Zvino Dhavhidhi akanga ari mwanakomana womuEfurata ainzi Jese, uyo akanga achibva kuBheterehema reJudha. Jese akanga ana vanakomana vasere, uye pamazuva aSauro akanga ava mutana, akwegura, ava namakore mazhinji. Vanakomana vaJese vakuru vatatu vakanga vatevera Sauro kuhondo: Wokutanga akanga ari Eriabhi; wechipiri, Abhinadhabhi; uye wechitatu, Shama. Dhavhidhi ndiye akanga ari muduku kuna vose. Vakuru vatatu ava vakatevera Sauro, Asi Dhavhidhi aimbobva kuna Sauro achidzokera kundofudza makwai ababa vake kuBheterehema.
Kwamazuva makumi mana, muFiristia akauya pamberi mangwanani oga oga namadekwana akamira.
Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chitora efa17:17 marita angaita 22 iyi yezviyo zvakakangwa nezvingwa izvi gumi ukurumidze kundopa madzikoma ako kumusasa wavo. Uendewo nezvidimbu izvi zvechizi kumukuru wechiuru. Uone kuti madzikoma ako akadini ugouya neshoko rinobva kwavari. Vari pamwe chete naSauro navarume vose veIsraeri muMupata weEra kwavari kurwa navaFiristia.”
Mangwanani-ngwanani, Dhavhidhi akasiya boka ramakwai rino mufudzi, akarongedza akaenda, sezvaakanga arayirwa naJese. Akasvika pamusasa varwi pavakanga vobuda kuti vaende kunzvimbo dzavo dzokurwira, vachiita ruzha rwehondo, VaIsraeri navaFiristia vakanga vakamira pamitsetse yavo vakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake zvino mutariri wenhumbi, akamhanyira kwakanga kwakamira varwi, akakwazisa madzikoma ake. Paakanga achitaura navo, Goriati, muFiristia, shasha yaibva kuGati, akabuda kubva kumitsetse yokwake akadanidzira achimhura sezvaaisiita, uye Dhavhidhi akazvinzwa. VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru.
Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.”
Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu agobvisa chinyadziso ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?”
Vakadzokorora kwaari zviya zvavakanga vachitaura vakati kwaari, “Ndizvo zvichaitirwa munhu anomuuraya.”
Eriabhi, mukoma mukuru waDhavhidhi, akati achimunzwa achitaura navarume vaya, akamutsamwira zvikuru, akamubvunza akati, “Seiko iwe waburuka ukauya kuno? Ko, makwai mashoma aya waasiya naani kurenje? Ndinoziva manyawi ako nokuipa kwomwoyo wako; waburuka kuno kuti uzoona hondo chete.”
Dhavhidhi akati, “Ko, zvino ndaita sei hangu? Ko, handingatongotauriwo here?” Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo. Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana.
Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.”
Sauro akamupindura akati, “Haungagoni kuenda kundorwa nomuFiristia uyu; iwe uchingori mukomana zvako, uye iye akagara ari munhu wokurwa kubva paujaya hwake.”
Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.”
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.”
Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake.
Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira.
Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa. Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia.
Zvichakadaro, muFiristia, nomutakuri wenhoo yake mberi kwake, vakaramba vachiswedera pedyo naDhavhidhi. Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza. Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri nezvimiti?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi. Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!”
Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.”
MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera nechimviriri akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake.
Saka Dhavhidhi akakunda muFiristia nechimviriri uye nedombo; akauraya muFiristia asina munondo muruoko rwake.
Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo.
VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza. Ipapo varume veIsraeri neveJudha vakaenda mberi vachidanidzira uye vakatevera vaFiristia kusvikira pasuo reGati nokumasuo eEkironi. Vakafa vavo vakati kata kata mumugwagwa weShaaraimi waienda kuGati nokuEkironi. VaIsraeri vakati vadzoka kundodzinganisa vaFiristia, vakapamba musasa wavo. Dhavhidhi akatora musoro womuFiristia akauya nawo kuJerusarema, uye akatora zvombo zvomuFiristia akazviisa mutende rake.
Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?”
Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.”
Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri, mwanakomana waaniko?”
Dhavhidhi akati achangobva kundouraya muFiristia, Abhineri akamutora akamuendesa pamberi paSauro, Dhavhidhi achakangobata musoro womuFiristia.
Sauro akamubvunza akati, “Uri mwanakomana waaniko, nhai mujaya?”
Dhavhidhi akati, “Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese wokuBheterehema.”
Sauro anoitira Dhavhidhi godo
Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake.
Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo.
Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba nziyo dzomufaro, namatambureni nenyere. Pavaitamba, vaiimba vachiti:
“Sauro akauraya zviuru zvamazana ake,
naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.”
Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?” Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo.
Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake, uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose.
Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya. Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo.
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!”
Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?” Saka nguva yakati yasvika yokuti Merabhi, mwanasikana waSauro, apiwe kuna Dhavhidhi, akawaniswa kuna Adhirieri weMehorati.
Zvino Mikari mwanasikana waSauro akanga achida Dhavhidhi, saka vakati vaudza Sauro izvozvo, akafara. Akafunga akati, “Ndichamupa iye kwaari, kuitira kuti agova musungo kwaari uye kuitira kuti zvimwe ruoko rwavaFiristia rungarwe naye.” Saka Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Zvino wava nomukana wechipiri wokuti uve mukuwasha wangu.”
Ipapo Sauro akarayira varanda vake akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muti, ‘Tarira, mambo ari kukufarira, uye varanda vake vose vanokuda; zvino, chiva mukuwasha wake.’ ”
Vakadzokorora mashoko iwaya kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi akati, “Munofunga kuti chinhu chiduku here kuva mukuwasha wamambo? Ndinongori munhu murombo zvake uye asingazivikanwi.”
Varanda vaSauro vakati vamuudza zvakanga zvataurwa naDhavhidhi, Sauro akati, “Muti kuna Dhavhidhi, ‘Mambo haasi kuda rimwezve roora romwenga rinokunda zvikanda zvapamberi zvavaFiristia zana, kuti atsive vavengi vake.’ ” Urongwa hwaSauro hwakanga huri hwokuurayisa Dhavhidhi navaFiristia.
