- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 1 Petro 1 Petro 1 Petro 1 Pet 1 PETRO Petro, mupostori waJesu Kristu, kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia, vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kunoita Mwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri. Mwari ngaarumbidzwe nokuda kweTariro ine Upenyu Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi. Ivai Vatsvene Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu. Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari. Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo. Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa. Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose. Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu, sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka. Ibwe Benyu naVanhu Vakasanangurwa Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari, nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.” Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,” uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo. Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa. Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni. Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu. Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira. Kuzviisa pasi paVatongi naVanatenzi Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru, kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka. Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi. Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari. Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo. Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha. Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari. Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa. Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu. Vakadzi naVarume Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo, saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo. Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu. Kutambudzika nokuda kwoKuita Zvakanaka Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa. Nokuti, “Uyo anoda upenyu kuti agoona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera. Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka; anofanira kutsvaka rugare agorutevera. Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo, asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.” Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka? Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.” Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo. Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa. Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya, nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura, uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu, iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake. Kuraramira Mwari Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi. Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari. Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza. Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo. Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa. Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya. Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera. Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti. Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo. Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Kutambudzika nokuda kwokuva muKristu Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri. Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake. Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri. Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe. Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro. Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari? Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?” Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka. Vakuru naVaduku Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka. Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori. Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai. Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo. Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Mashoko Okupedzisira Ndakakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri. Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo. Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.