- Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017
1 Johani
1 Johani
1 Johani
1 Joha
1 JOHANI
Shoko roUpenyu
Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira uye zvatakabata namaoko, izvozvi ndizvo zvatinoparidza zveShoko roupenyu. Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri. Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu. Tiri kunyora izvi kuti mufaro wedu uzadziswe.
Kufamba muChiedza
Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose. Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi. Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri. Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose. Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema uye shoko rake harizi matiri.
Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.
Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.
Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,
nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.
Ndinokunyorerai, madzibaba,
nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.
Ndinokunyorerai, imi majaya,
nokuti makakunda iye akaipa.
Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa,
nokuti makaziva Baba.
Ndinokunyorerai, madzibaba,
nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.
Ndinokunyorerai, imi majaya,
nokuti mune simba,
shoko raMwari rinogara mamuri,
uye makakunda iye akaipa.
Musada Nyika
Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.
Yambiro pamusoro paVanaandikristu
Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.
Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.
Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba. Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi.
Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
Vana vaMwari
Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.
Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro. Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi. Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana kuti akamuziva.
Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama. Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori. Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake.
Dananai
Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana. Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda mununʼuna wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omununʼuna wake akanga akarurama. Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.
Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko? Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi. Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose.
Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza. Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira. Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, naiye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.
Edzai Mweya
Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.
Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika. Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa. Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.
Rudo rwaMwari noRwedu
Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.
Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari. Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri.
Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye. Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.
Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona. Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.
Kutenda kuMwanakomana waMwari
Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.
Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana. Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
Mashoko Okupedzisira
Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi. Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa. Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.
Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho. Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi.
Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza. Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pasi powakaipa. Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.
Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.