Varanda vakati vataurira Dhavhidhi zvinhu izvi, akafara kuti ave mukuwasha wamambo. Saka nguva yakatarwa isati yapera, Dhavhidhi navanhu vake vakabuda vakauraya mazana maviri avaFiristia. Akauya nezvikanda zvavo zvapamberi akazvipa zvose zvakakwana kuna mambo kuitira kuti zvimwe angava mukuwasha wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake.
Sauro akati aona kuti Jehovha akanga ana Dhavhidhi uye kuti Mikari mwanasikana wake akanga achida Dhavhidhi, Sauro akatonyanya kumutya, uye akaramba ari muvengi wake pamazuva ake ose.
Vakuru vehondo yavaFiristia vakaramba vachienda kundorwa, uye nguva dzose dzavaienda, Dhavhidhi aibudirira kupfuura varanda vose vaSauro, uye zita rake rakazonyanya kuzivikanwa.
Sauro anoedza kuuraya Dhavhidhi
Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani navaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani aida Dhavhidhi zvikuru akamuudza akati, “Baba vangu Sauro vari kutsvaka mukana wokukuuraya. Ungware, mangwana mangwanani; uende undovanda uye ugare ikoko. Ini ndichabuda ndigondomira nababa vangu mumunda maunenge uri. Ndichataura navo pamusoro pako ndigozokuudza zvandinenge ndaona.”
Jonatani akataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake akati kwavari, “Mambo ngaarege kuita zvakaipa kumuranda wake Dhavhidhi; haana kukutadzirai, uye zvaakaita zvakakubatsirai zvikuru kwazvo. Akabata upenyu hwake mumaoko ake paakauraya muFiristia. Jehovha akakundira vaIsraeri vose nokukunda kukuru, uye imi makazviona mukafara. Zvino munoitireiko zvakaipa kumunhu asina mhosva saDhavhidhi nokumuuraya pasina chikonzero?”
Sauro akateerera kuna Jonatani akaita mhiko iyi achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Dhavhidhi haangaurayiwi.”
Saka Jonatani akadana Dhavhidhi sapamazuva akare akamuudza zvose zvavakanga vataurirana. Akauya naye kuna Sauro, uye Dhavhidhi akava naSauro.
Hondo yakavapozve, Dhavhidhi akabuda akaenda akandorwa navaFiristia. Akavauraya nokuuraya kukuru zvokuti vakatiza pamberi pake.
Asi mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha wakauya pamusoro paSauro paakanga agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake. Dhavhidhi paakanga achiridza mbira, Sauro akaedza kumubayira kumadziro nepfumo rake, asi Dhavhidhi akamunzvenga Sauro akabayira pfumo mukati mamadziro. Usiku ihwohwo Dhavhidhi akatiza, akapunyuka.
Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, “Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa.” Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza akapunyuka. Ipapo Mikari akatora chidhori akachiradzika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho.
Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, “Ari kurwara.”
Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, “Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya.” Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye kuti pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi.
Sauro akati kuna Mikari, “Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?”
Mikari akamuudza kuti, “Iye ati kwandiri, ‘Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ ”
Dhavhidhi akati atiza, apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako. Shoko rakasvika kuna Sauro richiti, “Dhavhidhi ari kuNayoti paRama.” Saka akatuma vanhu kundomubata. Asi vakati vaona boka ravaprofita vachiprofita, naSamueri amire ipapo somutungamiri wavo, Mweya waMwari wakauya pamusoro pavanhu vaSauro, naivowo vakaprofita. Sauro akaudzwa nezvazvo, akatumazve vamwe varume, naivowo vakaprofita. Pakupedzisira, iye akaendawo kuRama akaenda kutsime guru rapaSeku. Zvino akabvunza akati, “Samueri naDhavhidhi varipiko?”
Ivo vakati, “Uko kuNayoti paRama.”
Saka Sauro akaenda kuNayoti paRama. Asi Mweya waMwari wakauya kunyange pamusoro pake, akafamba achiprofita kusvikira kuNayoti. Akabvisa nguo dzake akaprofitawo pamberi paSamueri uye akavata pasi akashama zuva rose nousiku hwose. Naizvozvo vanhu vanoti, “NaSaurowo ari pakati pavaprofita here?”
Dhavhidhi naJonatani
Ipapo Dhavhidhi akatiza kubva kuNayoti paRama akaenda kuna Jonatani akamubvunza akati, “Ndaita seiko hangu? Mhosva yangu ndeyei? Baba vako ndavatadzirei, zvavanotsvaka kundiuraya?”
Jonatani akati, “Kwete! Haungatongofi! Tarira, baba vangu havamboiti chimwe chinhu, chikuru kana chiduku, vasingandizivisi. Vangazondivanzira izvi seiko? Hazvisi izvo!”
Asi Dhavhidhi akapa mhiko akati, “Baba vako vanonyatsoziva kuti ndakawana nyasha pamberi pako, uye vakati mumwoyo mavo, ‘Jonatani haafaniri kuziva izvi nokuti angazvidya mwoyo.’ Asi zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwako, panongova nenhambwe imwe chete pakati pangu norufu.”
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Zvose zvaunoda kuti ndikuitire, ndichakuitira.”
Saka Dhavhidhi akati, “Tarira, mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi, uye ndinofanira kudya namambo; asi rega ndiende ndinovanda mumunda kusvikira madekwana okuswera mangwana. Kana baba vako vandishayiwa uvaudze kuti Dhavhidhi akakumbira zvikuru kwauri mvumo kuti ambomhanyira kuBheterehema, iro guta rokwake, nokuti chibayiro chegore rimwe nerimwe chiri kugadzirirwa mhuri yose ikoko. Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ipapo woziva kuti muranda wako ane rugare. Asi kana vakashatirwa, uchaziva chokwadi kuti vari kufunga zvokundiuraya. Asi kana uriwe, itira muranda wako zvakanaka, nokuti akaita sungano newe pamberi paJehovha. Kana ndine mhosva, ndiuraye iwe pachako! Ungandiendesereiko kuna baba vako?”
Jonatani akati, “Kwete! Dai ndaiziva kuti baba vangu vakafunga kukuuraya, handaikuudza here?”
Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndianiko achazondiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?”
Jonatani akati, “Uya, tiende kumunda.” Saka vakaenda ikoko pamwe chete.
Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi “NaJehovha, iye Mwari weIsraeri, zvirokwazvo ndichabvunzisisa baba vangu nenguva ino kuswera mangwana! Kana ndikaona kuti vanokufarira, ko, handingakutumiri shoko ndikazokuzivisa here? Asi kana baba vangu vachida kukuuraya, Jehovha ngaandirove, zvinorwadza kwazvo, kana ndikasakuzivisa uye ndikasakuendesa norugare. Jehovha ngaave newe sezvaakanga akaita kuna baba vangu. Asi iwe undiitire tsitsi dzisingaperi dzakafanana nedzaJehovha ndichiri mupenyu kudai kuti ndirege kuurayiwa, uye usambobvisa tsitsi dzako kumhuri yangu, kunyange Jehovha achinge auraya vavengi vaDhavhidhi vose pamusoro penyika.”
Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha ngaaite kuti vavengi vaDhavhidhi vapiwe mhosva.” Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apikezve mhiko yorudo rwake kwaari, nokuti aimuda sokuzvida kwaaizviita iye.
Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi. Iwe uchashayikwa, nokuti chigaro chako chichange chisina munhu. Kuswera mangwana, kwavira, uende kunzvimbo yawakanga wakavanda pakatanga dambudziko iri, ugomira padombo reEzeri. Ndichapfura miseve mitatu kurutivi rwayo, sokunge ndine pandakananga kupfura. Ipapo ndichatuma mukomana ndigoti, ‘Enda undotsvaka miseve,’ Kana ndikati kwaari, ‘Tarira, miseve iri kurutivi rwako urwu; uya nayo kuno,’ ipapo uuye, nokuti zvirokwazvo naJehovha mupenyu, rugare rwuri kwauri; hapana njodzi. Asi kana ndikati kumukomana, ‘Tarira, miseve iri mberi kwako,’ ipapo unofanira kuenda hako, nokuti Jehovha akuendesa kure. Uye pamusoro penyaya yatakurukura iwe neni, rangarira, Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni nokusingaperi.”
Saka Dhavhidhi akavanda mumunda, uye mutambo woKugara kwoMwedzi wakati wasvika, mambo akagara pasi kuti adye. Akagara panzvimbo yake yamazuva ose pamadziro, pakatarisana naJonatani, uye Abhineri akagara parutivi paSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro haana kutaura chinhu pazuva iroro, nokuti akati mumwoyo make, “Panofanira kuva nezvaitika kuna Dhavhidhi zvaita kuti ave asina kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.” Asi pazuva rakatevera, iro zuva rechipiri romwedzi, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu zvakare. Ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, “Seiko mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya zuro nanhasi?”
Jonatani akapindura achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti aende kuBheterehema. Akati, ‘Nditenderewo hangu ndiende nokuti mhuri yokwangu iri kucherechedza chibayiro muguta uye madzikoma angu akarayira kuti ndivepo. Kana ndawana nyasha kwauri, rega ndiende hangu ndinoonana namadzikoma angu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.”
Kutsamwa kwaSauro kwakanganduma nokuda kwaJonatani, akati kwaari, “Iwe mwanakomana womukadzi akatsauka uye anomukira! Unoti handizivi kanhi kuti unowirirana nomwanakomana waJese kuti uzvinyadzise, iwe uyewo kuti mai vako vakakubereka vanyadziswe. Kana mwanakomana waJese achirarama panyika ino chete, iwe kana umambo hwako haungasimbiswi. Iye zvino tuma munhu auye naye kwandiri, nokuti anofanira kufa!”
Jonatani akabvunza baba vake akati, “Sei achifanira kuurayiwa? Chiiko chaakaita?” Asi Sauro akapotsera pfumo rake kwaari kuti amuuraye. Ipapo Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vachida kuuraya Dhavhidhi.
Jonatani akakwakuka patafura nokutsamwa kukuru; pazuva rechipiri iroro romwedzi haana kudya, nokuti akanga akatsamwira baba vake nokuda kwamabatiro anonyadza avakanga vaita Dhavhidhi.
Fume mangwana, Jonatani akaenda kumunda kuti andosangana naDhavhidhi. Akanga ano mukomana muduku pamwe chete naye, akati kumukomana, “Mhanya undotsvaka miseve yandichapfura.” Mukomana achiri kumhanya, iye akapotsera museve mberi kwake. Mukomana akati asvika panzvimbo yakawira museve waJonatani, Jonatani akadanidzira kwaari akati, “Ko, museve hauzi mberi kwako here?” Ipapo akadanidzira kwaari akati, “Kurumidza! Enda nokukasika! Usamira!” Mukomana akanonga museve akadzokera kuna tenzi wake. (Mukomana haana chaakaziva pane zvose izvi; Jonatani naDhavhidhi chete, ndivo vaiziva.) Ipapo Jonatani akapa zvombo zvake kumukomana akati, “Chienda, takura udzokere nazvo kuguta.”
Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema.
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ ” Ipapo Dhavhidhi akabva, Jonatani akadzokerawo muguta.
Dhavhidhi paNobhi
Dhavhidhi akaenda kuNobhi, kuna Ahimereki muprista. Ahimereki akadedera paakasangana naye, akati, “Seiko uri woga? Sei pasina wawauya naye?”
Dhavhidhi akapindura Ahimereki muprista akati, “Mambo akandirayira rimwe shoko akati kwandiri, ‘Hapana anofanira kuziva kana chinhu pamusoro pezvawafambira uye zvawarayirwa.’ Asi kana vari vanhu vangu, ndakavataurira kuti vasangane neni pane imwe nzvimbo. Pari zvino chiiko chamunacho pano? Ndipeiwo zvingwa zvishanu, kana chipi zvacho chamungawana.”
Asi muprista akapindura Dhavhidhi akati, “Handina chingwa zvachowo pano; asi pano pane chingwa chakatsaurwa, ndokunge vanhu vakazvichengeta kubva kuvakadzi.”
Dhavhidhi akati, “Zvirokwazvo vakadzi vanga vakaparadzaniswa nesu, sapanguva dzose kana ndofamba rwendo. Midziyo yavo mitsvene kunyange dai rwanga rwuri rwendo rusati rwuri rutsvene. Ko, kutoti hazvo iye nhasi!” Saka muprista akamupa chingwa chakatsaurwa, sezvo pakanga pasina chingwa kunze kwechingwa choKuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha uye chikatsiviwa nechingwa chinopisa musi iwoyo wachakabviswa.
Zvino mumwe wavaranda vaSauro akanga aripo pazuva iro, amiswa pamberi paJehovha; akanga ari Dhoegi muEdhomu, mufudzi mukuru waSauro.
Dhavhidhi akabvunza Ahimereki akati, “Hamuna pfumo kana munondo pano here? Handina kuuya nomunondo wangu kana chimwe chombo zvacho, nokuti basa ramambo ranga riri rokukurumidza.”
Muprista akapindura akati, “Munondo waGoriati muFiristia, uya wawakauraya muMupata weEra, uri pano; wakaputirwa mumucheka seri kweefodhi; kana uchiuda, tora hako; hapana munondo pano kunze kwaiwoyo.” Dhavhidhi akati, “Hakuna mumwe wakafanana nawo; ndipei iwoyo.”
Dhavhidhi paGati
Musi iwoyo Dhavhidhi akatiza Sauro akaenda kuna Akishi mambo weGati. Asi varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Ko, haazi iye wavanoimba nezvake vachifamba, vachiti:
“ ‘Sauro akauraya zviuru zvamazana ake,
uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake’?”
Dhavhidhi akaisa mashoko aya mumwoyo make uye akatya Akishi mambo weGati zvikuru. Saka akazviita benzi pamberi pavo; uye paakanga ari mumaoko avo akazviita somunhu anopenga, achikwara-kwara pamakonhi esuo uye achirega mate achisiririkira pandebvu dzake.
Akishi akati kuvaranda vake, “Tarisai munhu uyu! Ibenzi iri! Mauyirei naye kwandiri? Ndashaya mapenzi zvakambodiniko zvamabva mandivigira munhu uyu kuti arambe achiita izvozvi pamberi pangu? Murume uyu angafanira kupinda mumba mangu here?”
Dhavhidhi paAdhuramu napaMizipa
Dhavhidhi akabva kuGati akatizira kubako reAdhurami. Hama dzake uye neveimba yababa vake vakazvinzwa, vakaburuka vakaenda ikoko kwaakanga ari. Vose vaitambudzika kana kuti vaiva nezvikwereti, kana vainyunyuta vakaungana kwaari uye akava mutungamiri wavo. Varume vanenge mazana mana vakanga vanaye.
Kubva ipapo Dhavhidhi akaenda kuMizipa muMoabhu akati kuna mambo weMoabhu, “Ungatendera here baba vangu namai vangu kuti vauye kuzogara newe kusvikira ndaziva zvandichaitirwa naMwari?” Saka akavasiya kuna mambo weMoabhu, ivo vakagara naye nguva yose yakagara Dhavhidhi munhare.
Asi muprofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi, “Usagara munhare. Enda kunyika yeJudha.” Saka Dhavhidhi akabva akaenda kusango reHereti.
Sauro anouraya Vaprista veNobhi
Zvino Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi navanhu vake vakanga vawanikwa. Uye Sauro akanga akabata pfumo muruoko rwake, akagara pasi pomuti womutamarisiki pachikomo cheGibhea, uye vabati vake vose vakamira vakamupoteredza. Sauro akati kwavari, “Inzwai, imi varume veBhenjamini! Ko, mwanakomana waJese achakupai imi mose minda neminda yemizambiringa here? Ko, achakuitai imi mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here? Ndizvo here zvaita kuti imi mose murangane kundimukira? Hakuna anondiudza nguva inoita mwanakomana wangu sungano nomwanakomana waJese. Hakuna kana mumwe wenyu ane hanya neni kana anondizivisa kuti mwanakomana wangu akarunzira muranda wangu kuti andivandire, sezvaanoita nhasi.”
Asi Dhoegi muEdhomu, uyo akanga amire navaranda vaSauro, akati, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kumba kwaAhimereki mwanakomana waAhitubhi paNobhi. Ahimereki akamubvunzira kuna Jehovha; akamupazve mbuva uye nomunondo waGoriati muFiristia.”
Ipapo mambo akatuma nhume kumuprista Ahimereki mwanakomana waAhitubhi uye nokumhuri yose yababa vake, avo vakanga vari vaprista paNobhi, vose vakauya kuna mambo. Sauro akati, “Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubhi.”
Akapindura akati, “Ndiri pano, ishe wangu.”
Sauro akati kwaari, “Seiko mandirangana, iwe nomwanakomana waJese, uchimupa chingwa nomunondo uye nokumubvunzira kuna Mwari, zvokuti andimukira uye anondivandira, sezvaanoita nhasi?”
Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose akatendeka saDhavhidhi, mukuwasha wamambo, mukuru wavarindi venyu uye anokudzwa kwazvo mumba menyu? Ko, ndiro rakanga riri zuva rokutanga here randakamubvunzira kuna Mwari? Zvirokwazvo kwete! Mambo ngaarege kupa mhosva muranda wenyu kana mumwe upi zvake wemhuri yababa vake, nokuti muranda wenyu haana kana chaanoziva pamusoro penyaya iyi yose.”
Asi mambo akati, “Zvirokwazvo uchafa, Ahimereki, iwe nemhuri yose yababa vako.”
Ipapo mambo akarayira varindi vaiva padivi pake akati, “Tendeukai muuraye vaprista vaJehovha, nokuti naivowo vatsigira Dhavhidhi. Vaiziva kuti akanga achitiza, asi havana kundiudza.”
Asi varanda vamambo vakanga vasingadi kusimudza ruoko kuti vauraye vaprista vaJehovha.
Ipapo mambo akarayira Dhoegi akati, “Iwe, tendeuka uuraye vaprista.” Saka Dhoegi muEdhomu akatendeuka akavauraya. Pazuva iroro akauraya varume makumi masere navashanu vakanga vakapfeka efodhi yomucheka. Akaparadzawo Nobhi, guta ravaprista, navarume varo navakadzi, navana navacheche, nemombe dzaro, mbongoro namakwai.
Asi Abhiatari, mwanakomana waAhimereki, mwanakomana waAhitubhi, akapunyuka akatiza akandobatana naDhavhidhi. Akaudza Dhavhidhi kuti Sauro akanga auraya vaprista vaJehovha. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari “Zuva riya, Dhoegi muEdhomu paakanga aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo aizoudza Sauro. Ndini ndaurayisa baba vako nemhuri yavo yose. Gara neni; usatya; munhu ari kutsvaka mweya wako anotsvaka nowanguwo. Uchagara wakachengetedzeka kana uneni.”
Dhavhidhi anoponesa Guta reKeira
Dhavhidhi akati audzwa kuti, “Tarirai, vaFiristia vari kurwa neKeira uye vari kupamba zvirimwa pamapuriro,” akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwa navaFiristia ava?”
Jehovha akamupindura akati, “Enda, urwise vaFiristia ugoponesa Keira.”
Asi vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Isu vokuno kuJudha tinotya. Zvino, zvikuru sei kana tikaenda kuKeira kundorwa navarwi vavaFiristia!”
Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha, Jehovha akamupindura akati, “Buruka uende kuKeira, nokuti ndichaisa vaFiristia muruoko rwako.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kuKeira, vakarwa navaFiristia uye akavatorera zvipfuwo zvavo. Akauraya vaFiristia vakawanda kwazvo akaponesa vanhu vokuKeira. (Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki akanga auya neefodhi paakatiza achidzika kuna Dhavhidhi kuKeira.)
Sauro anotevera Dhavhidhi
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi akanga aenda kuKeira, ndokuti, “Mwari amuisa muruoko rwangu, nokuti Dhavhidhi azvipfigira zvaapinda muguta rina masuo namazariro.” Uye Sauro akadana varwi vake vose kuhondo, kuti vaburuke vaende kuKeira kundokomba Dhavhidhi navanhu vake.
Dhavhidhi akati anzwa kuti Sauro akanga ari kuita rangano yakaipa pamusoro pake, akati kuna Abhiatari muprista, “Uya neefodhi.” Dhavhidhi akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu anzwa zvechokwadi kuti Sauro ari kuronga kuti auye kuKeira kuti aparadze guta iri nokuda kwangu. Ko, vanhu veKeira vachandiisa kwaari here? Ko, Sauro achaburuka here, sokunzwa kwaita muranda wenyu? Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, zivisai muranda wenyu.”
Uye Jehovha akati, “Achauya.”
Dhavhidhi akatizve, “Ko, vanhu veKeira vachaisa ini navanhu vangu kuna Sauro here?”
Uye Jehovha akati, “Vachaita saizvozvo.”
Saka Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu pakuwanda, vakabva kuKeira vakaramba vachifamba vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe nzvimbo. Sauro akati audzwa kuti Dhavhidhi akanga apunyuka kubva paKeira, haana kuzoendako.
Dhavhidhi akagara munhare dzomurenje uye nomuzvikomo zvomuRenje reZifi. Zuva nezuva Sauro akamutsvaka, asi Mwari haana kuisa Dhavhidhi mumaoko ake.
Dhavhidhi paakanga ari paHoreshi muRenje reZifi, akanzwa kuti Sauro akanga auya kuzomuuraya. Uye Jonatani mwanakomana waSauro akaenda kuna Dhavhidhi paHoreshi akamubatsira kuti awane simba muna Mwari. Akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.” Vaviri ava vakaita sungano pamberi paJehovha. Ipapo Jonatani akaenda kumba asi Dhavhidhi akasara paHoreshi.
VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda here pakati pedu munhare yapaHoreshi, pachikomo cheHakira, zasi kweJeshimoni? Zvino, imi mambo, burukai pamunodira kuita izvozvo, uye richava basa redu isu kumuisa kwamuri imi mambo.”
Sauro akapindura akati, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuda kwehanya yamunayo pamusoro pangu. Endai mundonyatsogadzirira. Mutsvakisise muone kunogaroenda Dhavhidhi uye kuti ndiani akamuonako. Ivo vanondiudza kuti iye munhu ano unyengeri kwazvo. Mutsvakisisei pamusoro penzvimbo dzose dzokuvanda dzaanovanda mugodzoka kwandiri neshoko rakananga. Ipapo ndichaenda nemi; kana ari munharaunda, ndichamutsvakisisa pakati pedzimba dzaJudha.”
Saka vakasimuka vakaenda kuZifi pamberi paSauro. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari muRenje reMaoni, muArabha zasi kweJeshimoni. Sauro navanhu vake vakatanga kutsvaka, uye Dhavhidhi akati azvinzwa akaburuka akaenda kune rimwe dombo uye akagara muRenje reMaoni. Sauro akati anzwa izvi, akaenda kuRenje reMaoni achitevera Dhavhidhi.
Sauro akaenda ari kuno rumwe rutivi rwegomo, uye Dhavhidhi navanhu vake vakaenda nokuno rumwe rutivi, vachikurumidza kuti vatize kubva kuna Sauro. Sauro navarwi vake paakanga ava pedyo naDhavhidhi navanhu vake kuti avabate, nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Uyai nokukurumidza! VaFiristia vava kupamba nyika.” Ipapo Sauro akarega kudzinganisa Dhavhidhi akaenda kundosangana navaFiristia. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyi kuti Sera Hamarekoti. Zvino Dhavhidhi akakwidza kubva ipapo akandogara munhare dzeEni Gedhi.
Dhavhidhi anorega kuuraya Sauro
Shure kwokudzoka kwaSauro kundodzinganisa vaFiristia, akaudzwa kuti, “Dhavhidhi ari muRenje reEni Gedhi.” Saka Sauro akatora zviuru zvavarume vakatsaurwa kubva muIsraeri yose akasimuka akaenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pedyo naMatombo eNgururu.
Akasvika pamatanga amakwai munzira iyoyo; pakanga pane bako, uye Sauro akapindamo kuti azorore. Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari mukati kati mebako. Vanhu vakati, “Iri ndiro zuva rakataurwa naJehovha paakati kwamuri, ‘Ndichaisa vavengi vako mumaoko ako kuti uvaitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akakambaira chinyararire asingaonekwi akacheka kona yenguo yaSauro.
Shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarohwa nehana nokuda kwokuti akanga acheka kona yenguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.” Namashoko aya Dhavhidhi akatsiura vanhu vake akasavatendera kuti varwise Sauro. Zvino Sauro akabva pabako akaenda hake.
Ipapo Dhavhidhi akabuda mubako akadanidzira kuna Sauro achiti, “Ishe wangu mambo!” Sauro akati acheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso chake. Akati kuna Sauro, “Sei muchiteerera vanhu pavanoti, ‘Dhavhidhi anotsvaka kukukuvadzai?’ Nhasi mazvionera nameso enyu kuti Jehovha akuisai sei mumaoko angu muri mubako. Vamwe vandikurudzira kuti ndikuurayei, asi ndakuregererai, ndikati, ‘Handingasimudzi ruoko rwangu pamusoro patenzi wangu, nokuti ndiye muzodziwa waJehovha.’ Tarirai, baba vangu, tarirai benga renguo yenyu riri muruoko rwangu! Ndacheka kona yenguo yenyu asi handina kukuurayai. Zvino chinzwisisai muzive kuti handina mhosva yokukuitirai zvakaipa kana kukumukirai. Handina kukutadzirai, asi imi muri kundivhima kuti mundiuraye. Jehovha ngaatonge pakati penyu nemi. Uye Jehovha ngaatsive zvakaipa zvamakaita kwandiri, asi ruoko rwangu harungarwi nemi. Sezvinoreva tsumo yekare ichiti, ‘Kuno wakaipa kunobuda mabasa akaipa,’ saizvozvo ruoko rwangu harungarwi nemi.
“Ko, mambo waIsraeri akabuda kuzorwa naaniko? Ndianiko wamunodzinganisa? Imbwa yakafa here? Nhata here? Jehovha ngaave mutongi wedu uye aone pakati penyu neni. Ngaatsvake mhaka yangu aiwane; ngaandiruramisire nokundirwira kubva muruoko rwenyu.”
Dhavhidhi akati apedza kutaura mashoko aya, Sauro akabvunza akati, “Inzwi rako here, Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Ipapo akachema kwazvo. Akati, “Iwe wakarurama kupfuureni. Iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa. Uchangobva kundirondedzera iye zvino zvakanaka zvawakandiitira; Jehovha akandiisa mumaoko ako, asi hauna kundiuraya. Kana munhu akawanikidza muvengi wake angamurega achienda asina vanga here? Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira. Ndinoziva zvirokwazvo kuti iwe uchava mambo uye umambo hweIsraeri huchasimbiswa mumaoko ako. Zvino pika kwandiri naJehovha kuti iwe hauchazoparadzi zvizvarwa zvangu kana kuparadza zita rangu kubva pamhuri yababa vangu.”
Saka Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Ipapo Sauro akadzokera kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.
Dhavhidhi, Nabhari naAbhigairi
Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama.
Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni. Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, aakanga achiveura paKarimeri. Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake.
Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake. Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu. Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose!
“ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika. Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ”
Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira.
Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya. Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?”
Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.
Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka. Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu. Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo. Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.”
Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanu25:18 marita angaita 37 zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro. Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo. Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka. Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!”
Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi. Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu. Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu.
“Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye napakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari. Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai. Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose. Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri. Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuti ave mutungamiri weIsraeri, tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.”
Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, akutuma nhasi kuti uzosangana neni. Uropafadzwe iwe nokuda kwokungwara kwako kwakanaka uye nokundiita kuti ndisateura ropa nhasi uye kuti ndisazvitsivira namaoko angu. Zvirokwazvo naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye andidzivisa kuti ndirege kukuuraya, zvimwe dai usina kukurumidza kusangana neni, hakuna murume pakati pavanhu vaNabhari anga achasiyiwa ari mupenyu mangwana chaiwo kuchiedza.”
Ipapo Dhavhidhi akagamuchira kubva muruoko rwake zvaakanga amuvigira akati, “Enda kumba norugare. Ndanzwa mashoko ako uye nechikumbiro chako.”
Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana. Ipapo mangwanani, Nabhari paakanga asina kudhakwa, mukadzi wake akamuudza zvinhu zvose izvi, mwoyo wake ukaneta uye ukaita sedombo. Shure kwamazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari akafa.
Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.”
Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake. Varanda vake vakaenda kuKarimeri vakati kuna Abhigairi, “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei kuti muve mukadzi wake.”
Akakotamisa chiso chake pasi akati, “Houno murandakadzi wenyu, akazvigadzirira kukushumirai nokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” Abhigairi akakurumidza kutasva mbongoro akaenda navarandakadzi vake vashanu, vakaenda nenhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi waDhavhidhi. Dhavhidhi akanga awanazve Ahinoami muJezireeri, uye vose vakava vakadzi vake. Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi, akanga achibva kuGarimi.
Dhavhidhi anoregazve kuuraya Sauro
VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?”
Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko. Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo, akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo.
Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.
Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, mununʼuna waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?”
Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”
Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza.
Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.”
Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva? Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa. Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.”
Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru.
Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo. Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?”
Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?”
Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo. Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?”
Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?”
Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.” Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko? Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’ Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.”
Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.”
Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora. Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha. Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.”
Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.”
Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha.
Dhavhidhi pakati pavaFiristia
Asi Dhavhidhi akafunga mumwoyo make, akati, “Rimwe ramazuva ano ndichaparadzwa noruoko rwaSauro. Chinhu chiri nani chandingaita ndechokutizira kunyika yavaFiristia. Ipapo Sauro acharega kunditsvaka muIsraeri yose, uye ndichapukunyuka muruoko rwake.”
Saka Dhavhidhi akabva navarume mazana matanhatu vakanga vanaye akaenda kuna Akishi mwanakomana waMaoki mambo weGati. Dhavhidhi navanhu vake vakandogara muGati naAkishi. Murume mumwe nomumwe akanga ane mhuri yake, uye Dhavhidhi akanga ana vakadzi vake vaviri vanoti: Ahinoami weJezireeri naAbhigairi weKarimeri, chirikadzi yaNabhari. Sauro akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga atizira kuGati, haana kuzomutsvakazve.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, regai ndipiwe hangu nzvimbo mune rimwe ramaguta omunyika kuti ndigareko. Muranda wenyu angagara seiko muguta ramambo nemi?”
Saka musi iwoyo, Akishi akamupa Zikiragi, uye rikava guta ramadzimambo eJudha kusvikira nhasi. Dhavhidhi akagara munyika yavaFiristia kwegore nemwedzi mina.
Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakaenda vakandopamba vaGeshuri, vaGeziri, navaAmareki. (Kubva kare vanhu ava vakanga vachigara munyika yaisvika kuShuri neIjipiti.) Dhavhidhi aiti akarwisa nzvimbo, akanga asingasiyi murume kana mukadzi ari mupenyu, asi aitora makwai nemombe, mbongoro, nengamera, nenguo. Ipapo akadzokera kuna Akishi.
Akishi aiti amubvunza kuti, “Wanga waenda kundopamba kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Kurutivi rweZasi kweJudha kana kuti kurutivi rweZasi kweJerameeri kana kuti kurutivi rweZasi kweKeni.” Haana kusiya murume kana mukadzi ari mupenyu kuti auye navo kuGati, nokuti akafunga mumwoyo make kuti, “Vangazotirevera vachiti, ‘Izvi ndizvo zvaitwa naDhavhidhi.’ ” Uye aya ndiwo akanga ari maitiro ake pakugara kwake kwose munyika yavaFiristia. Akishi akavimba naDhavhidhi akati mumwoyo make, “Ava munhu anovengwa kwazvo navanhu vokwake, ivo vaIsraeri, zvokuti achava muranda wangu nokusingaperi.”
Sauro noMuvuki weEndori
Mumazuva iwayo vaFiristia vakaunganidza varwi vavo kuti vazorwa navaIsraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Unofanira kunzwisisa kuti iwe navanhu vako muchaenda neni kuhondo.”
Dhavhidhi akati, “Ipapo muchazvionera pachenyu zvinogona kuitwa nomuranda wenyu.”
Akishi akapindura akati, “Zvakanaka chaizvo, ndichakuita muchengeti wangu kwoupenyu hwose.”
Zvino Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vose vakanga vamuchema, vakamuviga muguta rake reRama. Sauro akanga adzinga panyika masvikiro navavuki.
VaFiristia vakaungana vakauya vakadzika musasa paShunemi, uye Sauro akaunganidza vaIsraeri vose akadzika musasa paGiribhoa. Sauro akati aona varwi vavaFiristia, akatya; kutya kwakazadza mwoyo wake. Akabvunza kuna Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura nezviroto kana neUrimi kana navaprofita. Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa, kuti ndiende kundobvunza kwaari.”
Ivo vakati, “Kuno mumwe ari paEndori.”
Saka Sauro akazvivanza akafuka dzimwe nguo, akaenda iye navamwe varume vaviri kumukadzi uyu usiku. Akati kwaari, “Ndibvunzire mweya, ugondimutsirawo uyo wandichakuudza.”
Asi mukadzi akati kwaari, “Zvirokwazvo unoziva iwe zvakaitwa naSauro. Akauraya masvikiro navavuki kubva panyika. Ko, waisirei musungo muupenyu hwangu kuti undiurayise?”
Sauro akamupikira naJehovha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, haungazorangwi pamusoro paizvozvi.”
Ipapo mukadzi akabvunza akati, “Ndianiko wandichakumutsira?”
Iye akati, “Ndimutsire Samueri.”
Mukadzi akati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru akati kuna Sauro, “Seiko mandinyengera? Ndimi Sauro!”
Mambo akati kwaari, “Usatya. Uri kuoneiko?”
Mukadzi akati, “Ndinoona mweya uchikwira uchibuda pasi.”
Iye akati, “Akaita seiko?”
Akati, “Murume mutana akafuka nguo ari kuuya.”
Ipapo Sauro akaziva kuti akanga ari Samueri, akakotamira pasi nechiso chake.
Samueri akati kuna Sauro, “Seiko wanditambudza nokundimutsa?”
Sauro akati, “Ndiri kutambudzika zvikuru. VaFiristia vari kurwa neni, uye Mwari abva kwandiri. Haachandipinduri, navaprofita kana nokurota. Saka ndakudanai imi kuti muzondiudza zvokuita.”
Samueri akati, “Unondibvunzireiko ini, sezvo zvino Jehovha akabva kwauri akava muvengi wako? Jehovha akaita zvaakataura kare kubudikidza neni. Jehovha akabvarura umambo akahubvisa mumaoko ako akahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna Dhavhidhi. Nokuti hauna kuteerera Jehovha, kana kuratidza hasha dzake dzinotyisa pamusoro peAmareki, Jehovha azviita izvi nhasi kwauri. Jehovha achaisa vaIsraeri pamwe chete newe kuvaFiristia, uye mangwana iwe navanakomana vako muchava neni. Jehovha achaisazve hondo yavaIsraeri kuvaFiristia.”
Pakarepo Sauro akawira pasi akazvambarara, azara nokutya nokuda kwamashoko aSamueri. Simba rake rakapera, nokuti akanga asina chaakanga adya zuva rose nousiku hwose.
Mukadzi paakaenda pana Sauro akaona kuti akanga avhundutswa kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu akakuteererai. Ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikaita zvamakandiudza kuti ndiite. Zvino, ndapota teererai muranda wenyu, regai ndikupei zvokudya kuti mudye mugowana simba rokufamba parwendo rwenyu.”
Iye akaramba akati, “Handidi kudya.”
Asi vanhu vake vakabatsirana nomukadzi pakumugombedzera, uye akavanzwa. Akasimuka akagara panhoo.
Mukadzi akanga ane mhuru yakakodzwa pamba pake, uye akaiuraya pakarepo. Akatora upfu hwegorosi akahukanya akabika chingwa chisina mbiriso. Ipapo akazviisa pamberi paSauro navanhu vake, ivo vakadya. Usiku ihwohwo vakasimuka vakaenda.
Akishi anodzosera Dhavhidhi kuZikiragi
VaFiristia vakaunganidza varwi vavo paAfeki, uye vaIsraeri vakadzika musasa patsime raiva paJezireeri. Vatongi vavaFiristia pavaifamba namapoka avo amazana mazana uye ezviuru zviuru, Dhavhidhi navanhu vake vaifamba vari mushure maAkishi. Vakuru vehondo yavaFiristia vakabvunza vakati, “Ko, vaHebheru ava vanodei?”
Akishi akapindura akati, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi, akanga ari muchinda waSauro mambo weIsraeri here? Anga agere neni kwenguva inopfuura gore, uye kubva pazuva raakabva kuna Sauro kusvikira zvino, handina kuwana chakaipa maari.”
Asi vakuru vehondo yavaFiristia vakamutsamwira vakati, “Dzosai munhu uyu kwakare, kuti adzokere kunzvimbo yamakamurayira kuti agare. Haafaniri kuenda nesu kuhondo kuitira kuti arege kutipindukira tiri pakurwa. Zvingava nani kwaari kuti awane nyasha kuna tenzi wake ndezvipiko, hakusi kuti agure misoro yavanhu vedu here? Ko, uyu handiye Dhavhidhi wavakaimba pamusoro pake vachitamba vachiti:
“ ‘Sauro akauraya zviuru zvake,
uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”
Saka Akishi akadana Dhavhidhi akati kwaari, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe wanga wakavimbika, uye ini ndaifara kuti iwe ushande neni muhondo. Kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira iye zvino, handina kuwana chakaipa mauri, asi madzishe haabvumirani newe. Chidzoka hako kwakare norugare; urege kuita chinhu chisingafadzi madzishe avaFiristia.”
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Asi ndaiteiko hangu? Makawaneiko chakaipa kumuranda wenyu kubva pazuva randakasvika kwamuri kusvikira zvino? Ndinoregereiko kundorwa navavengi vashe wangu mambo?”
Akishi akati, “Ndinoziva kuti wanga uchifadza pamberi pangu somutumwa waMwari; asi zvazvo, vakuru vehondo yavaFiristia vati, ‘Iye haafaniri kuenda nesu kuhondo.’ Zvino muka mangwanani-ngwanani, pamwe chete navaranda vatenzi wako avo vakauya newe, ugobva achiri mangwanani pakunotanga kuchena.”
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani kuti vadzokere kunyika yavaFiristia, uye vaFiristia vakakwidza kuJezireeri.
Dhavhidhi anoparadza vaAmareki
Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa, uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo.
Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa. Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema. Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirewo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari, ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?”
Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”
Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo, nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera.
Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye, chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu.
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?”
Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura. Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.”
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.”
Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.”
Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha. Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri. Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose. Akatora makwai ose nemombe dzose, uye vanhu vake vakazvitinha mberi kwezvimwe zvipfuwo, achiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.”
Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa. Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.”
Dhavhidhi akati, “Kwete hama dzangu, hamufaniri kuita izvozvo pane zvatakapiwa naJehovha. Ndiye akatidzivirira akaisa mumaoko edu varwi vakauya kuzorwa nesu. Ndianiko achateerera kune zvamunoreva? Mugove womunhu akasara achichengeta nhumbi unofanira kuva wakaenzana nowouyo akaenda kuhondo.” Dhavhidhi akaita izvi kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsraeri kubva pazuva iroro kusvikira nhasi.
Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.”
Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri; kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni; kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake.
Sauro anozviuraya
Zvino vaFiristia vakarwa navaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, uye vazhinji vakawira pasi vaurayiwa paGomo reGiribhoa. VaFiristia vakasimbirira kwazvo kuteverera Sauro navanakomana vake, uye vakauraya vanakomana vake, Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua. Hondo yakapisa pakanga pana Sauro, uye vapfuri vouta vakati vasvika pedyo naye, vakamukuvadza zvakaipisisa.
Sauro akati kune aibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakandibaya uye vakandidadira.”
Asi mubati wenhumbi dzake akatya akasazviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri. Mubati wenhumbi dzake dzokurwa akati aona kuti Sauro afa, iyewo akawira pamunondo wake akafa. Saka Sauro navanakomana vake vatatu nomubati wenhumbi dzake dzokurwa uye navanhu vake vose vakafa pamwe chete pazuva iroro.
VaIsraeri vaiva mumupata navose vaiva mhiri kweJorodhani vakati vaona kuti hondo yavaIsraeri yakanga yatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Saka vaFiristia vakauya vakagaramo.
Fume mangwana, vaFiristia vakati vachiuya kuzokutunura zvinokosha zvaiva pazvitunha, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakawirawo pasi vakafa paGomo reGiribhoa. Vakagura musoro wake vakabvisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kundozivisa mashoko aya kutemberi yezvifananidzo zvavo uye napakati pavanhu vavo. Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa mutemberi yaAshitoreti vakasungirira chitunha chake pamasvingo eBheti Shani.
Vanhu vokuJabheshi Gireadhi vakati vanzwa zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro, mhare dzavo dzose dzakasimuka dzikafamba usiku hwose dzichienda kuBheti Shani. Vakaburutsa mitumbi yaSauro navanakomana vake kubva pamasvingo eBheti Shani vakaenda kuJabheshi, kwavakandoipisa. Ipapo vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamariki paJabheshi, uye vakatsanya kwamazuva manomwe.